1 Vanamakabhi 3 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

III: JUDHASI MAKABHEUSI ANOVA MUTUNGAMIRIRI WAVAJUDHA (166—160 Kristu asati auya)Mbiri yaJudhasi

1Ipapo Judhasi mwanakomana waMatatiya ainziwo Makabheusi, ndiye akabva azova mutungamiriri panzvimbo pavo.

2Vakoma navanun'una vake navose vakanga vabatana nababa vavo, vakamubatsira vakarwira Isiraeri nomwoyo unoda.

3Akaita kuti mbiri yavanhu vokwake ipararire

sokungewo hofori yakapfeka chidemautare

chokuzvidzivirira nacho.

Aipfeka hanzu dzehondo

achirwa dzihondo,

achidzivirira hondo yavarwi nebakatwa rake.

4Aiva shumba chaiyo mumaitiro ake,

semwana weshumba inodzvovera nyama.

5Vasina mutemo aivavhima nokuvaronda,

vaitambudza vanhu vake aivapisa.

6Vanhu vasina mutemo vaihuta nokumutya,

Vose vaiti vezvakaipa vaibva vakangaidzwa,

noruoko rwake zvokununura zvakafambira mberi.

7Akarwadzisa mwoyo madzimambo mazhinji,

asi akaita kuti Jakobho yose ifare nezvaakaita,

kumurangarirwa kwake kuchava chinhu chinofadza narini wose.

8Akabvongodza maguta ose okwaJudha,

achiparadza vasingadi Mwari imomo,

saizvozvo akapfupirira Isiraeri,

hasha dzakanga dzava kuivirukira.

9Mukurumbira wake wakasvika chaiko kwakaperera nyika;

vainge voda kuparara aivakokorodza.

Judhasi anokurira Aporoniosi

10Izvozvo Aporoniosi akaunganidza vanhu vechirudzi pamwechete nehondo huru yokuSamaria kuzorwisa Isiraeri.

11Judhasi paakazvinzwa, akaenda kundosangana naye akamukurira akamuuraya. Vazhinji vakakuvara vakafa, vamwe vose vakaparamuka kutiza.

12Vakabva vapamba zvinhu zvavo, Judhasi akatora bakatwa raAporoniosi akazorishandisa muhondo upenyu hwake hwose.

13Kuzoti Seroni mutungamiriri wehondo yeSiria, anzwa kuti Judhasi akaunganidza gungano guru ravanhu navamwewo vaigara vakati kwatikwati naye vaiva vanhu vakatendeseka vaitoendawo kuhondo

14akazviti, “Ndinodawo kuti zita rangu rive nomukurumbira ndirumbidzwe munyika mamambo. Ndinoda kuita hondo naJudhasi navamwe vake vanozvidza chirevo chamambo.”

15Uyewo akaenda nehondo huru yavanhu vasingatyi Mwari kuti vamubatsire kundotsividza vanhu vaIsiraeri.

16Paakanga ovavarira kukwira mukwidza wokuBhetihoroni, Judhasi akamubudira aine chikwata chidiki.

17Asi pavakaona hondo ichiuya kuzosangana navo vakati kuna Judhasi, “Iyesu vashoma kudai, tingarwisane sei chaizvo negurusvusvu guru ravanhu vakasimba kudai? Isu takarukutika, nokuti chatati tambokanda mukanwa nhasi uno hapana.”

18Judhasi akapindura achiti, “Zviri nyore wani kuti vazhinji vanzi kokekoke navashoma nokuti kune Wedenga, hazvina mhosva kuti anoponesa vanhu achishandisa vazhinji kana vashoma.

19Hakusi kuwanda kwamasoja kunoita kuti vanhu vakunde muhondo, asi simba rinobva kudenga.

20Kuuya kwavo kuzotirwisa, vari kuuya vachizvikudza kwazvo vasiri vanhu vokuchengeta mutemo, kuzotiparadza isu namadzimai edu navana vedu nokutipamba.

