1 Vanamakabhi 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kurwisa Idhumia kwakaitwa naJudhasi

1Pakanzwa vanhu vechirudzi vomunharaunda imomo kuti atari yakanga yavakwa uye kuti Nzvimbo Inoera yakatokumikidzwa kuna Mwari sezvayakambenge iri pakutanga, vakashatirwa kwazvo,

2vakatsunga mwoyo kuti vaparadze vana vokwaJakobho vaigara pakati pavo. Vakabva vatanga kuvauraya nokuvaparadza muvanhu imomo.

3Asi Judhasi akarwisa vanhu vokwaEsau kuIdhumia paAkirabhatene nokuti vaigara vakahwandira vaIsiraeri. Akavakaurisa chaizvo akavapamba zvinhu zvavo.

4Akarangarira uipi hwavanhu vokwaBhayani vaiva chinhu chaivateya uye riva kuvanhu vachivahwandira mumigwagwa mikuru.

5Akavazarira munharirire dzavo akavadzikira musasa wamatendhe wokuvakomba akapika kuti anofanira kuti avatsakatise. Akapisa nharire dzavo nomoto navose vaivamo.

6Akazoyambuka akandorwisa vaAmoni vaakawana vari chikwata chakasimba chavanhu vazhinji vaitungamirirwa naTimoti.

7Akarwisana navo kazhinji akavaparadza achivarizha.

8Akakurirawo Jazero nemisha yaro akadzokera kuJudhia.

Kurwira kwakaita Judhasi vanhu vokuGiriadhi

9Vanhu vechirudzi vokuGiriadhi vakaunganidzana varonga zvokuparadza vaIsiraeri vaigara munyika mavo. Asi ivo vakatizira kunhare yokuzvidzivirira nayo muhondo yokuDhatema,

10vakatumira kuna Judhasi navakoma navanun'una vake tsamba yaiti,

“Vechirudzi vakatipoteredza kuno vaungana

kuzotirwisa nokutiparadza.

11Vari kutogadzirira kuuya kuzokurira nhare

yokuzvidzivirira nayo muhondo kwatatizira.

Ari kutungamirira hondo dzavarwi ivavo ndiTimoti.

12Zvino uyai mutinunure

mumaoko mavo nokuti vazhinji vedu vatofa,

13uye hama dzedu dzose dzanga

dziri munyika yeTobhu dzakatourayiwa.

Vavengi vakatotapa vakadzi vavo

navana nezvinhu vakaparadzawo ikoko

vanoda kusvika churu chimwechete chavanhu.”

14Tsamba iyi payaingunoverengwa kudaro, ndiye vhu ipapo dzimwewo nhume, mbatya dzadzo dzakabvarurwa zviye zveshungu dzichibva kuGarirea, vakasvikopirawo shoko rimwechetero.

15Vakatiwo kwedu'uku taunganirwa navarume vokuToremaisi nevokuTire nevokuSidhoni neGarirea yose zvayo navanhu vechirudzi, “Kuzotitsakatisa.”

16Mashoko aya paakasvika munzeve dzaJudhasi nedzavanhu, pakakokerwa musangano mukuru wokuronga zvokuti vaitire hama dzavo dzakanga dzava mupfumvu uye vakanga vorwiswa navavengi.

17Judhasi akati kumukoma wake Simoni, “Zvisarudzire varwi uende undonunura hama dzako kuGarirea, ini nomunun'una uyu Jonatani tichaenda kuGiriadhi.”

18Asi akasiya Josefi mwanakomana waZekariya aina Azariya mutungamiriri wavanhu vaine dzimwe hondo dzose dzavarwi vari muJudhia kuti vaichengetedze.

19Akanyatsovati, “Munofanira kuti vanhu ava vave mumaoko menyu, musarwisane namarudzi aya kusvikira tadzoka.”

20Ipapo zviuru zvitatu zvavanhu zvakapiwa kuna Simoni zvokuenda nazvo kuGarirea, zviuru zvisere zvakapiwa kuna Judhasi zvokuenda nazvo kuGiriadhi.

Kurwira kwakaita Simoni vanhu vokuGarirea

21Saizvozvo Simoni akaenda kuGarirea akarwisana nevechirudzi hondo zhinji. Vanhu vechirudzi vakaparadzwa naye.

22Akadzingirirana navo kudzamara kusuo guru reToremaisi. Pakafiwa nevechirudzi ava vaitosvika zviuru zvitatu akatora zvinhu zvavo.

