Nziyo 67 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muimbisi: Rumbo urwu, rwiyo rwunoimbwa nezvokuimbisa zvine tambo dzewaya.Rwiyo rwokutenda kukohwa kwakanaka

1Mwari ngaatinzwire nyasha atikomborere

apenyese uso hwake patiri.

Dzepfunde

2Kuti nzira yenyu izivikanwe pasi.

Marudzi ose avanhu

azive simba renyu rokuponesa.

3Vanhu ngavakurumbidzei Mwari;

vanhu vose ngavakurumbidzei.

4Marudzi ose ngaafare

aimbe norufaro;

nokuti munotonga vanhu noruenzaniso

muchitungamirira marudzi avanhu panyika.

Dzepfunde.

5Vanhu ngavakurumbidzei Mwari;

vanhu vose ngavakurumbidzei.

6Nyika yakabereka mukoho wayo

Mwari, Mwari wedu atikomborera.

7Mwari atikomborera;

ngaatyiwe kusvikira kose kwakagumira nyika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help