1Akakomborerwa zvake munhu akaregererwa
kukanganisa kwake
ane chitadzo chakafushirwa.
2Akakomborerwa munhu asingapiwe
mhosva naTENZI,
munhu asina mweya wounyengedzi.
3Pandakanga ndisina kureurura chitadzo changu,
ndakaperezeka muviri pamusana
pokuwuwura kwangu zuva rose
4nokuti siku nesikati shamhu yoruoko rwenyu
yakanga yakandiremera.
Simba rangu rakapera kupwa sapachirimo.
Dzepfunde
5Ndakareurura chitadzo changu kwamuri.
Handina kuvanza uipi hwangu.
Ndakati regai ndireurure
zvikanganiso zvangu kuna TENZI.
Imi makaregerera mhosva yechitadzo changu.
Dzepfunde
6Naizvozvo munamati wose
ngaanamate kwamuri
panguva yenhamo,
mapopopo emvura haambomusviki.
7Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda.
Ndimi munondidzivirira nhamo.
Ndimi munoita kuti kwandiri
kununurwa kuve rumbo.
Dzepfunde
8Ndichakurairidza ndigokudzidzisa
nzira yaunofanira kufamba nayo.
Ndichakupa mazano, ziso rangu riri pauri.
9Usaite sebhiza kana nyurusi risinganzwe
rinotoda kudzorwa namatomhu netambo,
ukasadaro harirambe riinewe.
10Nhamo dzavakaipa dzakawanda
vanovimba naTENZI, mwoyochena wake unovakomberedza.
11Farai muna TENZI,
pemberai imi makarurama,
pururudzai imi mose muna mwoyo wakarurama.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.