23Akazotora vaJudha vokuGarirea nevokuAribata namadzimai avo navana nezvinhu zvavo zvose akaenda navo kuJudhia vachifara zvikuru kwazvo.

24Judhasi Makabheusi nomunun'una wake Jonatani vakayambuka Jorodhani. Vakafamba rwendo rwamazuva matatu murenje.

25Vakasangana navanhu vechiNabhati vakavagamuchira zvakanaka vakavataurira zvose zvakaitika kuhama dzavo muGiriadhi

26vachiti,

“Vazhinji vavo vakazaririrwa mumaguta aya

anoti Bhozira neBhosori iri muArema

neKasifo neMakedhi neKarinaimu

maguta ose iwaya maguta akasimba uye makuru.

27Uye vamwewo vakazaririrwa muna mamwe

magutawo omuGiriadhi macho.

Vavengi ivava vari kutogadzirira kurwisa

nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo idzodzi

mangwana kuti vaakurire vaparadze vanhu

vose ivava nomusi mumwechete.”

28Judhasi nehondo yake vakabva vapishinukira kuBhozira nokukasika nenzira yokurenje vakarikurira. Vakauraya varume vose namapakatwa, akabva avatorera zvinhu zvavo ndokuripisa nomoto.

29Akabva abva ikoko nousiku vakafamba kudzamara kundosvika kune imwe nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo yeDhetema.

30Mambakwedza vakatarisa vakaona hero gurusvusvu ravanhu vasingaverengeke vakabipitira manera nemichini yokuhondo kuzokurira nhare yokuzvidzivirira iyoyo vagorwisa vaJudha vari mukati macho.

31Nokudaro Judhasi akatozviona kuti hondo yatomuka pano apa uyewo kuti mhere yegutaro yaikwira kudenga pamwechete namabhosvo nokuzhambatata.

32Iye akabva ataurira varwi vake vehondo kuti, “Nhasi uno, rwirai hama dzenyu!”

33Vakavinga mhandu nokugotsi kwayo vari muzvikwata zvitatu vairidza mabhosvo avo vachidaidzira kunamata.

34Hondo yaTimoti payakazviziva kuti ndiMakabheusi yakabva yati ware kutiza akanyatsovakurira chaizvo. Pakafiwa navanhu vanosvika zviuru zvisere musi iwoyo.

35Akazotendeukira kuArema akarirwisa akarikurira akauraya varume vose vaivamo akapamba zvinhu zvavo akaripisa nomoto.

36Paakabva ipapo akaenda mberi akakurira maguta aya anoti: Kasifo neMakedhi naBhosori namamwe maguta omuGiriadhi.

37Mushure maizvozvi, Timoti akaunganidza imwe hondo akadzika musasa wematendhe pakatarisana neRafani kumhiri kwakakova.

38Judhasi akatuma varume vokundosora musasa iwoyo. Vakaunza shoko kwaari rokuti, “Vanhu vechirudzi vose vakatipoteredza vaungana kuna Timoti. Gurusvusvu chairo rehondo.

39Vakakoka vaArabhu kuti vavabatsire. Kutaura kuno vakatodzika musasa wematendhe pamhiri pekarwizi vatogadzirira zvokukurwisai.” Judhasi akaenda kundosangana navo.

40Judhasi nehondo yake pavakanga vachiswedera mukakova kemvura, Timoti akati kumachinda ehondo dzake dzavarwi, “Kana munhu uyu akatitangira kuyambuka, tadzva hatimbokwanisa kumurwisa anototikunda chete.

41Asi akaratidza kutya akadzika musasa wake wematendhe kumhiri ikoko uko, tinomuyambukira tikandomukurira.”

42Judhasi paakaswedera kukakova kacho, akavakomera kuti “Musambobvumira munhu kumbodzika musasa, itai kuti vose vaende kundorwa.”

43Ipapo akabva atanga iye kuvayambukira, hondo yose ikati wiriwiri mushure kumutevera. Vose zvavo vechirudzi vakakurirwa naye, vakakanda zvombo zvavo zvehondo pasi vakatizira munzvimbo dzinoera kuKarinaimu.

44Asi iye akakurira guta iroro akapisa nzvimbo dzacho dzinoera nomoto pamwechete navanhu vose vaivamo. Ndokukundwa kwakaitwa guta reKarinaimu ikoku, havana kuzokwanisa kumirisana naJudhasi zvakare.

