Sira 11 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kusangoonera zvinhu kunze

1Ungwaru hwomurombo ndihwo hunomuita kuti ave munhuwo,

hunomuita kuti agare navakuru padare.

2Usarumbidzire munhu chimiro chake chakanaka,

kana kusemera munhu kutarisika kwake.

3Nyuchi kanhu kaduku duku pane zvinobhururuka

asi uchi hwayo hunopfuura zvose kutapira.

4Rega kuzvitutumadza nezvipfeko zvako zvakanaka

kana kuzvinyundumadza pazuva raunenge waremekedzwa

nokuti mabasa aMwari anoshamisa,

uye zvaanoita zvakavandika kuvanhu.

5Vazhinji vaiva pazvigaro zvoumambo vakagariswa pasi

asi asina kumbofungirwa ndiye akapiwa ngundu youshe.

6Vazhinji vaiva namasimba vakadukupiswa zvinonyadzisa,

uye, vaiva nomukurumbira vakaiswa mumaoko avamwe.

Chaunoita ita wafunga

7Usape munhu mhosva usati watsvaka chokwadi,

tanga wafunga wozotsiura zvako.

8Usapindure usati wanzwa zviri kurehwa,

kana kudimurira mumwe achiri pakati pokutaura.

9Rega kupindira gakava renyaya yausinei nayo,

kana kugara matare okutonga pamwe navatadzi.

10Mwanangu, rega kuzviwanzira mabasa,

kana ukaawanzisa, kutambudzika ndokwako

kana dai ukamhanya–mhanya

haumbokwanisana nawo

kana dai ukati uatize, haumbopunyuka.

11Mumwe munhu anobindikita kushanda,

achiparapata kushanda achingosundana naro basa chete,

asi paari urombo hauperi.

Kungovimba naMwari oga

12Aripo akarukutika anoda rubatsiro,

murombo zvake asina chaanacho,

asi Mwari anomucheuka nomutsa,

anomubvisa munhamo dzake.

13Anomusumudza kumuita kuti ave munhu,

zvokuti vazhinji vanotoshamisika naye.

14Zvakanaka kana zvakaipa, upenyu kana rufu,

uye, urombo kana upfumi, zvose zvinobva kuna Mwari.

17Chipo chaMwari chinoramba chiripo kuvanhu vanomutya,

zvaanotsigira zvinobudirira nokusingaperi.

18Mumwe munhu anopfuma

nokuzvipira nokuzvinyima kwake;

ndiwo mubairo waakapiwawo.

19Paanoti zvino ndochizorora,

ndochidya zvinhu zvangu pamudepfure,

asingazivi kuti nguva yacho

ipfupi kana kuti yakareba here

wotosiyira vamwe zvinhu izvozvo ofa.

20Batisisa basa rako,

urishande zvakasimba

ugochemberera mariri.

21Usayemure mabasa omutadzi,

vimba naMwari, urambe uchiita basa rako,

nokuti pana Mwari, inyore nyore kuti

apfumise murombo nenguva duku uye isipi.

22Chikomborero chaMwari ndomubayiro womunamati

anoita kuti chikomborero chibva chabereka michero

yakawanda pakare pakarepo.

23Rega kuzvidya mwoyo uchiti,

“Chii chandichawana mune ramangwana?”

24Regawo kuzviti, “Ini ndakakwana ini,

chii chichandiwana mune ramangwana?”

25Panguva yokunge zvinhu zvakanaka

munhu haayeuki nhamo,

panguvawo yenhamo munhu anokanganwa rufaro.

26Inyore pana Mwari

kuti pazuva rinofa munhu

amupe zvinofambirana nezviito zvake.

27Kana munhu akangotambudzika kwechinguva,

anokanganwa kugarika kwake

uye kana munhu afa,

zviito zvake zvinobudiswa pachena.

28Usati kumunhu, “Mugoni zvake!”

Iye asati afa,

nokuti paanofa ndipo panozivikanwa zvaari.Chenjerera vakaipa

29Rega kungopinza munhu wose wose,

mumusha mako

nokuti munyengedzi ane nzira zhinji

dzokunyengedza nadzo:

30angave munhu anozvikudza anoita

sechihuta chiri machakazarirwa

chinokwezva dzimwe kuti dzizobatwawo,

kana kuva musori anokuongorora

kuti aone pauri zinyekenyeke

31kana kuti angave munyepi

anosandura zvakanaka achizviita zvakaipa,

munhu asingashaye chakaipa kana mune zvakanaka sei.

32Kapfarivari komoto kanobatidza murwi wehuni,

muipi anozvivanza kuti adeure ropa.

33Chenjerera munyangadzi, nokuti twaanoronga uipi,

angadaro akakuipisa nokusingaperi.

34Kana ukapinza mweni mumusha mako, anokunyonganisai,

achiita kuti musanzwane nevemhuri yako.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help