Ezekieri 21 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Bakatwa raTenzi

1Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,

2“Iwe mwanakomana womunhu wochinangana neJerusaremu uparidze wakanangana nenzvimbo dzacho dzinoera uporofite wakanangana nenyika yeIsiraeri

3uti kunyika yeIsiraeri, zvanzi naTenzi chinzwa, ndanangana newe zvino. Ndichaburitsa bakatwa rangu muhara ndiuraye mukati mako vakarurama navakaipa.

4Sezvo ndichauraya mukati menyu vakarurama navakaipa kudaro saka bakatwa rangu richabudira muhara vanhu vose kubvira kumaodzanyemba dzamara kuchamhembe.

5Vanhu vose vachaziva kuti ini Tenzi ndini ndaburitsa bakatwa rangu muhara. Harichadzoserwazve muhara.

6Ungudza iwe munhu! Ungudza nomwoyo wakasuruvara nokushungurudzika kukuru vachiona nameso avo.

7“Kana vakakuti zvauya sei kuungudza kudai,

iwe uti ‘Pamusana pamashoko.

Paachasvikira munhu wose

achadumbirwa nazvo; maoko avose

achapera simba, mweya yose ichirukitika;

mabvi ose achati rukutu semvura zvayo.

Hezvo rosvika uye richatoitika.’ ”

Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.

8Shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati,

9“Iwe mwanakomana womunhu

porofita uti zvanzi naTenzi, iti:

Bakatwa, bakatwa rakarodzwa

uye rikakwenenzverwawo

10richirodzerwa kuuraya

nokukwenenzvererwa kupenya semheni!

Ndipo patingabva tatofaririra nhai?

Tarisai muone tsvimbo youmambo yapenyeserwa

mwanakomana wangu kuti

azvidze zvimiti zvokunamata.

11Bakatwa rakanzi rirodzwe

kuti ribatwe.

Rakarodzwa rikakwenenzverwa

kuti riiswe mumaoko momuurayi.

12“Ridza mhere uchihwihwidza,

iwe mwanakomana womunhu

pamusana pezvawira vanhu vangu

zvichinangana namachinda eIsiraeri ose.

Ipapo vanofanira kuuraiwa nebakatswa

iwe chibata rushaya,

13nokuti kuedzwa hakusi kuzorega kuuya

chamakazvidzira tsvimbo youmambo chii?

Hamusi kuzobudirira.”

Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

14“Saka zvino chiporofita iwe mwanakomana womunhu. Rovanisa maoko bakatwa rigouya pasi kaviri kana katatu kese, ibakatwa ravanofanira kuti vaurayiwe. Ibakatwa rokuuraya vanhu kwakanyanyisa rakatarisana navo

15kuitira mwoyo yavo idedere, vazhinji vafe mumaguta mavo mose. Ndakapa bakatwa rinopenya. Heekaka! Rakagadzirwa semheni rikaputirwa kuitira kuzourayisa.

16Nyatsocheka uku nouku kunenge kwangonanga rutivi runocheka.

17Ini ndicharovanisawo maoko angu ndichipedza hasha dzangu. Ndini Tenzi ndazvireva.”

Bakatwa ramambo weBhabhironi

18Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti,

19“Iwe mwanakomana womunhu tara nzira mbiri dzokuitira hondo yebakatwa yamambo weBhabhironi ichauya. Dzose dziri mbiri dzichabva kunyika imwecheteyo. Umise chikwangwani uchidzike pakona yomugwagwa wokupinda muguta.

20Tara nzira yebakatwa inoenda kuguta reRabha rokuvaAmoni neinoenda kwaJudha muguta retsvingo reJerusaremu.

21Ndinodaro nokuti mambo weBhabhironi anosvikomira pamhararano penzira idzodzo panoparadzana nzira mbiri idzodzo oshopera. Anoita miseve hakata dzokukandira nadzo, obvunzira kutumwari twechiterafimu achinan'anidza pachiropa.

22Muruoko rwake rworudyi chin'ange chinenge chabata Jerusaremu kuti iisirwe zvombo zvakaita sehondohwe zvokudhugumurisa, nokundoshamarara kuridza mhere dzokuuraya nokudaidzirisa kwazvo nokumisa zvombo zvakaita sehondohwe zviya zvokudhugumurisa zvakatarisana nemisuo mikuru yacho nokuzoriisira chinenge musana wenzou chevhu kurusvingo nokuzovaka nokuchera mugero.

23Asi kwavari ivo zvichatarisika sokushopera kusina maturo vachitozviti vakapika mhiko chaidzo dzakasimba. Asi achaita kuti mhosva yavo iyeukwe kuitira kuti vagobatwa.

24“Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti makaita kuti chitadzo chenyu chiyeukwe nokuiswa pachena kwaitwa chitadzo chenyu zvokuti muzviito zvenyu zvose zvazvo, zvitadzo zvenyu zvava kuonekwa, zvaita kuti imi muyeukwe; muchaiswa mumaoko mavo.

25Iwe muipi, akan'ora, muchinda weIsiraeri zuva rokutongwa kwako kwokupedzisira rasvika zvino.

26Zvanzi naTenzi Mwari bvisa ngundu ukutunure chiremba choumambo. Zvinhu hazvicharamba zvakaita zvazvakaita. Vapasi vachasimudzwa vapamusoro vachaderedzwa.

27Ndichaita kuti uve dongo, dongo, dongo zvaro zvisati zvamboitika kusvikira ane mvumo yokuritonga auya ndiye wandicharipa.

Bakatwa rakanangana nevaAmoni

28“Zvino iwe mwanakomana womunhu porofita uchiti, ‘Zvanzi naTenzi Mwari nezvevaAmoni uye nezvokunyadziswa kwavo achiti, bakatwa, bakatwa raburitswa muhara kuzorakatisa.’

“Rakakwenenzverwa zvokuva nokupenya kunenge kwemheni

29ivo vachikuonerai zviratidzo zvenhema kudaro

vachishopera zvenhema nezvenyu

saizvozvo bakatwa richazoiswa pamutsipa yavakaipa vakan'ora

vasvikirwa nenguva yokutongwa kwavo kwokupedzisira.

30Ridzosere muhara maro.

Munzvimbo mawakasikwa imomo

munyika mawakaberekerwa

ndimo mandichakutongera.

31Ndichapedzera shungu dzangu pauri

ndichava moto moto kukuvirukira nehasha dzangu.

Ndichakuisa mumaoko mavanhu voutsinye

mharadzi chaidzoidzo.

32Muchava huni dzokupisa moto,

ropa renyu richierera mukati menyika.

Hamuchazoyeukwazve nokuti ini Tenzi ndazvireva.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help