Sira 17 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Mwari akasika munhu achimuumba nevhu,

kuvhu ndiko kwaanomudzoserazve.

2Akatemera vanhu kuti vararame kwechidimu chenguva

asi akavapa utongi hwezvinhu zvose zviri panyika.

3Akavapa simba rakaita serake,

akavasika vakafanana naiye pachake.

4Akaisa muzvisikwa zvipenyu zvose,

mweya wokutya munhu

akavapa utongi hwemhuka neshiri.

5Akavapa simba rokushandisa masimba mashanu okufunga, akavapa chimwe chipo chechitanhatu chemwoyo wokufunga nawo, chechinomwe chiri pfungwa dzacho dzinomubatsira kutsanangura masimba iwaya.

6Akavaitira rurimi, namaziso nenzeve,

akavapawo mwoyo yokufunga.

7Akavazadza noruzivo nokunzwisisa,

akavaonesa zvakanaka nezvakaipa.

8Akavhenekera mwoyo yavo,

9kuti vaone kukoshesesa kwamabasa ake, zvokuti vazvikudze nezvinhu zvake zvinoshamisa.

10Vachidetemba zita rake rinoera,

nokutaura mabasa ake akakoshesesa.

11Akavapa ruzivo,

achivapa murau woupenyu kuti uve nhaka yavo.

12Akaitirana navo chitenderano chokugara nokugara,

achivazivisa mirao yake.

13Maziso avo akaona kupenyesesa kwokuvapo kwake,

nzeve dzavo dzikanzwawo ukuru ukuru hwezwi rake.

14Akavati, “Chenjererai zvisakarurama zvose,”

achivapa mitemo yaitaura zvinofanira kuita

munhu oga oga kuno mumwe wake.

Mwari mutongi wavose

15Maitiro ezvinhu zvose ari pamberi paMwari

hapana chakavandika mumaziso ake.

16Hwavo wakarerekera kuuipi. Chavo ivo mwoyo wedombo havakwanisi kuvawo nemwoyo kwawo womunhu.

17Rudzi rumwe norumwe akarusarudzira mutongi warwo,

asi Isiraeri inhaka yake.

19Mabasa avo ose ari pachena kwaari sezuva,

maziso ake anoongorora zviito zvavo.

20Zvisakarurama zvavo hazvivandiki paari,

kutadza kwavo kwose kunoonekwa naMwari.

22Mabasa etsitsi, anoita munhu

Mwari anoaona seringi rechidhindo,

mwoyochena womunhu anouchengetedza

semboni yeziso rake.

23Mushure mezvo achasimuka ozovadzosera,

achipa mumwe nomumwe zvakakodzerana nezviito zvake.

24Anopa vanopinduka mukana wokudzokera kwaari,

achikurudzirawo vakarasa mwoyo.

Pindukirai kuna Mwari

25Pindukira kuna Mwari,

usiye zvitadzo zvako,

zviise pamberi pake umuteterere,

urege kumutadzira.

26Tendeukira kuna iye Wokumusorosoro, ufuratire

zvisakarurama zvako

uvenge zvikuru zvinhu zvinomusemesa.

27Ndiani acharumbidza Wokumusorosoro

munzvimbo yavafi,

sezvinoita vapenyu vanomutenda?

28Kune vakafa uku, kutenda Mwari kwakatopera

sezvinongoita vanhu vasina kumbova vapenyu,

asi vapenyu vari wadi ndivo vanorumbidza Mwari.

29Tsitsi dzaMwari dzakawanda kwazvo,

kuregerera kwake kukuru kwazvo

kuvanhu vanotendeukira kwaari.

30Isu vanhu hatigoni kuva nezvinhu zvose,

nokuti munhu munhu, anofa.

31Chiripo here, chinopenya kupinda zuva?

Asi kanawo nairo zuva rinoora.

Ndizvowo nomunhu wenyama neropa anoronga zvouipi?

32Mwari ndiye muchengeti wezviri kumusorosoro,

asi munhu ivhu zvaro nedota chete.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help