1Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,
2“Iwe mwanakomana womunhu wochinangana neJerusaremu uparidze wakanangana nenzvimbo dzacho dzinoera uporofite wakanangana nenyika yeIsiraeri
3uti kunyika yeIsiraeri, zvanzi naTenzi chinzwa, ndanangana newe zvino. Ndichaburitsa bakatwa rangu muhara ndiuraye mukati mako vakarurama navakaipa.
4Sezvo ndichauraya mukati menyu vakarurama navakaipa kudaro saka bakatwa rangu richabudira muhara vanhu vose kubvira kumaodzanyemba dzamara kuchamhembe.
5Vanhu vose vachaziva kuti ini Tenzi ndini ndaburitsa bakatwa rangu muhara. Harichadzoserwazve muhara.
6Ungudza iwe munhu! Ungudza nomwoyo wakasuruvara nokushungurudzika kukuru vachiona nameso avo.
7“Kana vakakuti zvauya sei kuungudza kudai,
iwe uti ‘Pamusana pamashoko.
Paachasvikira munhu wose
achadumbirwa nazvo; maoko avose
achapera simba, mweya yose ichirukitika;
mabvi ose achati rukutu semvura zvayo.
Hezvo rosvika uye richatoitika.’ ”
Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.
8Shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati,
9“Iwe mwanakomana womunhu
porofita uti zvanzi naTenzi, iti:
Bakatwa, bakatwa rakarodzwa
uye rikakwenenzverwawo
10richirodzerwa kuuraya
nokukwenenzvererwa kupenya semheni!
Ndipo patingabva tatofaririra nhai?
Tarisai muone tsvimbo youmambo yapenyeserwa
mwanakomana wangu kuti
azvidze zvimiti zvokunamata.
11Bakatwa rakanzi rirodzwe
kuti ribatwe.
Rakarodzwa rikakwenenzverwa
kuti riiswe mumaoko momuurayi.
12“Ridza mhere uchihwihwidza,
iwe mwanakomana womunhu
pamusana pezvawira vanhu vangu
zvichinangana namachinda eIsiraeri ose.
Ipapo vanofanira kuuraiwa nebakatswa
iwe chibata rushaya,
13nokuti kuedzwa hakusi kuzorega kuuya
chamakazvidzira tsvimbo youmambo chii?
Hamusi kuzobudirira.”
Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
14“Saka zvino chiporofita iwe mwanakomana womunhu. Rovanisa maoko bakatwa rigouya pasi kaviri kana katatu kese, ibakatwa ravanofanira kuti vaurayiwe. Ibakatwa rokuuraya vanhu kwakanyanyisa rakatarisana navo
15kuitira mwoyo yavo idedere, vazhinji vafe mumaguta mavo mose. Ndakapa bakatwa rinopenya. Heekaka! Rakagadzirwa semheni rikaputirwa kuitira kuzourayisa.
16Nyatsocheka uku nouku kunenge kwangonanga rutivi runocheka.
17Ini ndicharovanisawo maoko angu ndichipedza hasha dzangu. Ndini Tenzi ndazvireva.”
Bakatwa ramambo weBhabhironi18Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti,
19“Iwe mwanakomana womunhu tara nzira mbiri dzokuitira hondo yebakatwa yamambo weBhabhironi ichauya. Dzose dziri mbiri dzichabva kunyika imwecheteyo. Umise chikwangwani uchidzike pakona yomugwagwa wokupinda muguta.
20Tara nzira yebakatwa inoenda kuguta reRabha rokuvaAmoni neinoenda kwaJudha muguta retsvingo reJerusaremu.
21Ndinodaro nokuti mambo weBhabhironi anosvikomira pamhararano penzira idzodzo panoparadzana nzira mbiri idzodzo oshopera. Anoita miseve hakata dzokukandira nadzo, obvunzira kutumwari twechiterafimu achinan'anidza pachiropa.
22Muruoko rwake rworudyi chin'ange chinenge chabata Jerusaremu kuti iisirwe zvombo zvakaita sehondohwe zvokudhugumurisa, nokundoshamarara kuridza mhere dzokuuraya nokudaidzirisa kwazvo nokumisa zvombo zvakaita sehondohwe zviya zvokudhugumurisa zvakatarisana nemisuo mikuru yacho nokuzoriisira chinenge musana wenzou chevhu kurusvingo nokuzovaka nokuchera mugero.
23Asi kwavari ivo zvichatarisika sokushopera kusina maturo vachitozviti vakapika mhiko chaidzo dzakasimba. Asi achaita kuti mhosva yavo iyeukwe kuitira kuti vagobatwa.
24“Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti makaita kuti chitadzo chenyu chiyeukwe nokuiswa pachena kwaitwa chitadzo chenyu zvokuti muzviito zvenyu zvose zvazvo, zvitadzo zvenyu zvava kuonekwa, zvaita kuti imi muyeukwe; muchaiswa mumaoko mavo.
25Iwe muipi, akan'ora, muchinda weIsiraeri zuva rokutongwa kwako kwokupedzisira rasvika zvino.
26Zvanzi naTenzi Mwari bvisa ngundu ukutunure chiremba choumambo. Zvinhu hazvicharamba zvakaita zvazvakaita. Vapasi vachasimudzwa vapamusoro vachaderedzwa.
27Ndichaita kuti uve dongo, dongo, dongo zvaro zvisati zvamboitika kusvikira ane mvumo yokuritonga auya ndiye wandicharipa.
Bakatwa rakanangana nevaAmoni28“Zvino iwe mwanakomana womunhu porofita uchiti, ‘Zvanzi naTenzi Mwari nezvevaAmoni uye nezvokunyadziswa kwavo achiti, bakatwa, bakatwa raburitswa muhara kuzorakatisa.’
“Rakakwenenzverwa zvokuva nokupenya kunenge kwemheni
29ivo vachikuonerai zviratidzo zvenhema kudaro
vachishopera zvenhema nezvenyu
saizvozvo bakatwa richazoiswa pamutsipa yavakaipa vakan'ora
vasvikirwa nenguva yokutongwa kwavo kwokupedzisira.
30Ridzosere muhara maro.
Munzvimbo mawakasikwa imomo
munyika mawakaberekerwa
ndimo mandichakutongera.
31Ndichapedzera shungu dzangu pauri
ndichava moto moto kukuvirukira nehasha dzangu.
Ndichakuisa mumaoko mavanhu voutsinye
mharadzi chaidzoidzo.
32Muchava huni dzokupisa moto,
ropa renyu richierera mukati menyika.
Hamuchazoyeukwazve nokuti ini Tenzi ndazvireva.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.