24 Vakafamba–famba vari mumarimi omoto
vachiimbira Mwari vachirumbidza Tenzi.
25(25) Azariya akamira mukati memoto wacho
akanamata achiti,
26(26) “Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari wamadzibaba edu
akakodzera kukudzwa;
mbiri yezita renyu ikurumbire narini wose,
27(27) nokuti zvose zvamakaita kwatiri
makazviita noruenzaniso,
kuita kwenyu kwose kuri pachokwadi
uye makwara enyu akarurama,
zvamunotema zvose pakutonga zviri mugwara chaimo.
28(28) Zvamakatitemera isu pakutonga, ndizvo chaizvoizvo,
muna zvose zvazvo zvamakatipinza mazviri
nezvamakapinza Jerusaremu, guta rinoera
ramadzitateguru edu nokuti makaita zviri
pachokwadi zvino ruenzaniso pamakatipinza
mune zvose izvozvi, taparirwa nezvitadzo zvedu
29(29) nokuti takatadza mune zvose
tikatyora mutemo nokutsauka kwatakaita kwamuri
uye takatadza muzvinhu zvose
tikarega kuteerera mitemo yenyu.
30(30) Hatina kuchengeta kana kuitevedza
sezvamakanga mati tiite
kuitira kuti zvitifambire zvakanaka.
31(31) Nokudaro zvose zvamakati zvitiwire
nezvose zvamakaita kwatiri,
makazviita nomazvo chaimo.
32(32) Makatiisa mumaoko evavengi vedu
vanhu vasina murau,
mhandupandu dzevanhu chaidzo
vane mwoyo wakaipisisa kwazvo.
Makatiisawo mumaoko amambo
asingaiti zvino ruenzaniso
muipi wokupedzesera pasi pose zvapo.
33(33) Kutaura kuno hatichambobvumirwa
kana kuti muromo bufu.
Varanda venyu uye vanokunamatai,
chavo chete kwangova kunyara nokufumuka.
34(34) Pamusana pezita renyu
regai kubva matirasa zvachose.
Musatyore chitenderano chenyu nesu.
35(35) Tsitsi dzenyu ngadzirege kupera kwatiri kuri
kuitira Abhurahamu munhu wenyu wapamwoyo
nomuranda wenyu Isaki
uye munhu wenyu mutsvene Isiraeri.
36(36) Vamakavimbisa kuti vana vavo
vachawanda senyenyedzi dzedenga
uye sejecha rokumahombekombe egungwa
37(37) nokuti isu tangova katsama kavanhu
pakati pemamwe marudzi ose
uye tangova vapasipasi panyika pose
pamusana pezvitadzo zvedu.
38(38) Pari nhasi hatina mutongi kana muporofita,
kunyange mutungamiriri kana mupiro wokupisa
chibairo kana mupiro zvawo, kunyange rusenzi.
Hapana kana nzvimbo yokupirira
kwamuri zvitsva zveminda yedu kuti tiitirwe
tsiye nyoro nemi.
39(39) Dai nemwoyo wedu wokupfidza nokuzvidukupisa
tangovewo vanhu vanogamuchirika kwamuri
sokunge tina mipiro yokupisa yehondohwe
nehandira uye sokunge tine makumi namakumi
ezviuru zvehwayana dzakakora.
40(40) Izvozvo ndizvo zvaifanira kunge zvakaita
chibairo chedu kwamuri nhasi uno.
Dai tangokuteverai nomwoyo wose
nokuti vanovimba nemi havanyadziswi.
41(41) Zvino tinokuteverai nomwoyo wose;
tinokutyai uye tinokutsvagai.
42(42) Musatinyadzise asi tiitireiwo mwoyo murefu
nengoni dzenyu dzakawanda.
43(43) Tinunureiwo namaitiro enyu anoshamisa,
kuti zita renyu imi Tenzi rirumbidzwe.
44(44) Nyadzisai waro vanoita zvinokuvadza varanda venyu;
ngavanyadziswe nokutorerwa masimba ose noutongi,
simba ravo riparare,
45(45) vazive kuti imi Tenzi
ndimi Mwari chete
anomukurumbira pasi pose.”
46(46) Izvozvo varanda vamambo vaya vakanga vavakandamo havana kumbomira kupovorera moto muvira iroro vachiisa zvinhu zvisingatane kubata moto netara noubvurubvuru nehuni.
