1“Jerusaremu chibvisa zvako chipfeko chako
“Chenhamo namatambudziko
upfeke nokusingaperi runako rwembiri
yaunopiwa naMwari.
2Pfeka hanzu yoururami
hunobva kuna Mwari.
Pfeka mumusoro chiremba
chokubwinya kwokuvapo kwaChidzachepo.
3Mwari acharatidza kupenya kwako
kosekose pasi pedenga.
4Chikonzero chacho ndechokuti
Mwari achakudaidza narini wose zita rokuti,
‘Ururamirugare uye rokuti Unamatiimbiri.’
5Simuka Jerusaremu
undokwira pakakwirira
utarise kumabvazuva
uone vana vako vakaungana
vachibva kumabvazuva nokumadokero
vachidaidzwa nezwi rimwechete.
Varikufara kuti Mwari avayeuka.
6Vakabva kwauri vachifamba netsoka
vachitinhwa navavengi
asi Mwari achavadzosa kwauri
vachiremekedzwa zvokunge vari
pachigaro choumambo,
7chinotidariso ndechokuti,
Mwari akati makomo marefu
nezvikomo zvapasichigare
zviparadzirwe.
Nhika akati dzifushirwe
kuitira kuti vafambe zvakanaka
vari mukati mokupenya kokuvapo kwaMwari.
8Matondo ose nemiti yose inonhuwira
ichapa Isiraeri mumvuri
sezvakatemwa naMwari kuti zviitwe.
9Mwari achatungamirira Isiraeri norufaro
muchiedza chokupenya kwokuvapo kwake
uye netsitsi noururami hunobva kwaari.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.