2 Nhoroondo 17 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

D: HURUMENDE YAJEHOSHATIKugara umambo kwaJehoshafati

1Jehoshafati mwanakomana wake akatonga panzvimbo pake akazvigadzirira kurwisana nevokwaIsiraeri.

2Akaisa varwi vehondo mumaguta ose etsvingo okwaJudha, akaisa zvikwata zvavarwi munyika yokwaJudha nomumaguta okwaEfuremu akanga akurirwa nababa wake Asa.

3Tenzi aiva naJehoshafati nokuti aitevedza makwara okutanga ababa vake. Haana kutsvaka vanaBhaari,

4asi aitsvaka Mwari wamadzibaba ake achitevedza mirao yake asingaite somuitiro wevokwaIsiraeri.

5Naizvozvo Tenzi akaita kuti umambo hudzike midzi mumaoko ake vokwaJudha; vose vaiunza mutero kuna Jehoshafati, iye akava noupfumi huzhinji achikudzwa kwazvo.

6Akanga akaisa mwoyo wake mune zvokunamata, Tenzi uyewo akabvisa maJudha nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nezvifananidzo zvokunamata zviAshera.

7Mugore rechitatu rokutonga kwake akatuma machinda ake aya anoti Bhenihairi naObhadhiya naZekariya naNetaneri naMikaya kundodzidzisa mumaguta okwaJudha.

8Akavatuma pamwechete nevaRevhi ava vaiti Shemaya naNataniya naZebhadhiya naAsaeri naShemiramoti naJehonatani naAdhoniya naTobhiya naTobhadhoniya, pamwechete nevaRevhi ivava akatuma vapristi ava vanoti Erishama naJehoramu.

9Vakadzidzisa munyika maJudha vaine Bhuku roMutemo waTenzi. Vakatenderera nomumaguta ose okwaJudha vachidzidzisa muvanhu.

Ukuru hwaJehoshafati

10Kutya Tenzi kwakawira madzimambo enyika dzakapoteredza Judha akarega kuzorwisa Jehoshafati.

11Vamwe vechiFirisitia vakaigira Jehoshafati zvipo nesirivha yomutero. VaArabhu vakaunzawo kwaari zviuru zvinomwe zvina mazana manomwe ehondohwe nezviuru zvinomwe zvine mazana manomwe amakotora.

12Ukuru hwaJehoshafati hwakaramboenda mberi. Akavaka maJudha imomu maguta etsvingo neematura.

13Aiva nemirwi nemirwi yezvaakachengeta mumaguta okwaJudha.

Aivawo nevarwi vehondo, magamba chaiwo okurwa hondo muJerusaremu.

14Mamiriro avakanga vakaita, dzinza nedzinza ndeaya:

VokwaJudha: vatungamiriri

vezviuru, paiti

Adhina mutungamiriri wacho mukuru

aina mazana matatu ezviuru zvavarume,

mvumba chaidzo dzokurwa hondo

15achitevedzerwa nomumwe mutungamiriri

mukuru, Johohanani aina mazana

maviri anamakumi masere ezviuru.

16Achitevedzerwawo

naAmasiya mwanakomana waZikiri

aiva munhu akazvipira zvake

kuita basa raTenzi aivawo

namazana maviri ezviuru,

mvumba chaidzo dzokurwa hondo.

17Kune vokwaBhenjamini: kwaiva naEriyadha

mvumba chaiyo, gamba chairo rokurwa

hondo aine mazana maviri ezviuru

zvevarume vokurwa nemiseve nenhoo;

18achitevedzerwa naJehozabhadhi;

aine vanhu zana rine makumi masere

ezviuru vane zvombo zvehondo.

19Ivava vaishandira mambo pasingaverengerwe vaya vakanga vaiswa namambo mumaguta etsvingo munyika mose maJudha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help