47(47) Rimi romoto rakagotogoka mudenga kumusoro kwevira romoto zvokutoita makumi maviri amamita.
48(48) Moto wakanganduka ukavavira vamwe vaKaridhea vaiva pavira ipapo.
49(49) Asi mutumwa waTenzi akaburukira muvira imomo kuti ave naAzariya navamwe vake akafuridzira rimi romoto kunze kwevira iroro,
50(50) akaita kuti pakati pevira pave nakamwando kaifefetera zvokuti moto hauna kana kumbovabata kana kuvakuvadza kunyange kuvatambudza.
Rwiyo rwamajaya matatu51(51) Ndipo pakatanga majaya matatu aya
kuimba ose pamwechete ari mumoto
achiimba nokurumbidza Mwari achiti,
52(52) “Tinokurumbidzai imi Tenzi
Mwari wamadzibaba edu
tinokukudzai nokukurumbidzai zvikuru
kwazvo narini wose.
53(53) Ngarirumbidzwe zita renyu
rinoera rinomukurumbira
ngarirumbidzwe kwazvo rikudzwe kwazvo nokusingaperi.
54(54) Tinokurumbidzai kwazvo
muTemberi yenyu yembiri inoera
mupembererwe waro nokupiwa mbiri
yakakura kwazvo narini wose.
55(55) Tinokurumbidzai imi mugere pamakerubhi,
imi mune ziso rakatarisa muhwenje
ngarirumbidzwe nokukudzwa kwazvo nokusingaperi.
56(56) Tinokurumbidzai pachigaro choumambo hwenyu.
Dai mapembererwa nokupiwa mbiri yakakura kwazvo
narini wose.
57(57) Tinokurumbidzai muziendanakuenda romudenga
munofanira kuimbirwa nokurumbidzwa
narini wose.
58(58) Imi zvisikwa zvose zvaTenzi,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
59(59) Imi matenga,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
60(60) Imi vatumwa vaTenzi,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
61(61) Mvura dzose dziri kumatenga
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
62(62) Imi masimba ose
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
63(63) Zuva nomwedzi,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
64(64) Nyenyedzi dzedenga,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
65(65) Dova nemvura yose inonaya,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
66(66) Imi mhepo nedzimhepo
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
67(67) Moto nokudziya
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
68(68) Chando namadziya
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
69(69) Dova namazaya echando,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
70(70) Imi usiku namasikati,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
71(71) Chiedza nerima,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
72(72) Mazaya echando nokutonhora,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
73(73) Chando chakachena namazaya echando akachena,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
74(74) Imi mheni namakuti,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
75(75) Pasi pose ngaparumbidze Tenzi
ngapamuimbire
nokumurumbidza kwazvo nokusingaperi.
76(76) Imi makomo netukomo,
imbirai Tenzi
murumbidzei kwazvo nokusingaperi.
77(77) Zvinhu zvose zvinomera pasi,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
78(78) Imi zvisipiti,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
79(79) Imi makungwa nenzizi,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
80(80) Imi zvikara zvomunyanza,
nemi zvipenyu zvose zvinogara mumvura
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
81(81) Imi shiri dzose dzedenga
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
82(82) Imi zvikara zvesango nemombe
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
83(83) Imi vanhu,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
84(84) Imi vaIsiraeri,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
85(85) Imi vapristi vaTenzi,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
86(86) Imi varanda vaTenzi,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
87(87) Imi mweya,
nemi mweya yavakarurama,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
88(88) Imi vatsvene,
nemi vane mwoyo wokuzvirereka,
rumbidzai Tenzi,
muimbirei mumurumbidze kwazvo narini.
89(89) Imi vana Hananiya naAzariya naMishaeri,
imbirai Tenzi
murumbidzei kwazvo nokusingaperi
nokuti akatinunura kunzvimbo yavafi,
akatinunura mumaoko orufu
akatinunura muvira romoto unopisa kwazvo
akatinunura mukati momoto.
90(90) Tendai Tenzi nokuti akanaka
nokuti mwoyochena wake hauperi.
91(91) Imi mose munonamata Tenzi
Mwari wavamwari
muimbirei mutendhe
nokuti mwoyochena wake hauperi.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.