20 Akabvisa hanzu dzake dzouhosi ndokupfeka kanzu dzenhamo nedzokuchema. Akazvidira dota nendove mumusoro panzvimbo yamafuta anokosha anonhuwirira. Akaninipisa muviri wake kwazvo nokuregerera vhudzi rake rakamonana–monana richirembera pose paaida kushongedza.
21 Akanamata kuna Tenzi Mwari weIsiraeri achiti,
“Imi Tenzi wangu,
ndimi moga Mambo wedu
ndibatsireiwo nokuti
ndagova ndoga ndoga.
Handina mumwe angandibatsire
kusiya imi moga
22 nokuti ndava kutobatira
upenyu hwangu mumaoko.
23 Chibereko changu ndakanzwa
mudzinza remhuri yedu kuti
makasarudza Isiraeri mukati
memarudzi avanhu ose,
mukasarudza madzibaba edu
kumadzitateguru avo ose
kuti vave nhaka yokugara nokugara
uye kuti makavaitira sokudzidza kwamakaita.
24 “Asi zvino isu takakutadzirai,
imi mukatiisawo mumaoko
avavengi vedu
25 nokuti takaremekedza vamwari vavo.
Imi Tenzi makarurama.
Kutaura kuno, uranda hwedu
hunosiririsa uhu havasi
kumbogutsikana nahwo
asi kuti vakatoita chibvumirano
nezvifananidzo zvavo zvokunamata,
27 kuitira kuti vashayire basa zvamakatsidza,
kuti vatsakatise nhaka yenyu
uye kuti vapfumbire miromo
yavanokurumbidzai uyewo kuti
vadzime mbiri yemba
yenyu neyeatari yenyu.
28 Kutiwo vanhu vechirudzi
vagoshama muromo wokurumbidza zvavo
zvifananidzo zvokunamata
zvisina namaturo ese
vagozogara vongotunhidza mambo
munhuwo zvake anofa.
29 “Tenzi we–e musarege
zvenyu tsvimbo yenyu
youmambo ichienda kune
chinhu pasina uye
regai kuti vawane
chokuzotishora nacho
kana tichinge tazowira pasi.
Asi dai waro mangoita kuti
zvavari kuronga
zvacho zvivapfukire ivo,
murume wacho nyakutanga
izvozvi izvi zvokutimukira
izvi mumuite somuenzaniso.
30 Tenzi we–e yeukai
muzviratidze panguva yedu yokutambudzika
mundishingisewo imi
Mambo wavamwari,
changamire wavatongi vose zvavo!
31 Itaiwo kuti ndive namazwi okutsvetera
nawo shumba iyi musandure
mwoyo murume iyeyu
agovenga munhu ari kurwisana
nesu kuitira kuti pake
pachimuperera naavo
vaanonzwanana navo.
32 Asi isu tinunureiwo nesimba
roruoko rwenyu mundibatsire
iyeni ndangova ndoga ndoga
kudai ndisina mumwe
anondibatsira kunze kwenyu imi Tenzi.
33 Imi munoziva zvose.
Saizvozvo munoziva kuti ndinovenga
mbiri yavaipi uye
handimboda zvangu uriri
hwavanhu vasina kudzingiswa
kana hwavanhu vechirudzi.
34 Mutoro wangu munouziva
wokuti ini handimboda zvangu ini,
chacho chinoratidza
kuti ndine nzvimbo yapamusorosoro
chandakadzikwa mumusoro ichi
mumazuva andakauya mudare muno.
Ndinochisema sedhendhe chairo
romukadzi ari panguva yake yokutevera,
nenera ndisingachipfeke
pamazuva andinenge ndakafaranukana zvangu.
35 Ini muranda wenyu handisati ndambodya
pamwechete naHamani patebhuru pavo
uye handisati ndambotunhidza
zvamabiko okwamambo kana kunwawo waini
yemipiro yavo yokuteura.
36 Kubvira pamusi wandakasvika pano
kusvikira pari zvino,
ini muranda wenyu
handisati ndawana chandakafarira
kusiya imi chete Tenzi Mwari waAbhurahamu.
37 Imi Mwari mune simba riri pamusoro pezvose,
inzwaiwo izwi revapererwa nechokuita
mutinunure mumaoko avaiti
vezvakaipa mundibvisewo
kutya kuri mandiri.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.