21Asi chatiri kurwira isu, upenyu hwedu nemitemo yedu. Iye pachake ndiye achatiparadzira vanhu ivava ava.

22Chenyu imi musatye.”

23Akati apedza kutaura kudaro akabva amhanyira kundorwisa Seroni pamwechete nehondo yake hondo yaSeroni ikaparadzwa mberi kwavo.

24Vakadzingirirana navo kumateru okuBhetihoroni, kukafa vamwe vavo mazana masere, vamwe vose vakatizira kunyika yavaFirisitia.

25Saka Judhasi navakoma navanun'una vake vakatanga kutyiwa. Vechirudzi vakawirwa nokutya vomunharaunda mavo.

26Mukurumbira wake wakasvika munzeve dzamambo, marudzi akazengezana nezvehondo dzairwiwa naJudhasi.

Basa rakapiwa Risiasi namambo Andiokusi

27Mashoko aya paakasvika munzeve dzamambo Andiokusi, akaviruka nehasha akatuma shoko rokuti hondo dzake dzose dzomunyika yose yaaitonga dziungane, hondo yakasimba kwazvo.

28Akazarura mabhokisi ake emari akatambirisa varwi vehondo yake mubayiro wegore rose akavati vagare vakagadzirira kuitira chose zvacho chinenge changomuka.

29Akazozviona kuti, mari mudura rayo, yapera. Akazvionawo kuti mari yemitero yaibva munyika imomo yakanga yava shomanana pamusana pokupesana uye pamusana penhamo yaakanga apinza munyika nokubvisa kwaakanga aita mitemo yakanga iripo kubvira pasichigare.

30Akatyira kuti pamwe haangazowana mari yakaita semari yaaiva nayo kare yokushandisa iye pachake neyokupa zvipo sezvaaisiita zvokutowodzvorera zvake kupa kudarika madzimambo akamutangira.

31Zvakamupazanisa kwazvo musoro, akafunga zvokuenda kuPezhiya kundoteresa matunhu eko kuti ave nemari yakawanda.

32Akasiira Risiasi, mumwe munhu aizikanwa kwazvo wokumba huru, zvose zvokwamambo kubvira muna Yufuratesi kusvikira kuIjipiti.

33Risiasi aifanirawo kuchengeta mumwe mwanakomana wamambo ainzi Andiokusi kusvikira azodzoka.

34Andiokusi akakamurira Risiasi hondo dzake napakati nenzou. Akamutaurirawo zvose zvaaida kuti zviitwe. Panyaya yezvavagari vokuJudhia kuJerusaremu,

35Risiasi uyu aifanira kutumira hondo dzokundovarwisa kuitira kuti vatsvaire nokuparadza simba reIsiraeri, nechitsama chakasara muJerusaremu. Aifanira kuti arovese zita ravo munzvimbo iyoyo,

36aise vatorwa munyika mavo aikamure kamure.

37Iye akatora chimwe chikamu chiya chehondo yake yavarwi. Akasimuka muAndioku, guta rake romuzinda, mugore rake rezana namakumi mana nechinomwe. Akayambuka rwizi rwaYufuratesi akapfuura nomunyika dzokumusoro.

38Risiasi akasarudza pakati peshamwari dzamambo Toremu mwanakomana waDhorimenesi akasarudzawo Nikanori naGogiasi, mvumba chaidzo dzokurwa.

39Akavatuma namakumi mana ezviuru zvavarwi vetsoka, nezviuruwo zvinomwe zvavarwi vamabhiza kuti vaende kunyika yokwaJudha kundoiparadza sokutemwa kwazvakanga zvaitwa namambo.

40Saizvozvo vakasimuka nehondo yavo yose vakasvikodzika musasa wavo wematendhe mubani rokuEmausi.

