Sira 42 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Usanyare nezviito zvakaita

sezvizvi zvandava kutaura,

kuti ugorega kutadzira Mwari pamusana pokunyara vanhu.

2Usanyara noMutemo

woWokumusorosoro, kana napamusana pechitenderano chake,

kana kunyara kutonga zvakarurama kunyange

zvichizopembedza asiri munamati.

3Panodiwa kuti paverengeranwe

regai kunyara kuverengerana

mari nomumwe wako

kana kuti nomumwe wauri parwendo naye,

kana kunyara kutaura kuti shamwari dzinyatsogovana nhaka,

4kana kunyara pamusana pokuchenjerera zvikero zvenyu

nemwero yenyu kuti zvive zvakarurama,

kana kunyara kuti mari yenyu

ibereke imwe yakawanda kana shoma,

5usanyare kuzvipfumisa

nokutenga uchitengesa zvinhu,

kana kudzikamisa vana venyu,

kana kunyara kurova muranda wakaipa

zvinorwadza chaizvo.

6Kana une mukadzi akaipa,

asingatendeki, pazvinhu,

isa chihuri,

panenge pakawanda vanhu, kiyira zvinhu zvako.

7Usaturire munhu zvinhu musina kuzviverengerana,

uye, kuti zvino uremui,

uyewo, zvose zvamunoparadza nezvamunowana, zvinyorei.

8Usanyare kutsiura munhu asina musoro, kana benzi,

kana kutsiura harahwa yakachena

musoro inotangana nevechiduku.

Kana ukadai uchave munhu

wakanyatsorayirwa

vanhu vose vachakuti,

“Hamuonika ndiye anonzi munhu uyu.”

Kunetsekana kwababa vano mwanasikana

9Mwanasikana anoshayisa baba hope

zvisingazivikanwe;

kunetseka kwavanoita kunovashaisa hope.

Kana achiri muduku,

vanotya kuti zvimwe anoshaya anomuroora;

kana aroorwa, vanomutyira kurambwa.

10Kana achiri mhandara,

vanotya kuti angadaro akakanganiswa,

akaita pamuviri ari pamusha pababa vake.

Kana aroorwa vanotya kuti

angave mukadzi asingatendeki.

Aroorwa kudaro vanotyira kuti

angadaro akashaya mbereko.

11Kana mwanasikana wako ari munhu

akaomesa musoro muchengetedze,

angadaro akakusekesa navavengi vako,

wova ndiwe unongotaurwa navanhu

vanotandara, uchiitwa nyaya,

ukazobva wonyadziswa muvanhu.

Vakadzi

12Usanan'anidze munhu upi zvake

pamusana porunako rwake

usagare mukati mavanhukadzi.

13Sokubuda kunoita chiundudzi munhumbi

uipi hwomunhukadzi hunobva kumukadzi.

14Kuipa kwomurume kuri nani pane

kuita zvakanaka kwomukadzi nokuti

munhukadzi anounza chinyadziso nokushaisa munhu chimiro.

II: MBIRI YAMWARIA: KUONESWA KWAYO NOMUMIRIRO WEZVINHU

15Zvino ndava kumborangarira mabasa aMwari,

ndichitaurawo zvandakaona.

Mwari akaita mabasa ake nezwi rake chete.

16Zuva rinotarisa pasi richiona zvose nemwenje waro,

nembiri yaMwari yakazara mumabasa ake

17Mwari haana kupa kana navatumwa vake,

kukwanisa kutaura nezvamabasa ake ose anoshamisa,

aakaita iye Samasimba kuitira kuti

zvinhu zvose zvakasikwa

zvimire zvakasimba mumbiri yake.

18Anosvika pasi pasi pegomba rakadzikisisa,

uye mukatikati momwoyo womunhu,

uye anoziva zvinorukwamo,

nokuti Wokumusorosoro anoziva zvose

uye, ziso rake riri pazviratidzo zvenguva.

19Anoparidza zvakapfuura nezvichazoitika,

achiisa pachena gwara rezvakavandika.

20Hakuna kana pfungwa zvayo inomupunyuka,

kana izwi rimwechete zvaro rakavanda kwaari.

21Akaronga zvakanakisisa mabasa oungwaru hwake

anoshamisa, nokuti akangogara aripo nakare kose,

acharambawo aripo narini wose,

asina chingapamhidzirwe kana kubviswa.

Haana zvokuti dai pawana newokumupa mazano.

22Hakusiri kunaka kwakaita mabasa ake ose;

kuatarisa kwawo kunoteya maziso.

23Zvose izvozvi zvinogara nokuvapo nokusingaperi.

Kana pane chava kudiwa

zvose zvinomuteerera.

24Zvinhu zvose zvakaitwa zviviri zviviri pauviri hwazvo,

chimwe chichipikisana nechimwe chacho,

hakuna chakasikwa chisina kukwana;

25chimwe chinotsinhira kunaka kwechimwe.

Ndiani anganete kunan'anidza runako rwazvo?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help