Kutsinhira Mutemo 30 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zvinodiwa kuti vanhu vazobviswa munhamo yorushambwa vachikomborerwa

1“Kana makomborero aye nemajambwa andakakuudza azoitika kwauri, wazviyeuka uri pakati pamarudzi avanhu okwauchaendeswa naTenzi,

2ukadzokera kuna Tenzi Mwari wako, iwe navana vako mukamuteerera mochengeta zvose zvandiri kukuudzai nhasi uno nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose,

3ipapo Tenzi Mwari wenyu achashandura nhamo yenyu youtapwa, achakunzwirai tsitsi agokukokorodzai zvakare kubva kumarudzi avanhu ose kwamakamboparadzirwa naTenzi Mwari wenyu.

4Kunyange vamwe venyu vakaendeswa kure kure kwakaperera nyika, Tenzi Mwari wenyu achakukokorodzai achikudzorai kubva ikoko.

5Tenzi Mwari wako achakuunza munyika yemadzibaba ako kuti ive yako zvakare. Achakupfumisa agoita kuti muwande kupfuura madzibaba enyu.

6Tenzi Mwari wako achaita kuti iwe navana vako muve nomwoyo wakatendeseka kwaari kuitira kuti ude Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose ugorarama.

7Tenzi Mwari wako achazoisa majambwa ose aya pavavengi vako nemhandu dzako dziya dzaikutambudza.

8Unofanira kuzoteererazve Tenzi Mwari wako uchengete mitemo yake yose yandiri kukuudza nhasi uno.

9Tenzi Mwari wako achakupfumisa kwazvo pane zvose zvauchaita namaoko ako, achakupa vana vazhinji, nemombe dzakawanda nezvokukohwa zvizhinji nokuti Tenzi achakufarira achikuita kuti ubudirire sokufarira kwaakaita madzibaba ako,

10ndokunge wateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, uchichengeta mitemo nemirao yake yakanyorwa mubhuku iri romutemo, uye ndokungewo wadzokera kuna Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.

11“Ndinodaro nokuti mutemo uyu wandiri kukupa nhasi uno hausi mutemo wakanyanya kukuomera, uye hausi kure newe.

12Hausiri kudenga zvokuti ungati, ‘Ndiani angakwire kudenga kundotitorera murao wacho kuti tiunzwe tiuchengete?’

13Hausiri kumhiri kwegungwa zvokuti ungati, ‘Ndianiko angatiyambukire gungwa kundotiunzira murao wacho tiunzwe tiuchengete?’

14Asi murao wacho unawo pauri ipapo, uri parurimi rwako, uri mumwoyo mako kuti uuchengete.

15“Chinzwa, nhasi uno ndaisa pamberi pako, uku upenyu nezvakanaka uku rufu nezvakaipa.

16Kana ukachengeta mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukuudza nhasi uno, ukada Tenzi Mwari wako nokufamba munzira dzake uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, muchagara zvenyu mugowanda, ipapo Tenzi Mwari wenyu achakukomborerai munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu.

17Asi iwe ukatsauka zvako nomwoyo wako uchiramba kuteerera uchizokweverwa kundopfugamira vamwe vamwari uchivashandira,

18ndinokuudzai nhasi uno kuti muchaparadzwa hamuzogara mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu.

19Denga nenyika ngazvindipupurirewo nhasi uno kwauri kuti ndakuisira uku upenyu, uku rufu uyewo uku chikomborero, uku rushambwa kuti uzvisarudzire. Saka chisarudza upenyu kuti urarame iwe navana vako,

20ude Tenzi Mwari wako, umuteerere, uti kwati kwati naye nokuti ndiye upenyu hwako nezvo achakupa mazuva mazhinji okuti ugare munyika yakatsidzwa naTenzi kupa madzitateguru ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help