Zekariya 2 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Ndakasimudza musoro ndikaona hoyo munhu ane tambo yokueresa muruoko rwake.

2Ndakati, “Uri kuendepiko?”

Iye akati kwandiri, “Kundoera Jerusaremu ndigoona kuti upamhi hwayo hwakadii uye kuti urefu hwayo hwakadii?”

3Ndiye onei mutumwa uya aitaura neni wauya ndokubva mumwe mutumwawo auyapo kuzosangana naye

4akati kwaari, “Mhanyira kumukomana uyo uti kwaari, ‘Jerusaremu ichagarwa semisha isina tsvingo zvakonzerwa nokuwanda kwavanhu nezvipfuwo mairi.’

5Zvichavapo ndezvokuti ini ndichava kwairi rusvingo rwomoto kuitenderera, ndizvo zviri kutaura TENZI, uye ini ndichava mbiri mairi.”

Kudzoserwa kwenhapwa kumusha

6“Hezvo! Hezvo iwe! Tizai kunyika yokuchamhembe ndizvo zviri kutaura TENZI nokuti ndakakuitai rumwe rumwe uyu kwake uyu kwake, kumativi mana emhepo yokumatenga, ndizvo zviri kutaura TENZI.

7Hezvo iwe tizirai kuguta reZioni imi mugere nomukunda iyeyo Bhabhironi

8nokuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo, mushure momukurumbira wake iye akazondituma kumarudzi aya akakupambai nokuti anenge angokugunzvai watobata mboni yeziso rake,

9‘Chirega uone, ndichavazunzira ruoko rwangu vagova nhapwa kuna vaivashandira.’

“Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo ndiye akandituma.

10“Imba upembere zvako iwe mukunda, guta reZioni nokuti ndichauya ndigoita musha mukati mako.” Ndizvo zviri kutaura TENZI.

11Izvozvo marudzi akawanda achazvibatanidza naTENZI nomusi iwoyo uye vachavawo vanhu vangu. Ini ndichaita musha mukati mako. Ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo ndiye akandituma kwauri.

12Ipapo TENZI achagara nhaka vokwaJudha somugovewo wake munyika inoera achizosarudza zvakare Jerusaremu.

13Imi vanhuwe–e, mose zvenyu, itii mwiro kunyarara pana TENZI nokuti azvisumukira iye pachake kubva mumusha make munoera.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help