Rute Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Bhuku raRute ibhuku diki diki rinotaura norungano rwokuti Mwari anobatsira sei vanhu vake. Bhuku irori rinotaura zvikuru nezvevanhu vatatu vanoti: Naomi chirikadzi yokuBheterehemu nomuroora wake Rute akanga avawo chirikadzi. Mumwe anotaurwa imomu ndiBhoazi, sapurazi akazogara nhaka Rute.1. Mukabhuku aka, tinoona Rute mukadzi werudzi rwechiMoabhu achiratidza rudo rukuru kuna vamwene vake. Akasarudza kudzokera kuIsiraeri navo. Akasarudzawo kuti Mwari wavo ave ndiye Mwari wakewo. Ichi chakava chikomborero kwaari chokuti Rute akazova tateguru waDhavhidhi, tateguru waJesu Muponesi wavanhu vose.Aya ndiwo mamiriro akaita kabhuku kaRuteKudzoka kwakaita Naomi nomuroora wake kuBheterehemu achibva kunyika yeMoabhu 1:1–22Kushandira kwakaita Rute vamwene vake kumunda kwaBhoazi 2:1–23Bhoazi anogara nhaka Rute 3:1—4:22
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help