Ezira 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

I: KUDZOKA KWAVAISIRAERI KUUTAPWA NOKUVAKWA KWETEMBERI PATSVAChirevo chamambo Sairosi chokuti vaJudha vadzokere kunyika kwavo(2 Nhor 36:22–23)

1Mugore rechiposhi rokutonga kwaSairosi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo wamambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake akaitawo zvokuchinyora chokuti:

2“Zvanzi naSairosi mambo wePezhiya, Tenzi, Mwari Wedenga akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano uye akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba kuJerusaremu kwaJudha.

3Ani naani pakati penyu anenge ari wevanhu vake, Mwari wake ngaave naye akwire kuJerusaremu guta riri kwaJudha andovakazve imba yaTenzi, Mwari weIsiraeri. Iyeyo ndiye Mwari ari muJerusaremu.

4Mumwe nomumwe akasara ari mupenyu ari kugara munzvimbo ipi neipi zvayo, ngaabatsirwe navanhu venzvimbo yake iyoyo nesirivha nendarama nezvimwe zvinhu nezvipfuwo pamwechete nezvinhu zvemipiro yokupa nechido zvemba yaMwari iri kuJerusaremu.”

5Ndopakasimuka vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba okwaJudha novokwaBhenjamini navapristi nevaRevhi, nomunhu wose zvake akanga amutswa mwoyo naMwari kuti akwire kundovakazve imba yaTenzi iri kuJerusaremu.

6Vose vaiva munharaunda dzavo vakavabatsira nemidziyo yesirivha nendarama nezvimwe zvinhu nezvipfuwo nezvimwewo zvakakosha tisingaverengeri zvose zvaiti munhu aipawo zvake nechido.

7Mambo Sairosi akaunzawo midziyo iya yomumba yaTenzi yakanga yambokukuchwa muJerusaremu naNebhukadhineza akasvikoiisa mumba yavamwari vake.

8Sairosi mambo wePezhiya akaburitsa izvi zvichitungamirirwa nasahomwe Mitiredhati akaiverengera Sheshibhaza jinda rokwaJudha.

9Kuwanda kwayo ndikoku uku,

kwaiti madhishi endarama makumi matatu

mbenge dzendarama chiuru

kwouya mabisiro:

makumi maviri namapfumbamwe

10kwouyawo ndiro dzendarama:

dzaiita makumi matatu

ndiro dzesirivha:

zviuru zviviri zvine mazana mana

nechiuru chemimwewo midziyo.

11Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga iri zviuru zvishanu namazana mana ane makumi matanhatu nepfumbamwe. Sheshibhaza akatakura zvose izvozvo pakabva nhapwa kuBhabhironi dzichidzoserwa kuJerusaremu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help