1 Samueri 31 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kufa kwaSauro pamwechete navanakomana vake

1VaFirisitia vakarwisana navaIsiraeri, vaIsiraeri vakatiza vaFirisitia vakarakatiswa kufa kugomo reGiribhoa.

2VaFirisitia vakati tsvome tsvome kudzingirirana naSauro navanakomana vake. VaFirisitia ava vakauraya Jonatani naAbhinadhabhu naMarikishua vana vaSauro vakomana.

3Hondo yakanga zvino yaomera Sauro, vemiseve vakabva vamuwana vakamukuvadza zvakaipisisa kwazvo.

4Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako mumuhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandibaya, ivo, vachindiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri.

5Uya aimutakurira zvombo zvehondo achionawo kuti Sauro afa, naiyewo akazviwisira pabakatwa rake, akafawo pamwechete naye.

6Uku ndokufa kwakaita Sauro navana vake vakomana vatatu, neaimutakurira zvombo zvehondo zvake, navarwi vake vose musi wakarewo pamwechete.

7VaIsiraeri vaiva mhiri kwebani navaiva kumhiri kwaJorodhani pavakaona kuti varwi veIsiraeri vakanga vatiza uyewo kuti Sauro navana vake vakomana vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. VaFirisitia vakaenda vakagaramo.

8Ramangwana racho vaFirisitia vakaenda kundotora zvaiva pazvitunha. Vakawana Sauro navana vake vakomana vatatu vakati kan'an'a kugomo reGiribhoa.

9Vakamudimura musoro vakakatanura chidemautare chake chokuzvidzvivirira Nacho muhondo. Vakatumira nhumwa kunyika yose yavaFirisitia nedama rakanaka kwazvo kutemberi yavamwari vavo nokuvanhu vokwavo.

10Vakaisa chidemautare chake chokuzvidzivirira nacho mutemberi yaAshitaroti. Vakaroverera chitunha chake pamadziro erusvingo rweBhetishani.

11Vanhu vokuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvakanga zvaitwa navaFirisitia kuna Sauro,

12varume vokwavo vose magamba vakasimuka vakafamba usiku hwose vakasvikotora chitunha chaSauro nezvevanakomana vake pamadziro erusvingo rweBhetishani vakadzokera nazvo kuJabheshi vakazvipisa ikoko.

13Vakatora mapfupa avo vakaaviga pasi pomuti womutamarisiki kuJabheshi, vakatsanya mazuva manomwe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help