41Vanhu vemhindu dzokutengesa vomuruwa irworwo vakati vachinzwa zvaitaurwa nezvavo vakatora sirivha nendarama yakawanda kwazvo nengetani. Vakaenda kumusasa wavaIsiraeri wematendhe kundotora varanda. Hondo dzeSiria nedzokunyika yevaFirisitia dzakabatanawo navo.

42Zvino Judhasi navakoma navanun'una vake vakaona kuti nhamo dzakanga dzawanda uye kuti hondo dzavarwi dzakanga dzatoita musasa munyika mavo. Vakazivawo zvakanga zvatemwa namambo kuti zviitwe kuvaIsiraeri kuti vachinyatsobva vaparara chaizvo.

43Asi vakarangana vachiti ngatimutsiridzei zvakaparara muvanhu vedu, tirwire vanhu vedu neNzvimbo Inoera.

44Gungano rose rakabva raungana kugadzirira hondo uyewo kuzonamata vachikumbira kuti vaitirwe tsitsi nenyasha.

45Guta reJerusaremu rakanga rangova dongo serenje;

hakuna mwana waro aibuda kana kupinda.

Nzvimbo Inoera yakatsokodzerwa

nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo yava mumaoko

avanakomana vavatorwa,

yava kutombogarwa zvayo nevechirudzi.

Muna Jakobho rufaro rwakabviswa,

nyere nedimbwa zvikamira kuridzwa.

Musangano wavaIsiraeri kuMizipa

46Naizvozvo vakaungana vakaenda kuMizipa, pakatarisana neJerusaremu nokuti kare Isiraeri yaiva nenzvimbo yokunamatira kuMizipa ikoko.

47Vakatsanya musi iwoyo vakapfeka hanzu dzamasaga vakazvidira dota mumusoro vakabvarura mbatya dzavo neshungu.

48Vakazarura Bhuku roMutemo vachida kunzwa nezvenyaya idzodzo sokubvunzawo kunoita vechirudzi vachibvunza kuna vamwari vavo.

49Vakauyawo namagemenzi avapristi nembesa dzokutanga nezvegumi vakamutsa mwoyo wavaNaziri vakanga vapedza mazuva avo ouNaziri.

50Vakachema vachidaidzira kudenga vachiti,

“Toitei navanhu ava?

Toenda navo kupi?

51“Nzvimbo yenyu Inoera iri kutsokodzerwa nokun'oreswa; vapristi venyu vari kuungudza vari mukunyadziswa.

52“Tarisaika muone, vechirudzi ava

vaunganidzana kuti vatiparadze.

Zvavari kutirangana munozviziva.

53“Tingamirisane navo sei

kana imi mukarega kutibatsira.”

54Vakaridza mabhosvo vakadaidzira.

55Mushure maizvozvi Judhasi akasarudza vatungamiriri vavaIsiraeri. Vamwe vakava vatungamiriri vamapoka ainge aine churu chavanhu, mukati macho, vamwe vaiva vatungamiriri vetumapoka twainge tuine zana ravanhu, tumwe tuine makumi mashanu, tumwewo tuine gumi ravanhu.

56Akataurira vakanga vaine ruvara rwokuvaka dzimba kana varume vainge vachangoroora kana vakanga vachiri kusima minda yemigirepisi kunyange navamwe vainge vapindwawo zvavo nomweya woumbwende kuti mumwe nomumwe adzokere zvake kumusha maererano nomutemo.

57Hondo yakafamba ichibuda ikandodzika musasa wayo wematendhe yava kuchamhembe kwaEmausi.

58Judhasi akati, “Sungai dzisimbe muite chivindi, mugadzirire mangwana mangwanani–ngwanani kundorwisa vanhu vechirudzi ava vaunganira kuzotirwisa kuti vatiparadze neNzvimbo yedu Inoera.

59Zviri nani kuti tifire zvedu muhondo pane kuti tiyeve zvedu kuparadzwa kworudzi rwedu nekweNzvimbo Inoera.

60Asi zvinodiwa naNyadenga ndizvo zvaachaita izvozvo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help