Ezira 7 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

II: KURONGWA KWAKAITWA VANHU NAEZIRA NANEHEMIYAKusvika kwakaita mupristi Ezira kuJerusaremu

1Mushure maizvozvi izvi, panguva yokutonga kwaAtakizesesi mambo wePezhiya,

Ezira mwanakomana waSeraya

Seraya aberekwa naAzariya

Azariya ari mwana waHirikiya

2Hirikiya mwanakomana waSharumu

Sharumu wokuberekwa naZadhoki

Zadhoki mwana waAhitubhu

3Ahitubhu ari mwana waAmariya

Amariya ari mwanawo waAzariya

Azariya aberekwa naMeraoti

4Mearaoti wokuberekwa naZerahiya

Zerahiya mwanakomana waUzi

Uzi aberekwa naBhuki

5Bhuki wokuberekwa naAbhishua

Abhishua mwana waFinehasi

mwana waErizeri

mwana waAroni

mupristi mukuru.

6Ezira wacho iyeyu akasimukawo kubva kuBhabhironi. Akanga ari munyori nyanzvi chaiyo yomutemo waMosesi wakapiwa naTenzi, Mwari weIsiraeri. Mambo akamupa zvose zvaakanga akumbira pamusana pokuti ruoko rwaTenzi, Mwari wake rwaiva paari.

7Kwakasimukawo vamwe vanhu vechiIsiraeri navapristi nevaRevhi navaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru navashandi vomutemberi vakaendawo kuJerusaremu, mugore rechinomwe rokutonga kwamambo Atakizesesi.

8Zvino iye akasvika Jerusaremu mumwedzi wechishanu muri mugore rechinomwe rokutonga kwamambo uyu.

9Nokuti pazuva rechiposhi romwedzi wokutanga ndipo paakatangisa rwendo rwokubva kuBhabhironi; kuzoti pava pazuva rechiposhi remwedzi wechishanu, akasvika muJerusaremu pamusana pokuti ruoko rutsvene rwaMwari wake rwaiva paari

10nokuti Ezira akanga azvipira nomwoyo wose kudzidza mutemo waTenzi nokuuchengeta nokudzidzisawo zvirevo zvake nemirao yake muIsiraeri.

Tsamba yamambo Atakizesesi kumupristi, Ezira

11Tsamba yakapiwa namambo Atakizesesi kumupristi Ezira munyori uya, muzivisisi wezvemitemo nemirao yaTenzi yaakapa Isiraeri; ndeyiyi yaiti:

12“Ini Atakizesesi

mambo wemadzimambo ndiri

kukunyorera iwe Ezira

mupristi nyanzvi yomutemo

waMwari Wedenga.

13Zvino ndatema chirevo chokuti:

Ani naani zvake

wechiIsiraeri kunyange mupristi kana

muRevhi munyika mangu anozvipira zvake

kuenda kuJerusaremu ngaaende zvake newe.

14Sezvo ini namakurukota angu manomwe

tirisu tiri kukutumai

kundoongorora nezvemutemo

waMwari wenyu uri mumaoko

enyu kwaJudha nomuJerusaremu

15uye muendewo nesirivha

nendarama yakapiwa zvayo

namambo namakurukota ake

sechipo kuna Mwari weIsiraeri

ane musha wake muJerusaremu

16pamwechete nesirivha

nendarama yamuchawana munyika

yose yeBhabhironi pamwechetewo nomupiro

wokupa zvavanotsidza zvavo kupirira imba

yaMwari wavo iri kuJerusaremu.

17“Munyatsoona kuti nemari iyoyi

manyatsotengawo handira

nehondohwe nehwayana

pamwechete nemipiro yazvo yembesanwa

nemipirowo yazvo yokuteura.

Munofanira kupira izvozvo

paatari yepaimba yaMwari

wenyu iri muJerusaremu.

18Zvamunenge maonawo imi

nehama dzenyu kuti zvakanaka

kuitwa nesirivha

nendarama inenge yasara,

itai zvenyu maererano

nezvinenge zvichidiwa naMwari wenyu.

19Midziyo yamakapiwa yokushandisa mumba

yaMwari wenyu, mundozviturira

kuna Mwari weJerusaremu.

20Kana pane chimwezve chingadiwe

pamba yaMwari wenyu chinenge

chichifanira kuti imi mubvise munotora

zvenyu mudzimba

dzinochengeterwa upfumi hwokwamambo.

21“Zvino ini mambo Atakizesesi ndatemera chirevo

vanasahomwe vose vari kunyika yokuMhiri

kweRwizi rwaYufuratesi chokuti:

chose zvacho chinenge charehwa kwamuri nomupristi

vaEzira, nyanzvi yomutemo waMwari wedenga

nyatsochiitai nomazvo chaimo;

22sirivha ngaive ingasvike zvayo matani

mana ane makirogiramu mazana mana chete;

koroni ivewo ingasvike gumi rezviuru

zvemakirogiramu chete; waini ive

zvayo inosvika zviuru zviviri

zvemarita chete;

mafuta eorivhi avewo zvawo angasvike

zviuru zviviri zvemarita chete;

munyu uve usina muganhu.

23Chose chinenge charehwa naMwari wedenga

chepamba yaMwari iyeyo

nyatsochiitai nokukurumidza

angadaro akavirukira umambo hwangu

nehwavanakomana vangu nehasha.

24Tinokuzivisaiwo kuti

vapristi nevaRevhi

kana vaimbi kana

vachengetedzi vepamisuo mikuru

kunyange vashandi

vepaTemberi kana vamwe vashandi

zvavo vepaTemberi yaMwari hamuchabvumirwa

nomurao kuvabvisisa mutero kana

zvirehwarehwa zvokwamambo kunyange

mutero wenzira.

25Zvino iwe Ezira maererano noungwaru

hwaMwari hwako hwaunahwo,

sarudza vokutonga dzimhosva navatongi vakuru vanotongera

vanhu vose venyika iri Mhiri kweRwizi

rwaYufuratesi, vose zvavo

vanoziva mitemo yaMwari wako,

vasingaizive wovadzidzisawo.

26Ani naani zvake anongorega chete

kuteerera mutemo waMwari wako

nomutemo wamambo ngaatongwe

zvakaomarara kungave kunzi aurayiwe kana

kudzingwa munyika kunyange kunzi atorerwe

zvinhu zvake zvaanazvo kana kuiswa muusungwa.”

Kurumbidza Mwari kwakaita mupristi Ezira

27“Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari

wemadzibaba edu akaisa izvozvi zvakadai izvi

mupfungwa dzamambo

zvokushongedza imba yaTenzi

iri muJerusaremu

28akaita kuti mwoyochena

wake usvikewo kwandiri

ndionekwewo somunhu

namambo namakurukota ake

ndionekwewo somunhu nevakuru vakuru

chaivo vepamusoro vokwamambo.

Zvakabva zvandikurudzirawo

nokuti ruoko rwaTenzi

Mwari wangu rwaiva

pandiri ndikakokorodza

varume vechiIsiraeri vakuru vakuru

ndikakwira kuenda navo.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help