45Judhasi akaunganidza vaIsiraeri vose muGiriadhi vakuru navadiki navakadzi vavo navana vavo nezvinhu zvavo, hero gurusvusvu chairo ravanhu kuti vachienda kunyika yokwaJudha.

46Vakasvika kuEfuroni raiva guta guru rakasimba kwazvo raiva riri panzira. Zvino havaikwanisa kurinyenyeredza nokurudyi kana kuruboshwe, vaitofanira kupfuura nemariri.

47Asi vanhu vomuguta iroro vakavapfigira kunze vakatutira mabwe pamisuo mikuru.

48Judhasi akavatumira shoko iri rine kushamwaridzana mukati rokuti, “Tiregei tipfuurewo zvedu nomunyika menyu tichienda kunyika kwedu. Hapana achawana chaachakuitai. Chatirikungoda kupfuura zvedu chete netsoka.” Asi vakaramba kumuzarurira.

49Judhasi akatuma shoko kuhondo yake rokuti munhu oga oga ngaamise kamusasa kake paari ipapo.

50Saizvozvo varwi vehondo vakaita musasa, vakarwisa guta iroro muswere wezuva iroro rose nousiku ihwohwo hwose, guta iroro rakaiswa mumaoko make.

51Akaparadza vanhurume vose namapakatwa akanyatsoparadza guta iroro akapamba zvinhu zvomo, akapfuura nomuguta imomo napamusoro pezvitunha.

52Vakayambuka Jorodhani vakapinda mubani guru riri pakatarisana neBhetishani.

53Judhasi akaramba achikuza vaisaririra shure achikurudzira vanhu nzira yose dzimara asvika kunyika yokwaJudha.

54Saka vakakwira kuGomo reZioni vachifara nokupembera vakasvikopira mipiro yokupisa nokuti vakadzoka zvakanaka pasina nomumwe wavo akanga auraiwa.

55Judhasi naJonatani pavakanga vachiri kuGiriadhi uyewo munun'una wake Simoni paakanga achiri kuGarirea kuna Toremaisi,

56Josefi mwanakomana waZekariya, pamwechete naAzariya vatungamiriri vehondo dzavarwi, vakanzwa nezvavakaita noushingi nehondo yavakarwa yohugamba.

57Saka vakati, “Regai tindozviwanirawo zita redu mukurumbira, regai tindorwisawo vechirudzi vakatitenderedza.”

58Vakatuma shoko kuvarume vakanga vari muhondo yavaiva nayo, vakandorwisa Jamina.

59Gogiasi navarwi vake vakabuda muguta imomo kundosangana navo kurwa hondo.

60Ipapo Josefi naAzariya vakadzvamutswa vakadzingirirwa dakara kundosvika kumuganhu yeJudhia. Kwakafiwa navanhu veIsiraeri vanosvika zviuru zviviri musi iwoyo.

61Saka vanhu vakakatara kwazvo nokudzvamutswa pamusana pokuzvifurira nechivindi chokuda kushamisira vasingateerere Judhasi navakoma navanun'una vake.

62Vakanga vasiri vemhuri yevarume yakagoverwa kuti ndiyo ichazopa kuti Isiraeri inunurwe.

63Murume uyu ainzi Judhasi navakoma navanun'una vake vakarumbidzwa kwazvo muIsiraeri yose, uye nomukati mevose zvavo vechirudzi kwose zvako kwainzwikwa zita ravo.

64Vanhu vaivaunganira vachivarumbidza.

65Judhasi navakoma navanun'una vake vakazoenda kundorwisa vanakomana vokwaEsau kunyika yokumaodzanyemba. Akarwisa guta reHebhuroni nemisha yaro akapaza nhare dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo akapisa nharire dzaro dzakanga dzakatenderedza.

66Akazobva ipapo opinda munyika yavaFirisitia achienda kuSamaria.

67Musi iwoyo vamwe vapristi vakanga vazvifurira nokuda kuita chivindi, vakafa muhondo pamusana pokuti vakapinda mukurwa zvisina nomusoro wese.

68Asi Judhasi akatendeukira kuAzotusi munyika yavaFirisitia, akapaza atari dzavo nezvifananidzo zvokuveza zvavamwari vavo akazviroromesa nomoto.

Akapamba zvinhu mumaguta imomo ndokudzokera zvake kunyika yokwaJudha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help