Isaya 47 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kuranga kwakaitwa guta reBhabhironi naMwari

1Chiburuka pasi

ugare pavhu

iwe mukunda mhandara,

guta reBhabhironi

ugare pasi usina chigaro choumambo.

Iwe mukunda, guta revaKaridhea

nokuti hauchanzi

munhu ano mwoyo munyoro

mwoyo wokuziva.

2Chitotora makuyo

uchikuya zvako upfu,

vhoiri rako bvisa,

katanura rokwe rako

rinozvezvera napasi.

Kwinya rokwe rako

urisvitse muchiuno

uyambuke nzizi.

3Muviri wako uchaiswa pachena,

uonererwe navanhu.

Ndichatsividza

ndisina wandinosiya.

4Mununuri wedu

ndiTenzi wehondo nehondo,

ndozita rake iroro,

ndiye Anoera weIsiraeri.

5Chigara chinyararire

upinde murima,

iwe mukunda guta revaKaridhea,

nokuti hauchazonzi

shasha anotonga dzinyika.

6Ndakanga ndashatirirwa vanhu vangu

ndikan'oresa nhaka yangu

ndikaiti mumaoko mako kuche,

iwe hauna kuvaitira tsiye nyoro.

Pane vakanga vakwegura ava

joko rako wakariita kuti

rinyatsoremesesa chaizvo

7uchizviti, “Ndini ndichagara

ndiri shasha narini wose.”

Zvokuti mumwoyo mako umu

zvinhu izvozvi izvi

hauna kumbozvifunga

kana kumborangarira zvako

magumo wazvo.

8Zvino naizvozvo

chinzwa zvinhu izvi,

iwe munhu wokusasana,

iwe wakanyatsogarikana

unozviti mumwoyo

“Ndini pano ini,

hakuna mumwe akaita seni!

Ini, kugara sechirikadzi,

hazvitomboitika,

kana iko zvako

kunzi ndafirwawo navana.”

9Izvozvi zviri zviviri

uchayerekana zvakuwira

zuva rimwechetero,

iko kushayikirwa navana nouchirikadzi,

zvichakuwira nomwero wakanyatsokwana

kunyange zvazvo

iwe uine uroyi hwakanyanya kudai

nesimba guru remakona ako.

10Wakatogadzikana zvako mwoyo

uri muhuipi hwako ihwohwo

uchitozviti, “Hakuna anondiona.”

Uchenjeri hwako noruzivo rwako,

zvakakurasisa

uchizviti mumwoyo,

“Ndini pano ini

hakuna mumwe kunze kwangu.”

11Asi nhamo ichakuvinga

yausingagoni kupedza nokupfupira,

uchawirwa nenyatwa

yausingakwanise kupodza nokupira,

uchayerekana wawirwa nedzinoparadza

dzausina chaunoziva nezvadzo.

12Batisisa zvemakona ako izvozvo

nezvouroyi hwako hwakanyanya ihwohwo

zvawadai kushanda nazvo

kubvira pauduku hwako

dzimwe nguva ungagone kubudiriraka,

zvimwe ungambotyisidzirawo.

13Waneteswa nawo mazano ako akawanda,

ngaachimiraka akununure tione,

ivo vanoisa matenga muzvikamu zvikamu

vanoongorora nyenyedzi pakugara kwemwedzi

vanoti pakugara kwemwedzi

vofemberaka

pamusoro pezvichazokuwira.

14Hezvo vava kunge zvidzitsi,

moto wovaroromesa zvino.

Havachakwanisi kuzvinunura

kusimba rokupisa kwerimi racho.

Haasi mavhunze okuti munhu adziye

usiri moto wokugara padyo uchigota!

15Ndizvozvo chete zvavanogona kukuitira

kuna ivo vacho kwawaindobvunzira

kubvira pauduku hwako,

vachakudzvamuka

voti uyu nokwake uyu nokwake,

wokukununura panenge pasisina.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help