Jeremiya 21 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

C: KUPOROFITA ZVOKUKUNDWA KWEJERUSAREMU NANEBHUKADHIREZA

1Herinoi shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi, mambo Zedhekiya paakatuma kwaari Pashuri mwanakomana wokwaMarikiya nomupristi Zefaniya mwanakomana wokwaMaaseya neshoko rokuti,

2“Tibvunzireiwo kuna Tenzi tinzwe kuti anoti kudii nokuti Nebhukadhireza mambo weBhabhironi ari kurwa hondo nesu. Zvimwe Tenzi angadaro akatiitira zvinoshamisa zvose zvaanosiita akaita kuti asiyane nesu aende.”

3Jeremiya akabva ati kwavari,

4“Endai mundotaurira Zedhekiya kuti, zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ndichaita kuti zvombo zvehondo zvamakapakata mumaoko menyu zvamuri kurwisa nazvo mambo weBhabhironi muchirwisa vanhu vechiKaradhia vakakukombai nechokunze kwetsvingo zvikupindukirei. Ndichazviunganidza pamwechete mukati meguta rino.

5Ini ndichakurwisai noukuru hwangu nesimba guru roruoko rwangu ndakaviruka nehasha ndakashatirwa zvikuru kwazvo.

6Izvozvo ndicharova vagari veguta rino, vanhu pamwechete nemhuka zvichafa nedenda guru.

7Zvanzi naTenzi, mushure mezvo ndichaisa Zedhekiya mambo wokwaJudha namakurukota ake navanhu vomuguta rino vachapunyuka kudenda nokubakatwa nokushangwa yenzara mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, uye mumaoko mavavengi vavo, nomumaoko mavanhu vanotsvaga kupfuudza upenyu hwavo. Achavarakasha nebakatwa asinganzwire tsitsi kana kuvasiya vari vapenyu kana kuvaitira tsiye nyoro.”

8Kuvanhu ivava ava enda undoti, “Zvanzi naTenzi, chinzwai, ndaisa pamberi penyu, uku nzira yokuupenyu uku nzira yokurufu.

9Anenge agara muguta rino achafa nebakatwa neshangwa yenzara nedenda. Asi anenge abuda kundozviisa mumaoko avaKaridhea vakakukombai achararama uye upenyu hwake ndohwaachawana somubayiro wehondo

10nokuti zvino ndanyatsotarisana chaizvo neguta rino kuti ndiripinze nhamo kwete kuriitira zvakanaka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi, richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi acharipisa nomoto.”

Zvakatemerwa vokumba huru yokwaJudha

11Kune vemba yamambo wokwaJudha, “Inzwai shoko raTenzi

12imi vemba yokwaDhavhidhi! Zvanzi naTenzi:

“Tongai zvine ruenzaniso

achiri mangwanani,

mununure waro mumaoko

omunhu anoonesa vamwe ndondo;

munhu anenge apambwa

ndingadaro ndikaviruka nehasha somoto

unopisa usina angaudzimure

pamusana pezviito zvenyu zvakaipa.

13“Zvanzi naTenzi, chinzwa,

izvozvi handichawirirana newe

iwe mugari womubani,

iwe dombo romubani.

Imi munozviti,

‘Ndiani chaizvo angadzike kuzotidenha,

ndiani chaizvo angapinde mudzimba dzedu isu?’

14“Ndichakuranga zvakakodzerana

nezvinobva mukuita kwako,

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Ndichabatidza moto mumasango mako

ucharoromesa zvose zviri munharaunda yako.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help