Isaya 3 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Nyonganyonga muJerusaremu

1Ndinodaro nokuti Tenzi

Tenzi wehondo nehondo

ava kubvisa muJerusaremu nemaJudha

zvose zvinovararamisa nezvinovatsigira zvinoti:

chokudya chose chinovararamisa,

nechokunwa chose chinovararamisa,

2negamba rose zvaro nomurwi wehondo wose

nomutongi wose nomuporofita wose zvake

nomushoperi wose zvake

nomunhu wose wechikuru

3uye nomutungamiriri wose

wechikwata chamakumi mashanu avarwi

nomubati wose wechigaro

uyewo gurukota rose zvaro

negodobori rose roun'anga

nenyanzvi yose yezvamazango.

4Ndichaita kuti vakomana zvavo

vave ndiwo madzishe avo

vatongwe nepwere.

5Vanhu vachabatisana pfumvu chaiyo,

munhu woga woga achidaro kuna mumwe wake

munhu wose achidaro kune waakagarisana naye

wechidiki oitira vakuru misikanzwa,

dzenga romunhu richidaro kune anoremekedzwa.

6Kana munhu akatora

mukoma kana munun'una

womumba achiti,

“Iwe unotova nechokupfeka zvako

ndiwe ungatova mutungamiriri wedu

uye murwi wamatongo uyu

utongwe newe zvako.”

7Pazuva iroro iye achadura pachena kuti,

“Handingave ini wokukuponesai,

mumba mangu hamuna chokudya kana nechokufuka

Hamungandiite mutungamiriri wavanhu,”

8nokuti Jerusaremu yawondomoka,

Judha yakoromoka nokuti zvavanotaura nezvavanoita

zvinopesana naTenzi,

zvinozvidza kuvapo kwake kuno mukurumbira.

9Iho uso hwavo hunopupurira

kuita kwavo kwakaipa.

Vanoparidzira chitadzo chavo

savanhu veSodhomu, havachivanziridze.

Zvichavawana zvavo nokuti

nhamo yavo ndeyokuzviparira.

10Taurirai vakarurama kuti zvichavanakira,

nokuti vachadya mubayiro wezvavakaita.

11Zvichamuwana wakaipa, zvichamuipira,

nokuti zvaakabata namaoko ake ndozvaachaitirwawo.

12Vanhu vangu,

vari kuoneswa ndondo nepwere

vachitongwa navakadzi

vanhu vangu,

vatungamiriri venyu vari kukuendesai mutome

vachivhiringidza makwara enyu

amunofanira kutevera.

Tenzi anogadza dare vanhu vake

13Tenzi ava panzvimbo yake yapadare

anosimuka kuti achitonga marudzi.

14Tenzi ava kupinza dare vakuru vakuru

pamwechete namakurukota avanhu vake,

achivapa mhosva yokuti,

“Ndimi makarozva munda wamagirepisi,

mudzimba dzenyu mune zvinhu

zvamakapamba imi kuvarombo.

15Simba rokutsika-tsika vanhu vangu

kudai munoriwana kupi,

muchidzungaidza nokupazamisa varombo?”

Ndizvo zviri kurehwa naTenzi,

Tenzi wehondo nehondo.

Yambiro kuvanhukadzi veguta reJerusaremu

16Tenzi ari kuti,

“Pamusana pokuti vanasikana veZioni vanozvikudza

vachifamba vakarebesa kwazvo mutsipa

vachidingaringa kwazvo nemesomeso

vachifamba vachigogodeka,

mumakumbo umu, ndarira dzichingwengwereka.

17Tenzi acharova neshamhu yezvisasa

musoro wavanasikana veguta reZioni,

Tenzi achavaita

baravara mumusoro.”

18Musi iwoyo Tenzi achavabvutira

ndarira dzakanaka mumakumbo

netsungare mumusoro

nenyembe dzinenge mwedzi

19nemhete munzeve

namakoza omumaoko

namadhuku

20nenguwani namakoza namabhandhi

nezvinu zvamafuta okuzora

anonhuwirira namazango

21neringi dzomumaoko dzokudhindisa nadzo

nemhete dzapamhuno

22nehanzu dzomutambo

namajasi namachari

namabhegi okubatira mumaoko

23namachira akangwerevera

nembatya dzerineni nenguwani

nemimbure yokufukidza uso.

24Panze pokuva namafuta

okuzora anonhuwirira,

pachave nezvinoita gutukutu rokunhuwa;

panze pokuva nebhandhi

pachave netambo zvayo;

panzvimbo pokuva nevhudzi

rakanyatsorukwa, pachava nemhanza;

panzvimbo pokupfeka gemenzi rinokosha

pachapfekwa mbikiza dzamasaga;

panzvimbo penyora dzorunako

pachava nenyora dzakanyeka.

25Varume venyu vachaurayiwa nebakatwa,

magamba enyu achifira kuhondo.

26Dare rokumisuo mikuru kweZioni

richahwihwidza kuchema rachiti pasi pwashasha

kugara somukadzi asiyiwa achiti dano

asina chaakapfeka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help