Esita g 14 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Munamato waEsitaHosiwo yamambo, Esita akabatwa nokutya kukuru akatizira kuna Tenzi.

20 Akabvisa hanzu dzake dzouhosi ndokupfeka kanzu dzenhamo nedzokuchema. Akazvidira dota nendove mumusoro panzvimbo yamafuta anokosha anonhuwirira. Akaninipisa muviri wake kwazvo nokuregerera vhudzi rake rakamonana–monana richirembera pose paaida kushongedza.

21 Akanamata kuna Tenzi Mwari weIsiraeri achiti,

“Imi Tenzi wangu,

ndimi moga Mambo wedu

ndibatsireiwo nokuti

ndagova ndoga ndoga.

Handina mumwe angandibatsire

kusiya imi moga

22 nokuti ndava kutobatira

upenyu hwangu mumaoko.

23 Chibereko changu ndakanzwa

mudzinza remhuri yedu kuti

makasarudza Isiraeri mukati

memarudzi avanhu ose,

mukasarudza madzibaba edu

kumadzitateguru avo ose

kuti vave nhaka yokugara nokugara

uye kuti makavaitira sokudzidza kwamakaita.

24 “Asi zvino isu takakutadzirai,

imi mukatiisawo mumaoko

avavengi vedu

25 nokuti takaremekedza vamwari vavo.

Imi Tenzi makarurama.

Kutaura kuno, uranda hwedu

hunosiririsa uhu havasi

kumbogutsikana nahwo

asi kuti vakatoita chibvumirano

nezvifananidzo zvavo zvokunamata,

27 kuitira kuti vashayire basa zvamakatsidza,

kuti vatsakatise nhaka yenyu

uye kuti vapfumbire miromo

yavanokurumbidzai uyewo kuti

vadzime mbiri yemba

yenyu neyeatari yenyu.

28 Kutiwo vanhu vechirudzi

vagoshama muromo wokurumbidza zvavo

zvifananidzo zvokunamata

zvisina namaturo ese

vagozogara vongotunhidza mambo

munhuwo zvake anofa.

29 “Tenzi we–e musarege

zvenyu tsvimbo yenyu

youmambo ichienda kune

chinhu pasina uye

regai kuti vawane

chokuzotishora nacho

kana tichinge tazowira pasi.

Asi dai waro mangoita kuti

zvavari kuronga

zvacho zvivapfukire ivo,

murume wacho nyakutanga

izvozvi izvi zvokutimukira

izvi mumuite somuenzaniso.

30 Tenzi we–e yeukai

muzviratidze panguva yedu yokutambudzika

mundishingisewo imi

Mambo wavamwari,

changamire wavatongi vose zvavo!

31 Itaiwo kuti ndive namazwi okutsvetera

nawo shumba iyi musandure

mwoyo murume iyeyu

agovenga munhu ari kurwisana

nesu kuitira kuti pake

pachimuperera naavo

vaanonzwanana navo.

32 Asi isu tinunureiwo nesimba

roruoko rwenyu mundibatsire

iyeni ndangova ndoga ndoga

kudai ndisina mumwe

anondibatsira kunze kwenyu imi Tenzi.

33 Imi munoziva zvose.

Saizvozvo munoziva kuti ndinovenga

mbiri yavaipi uye

handimboda zvangu uriri

hwavanhu vasina kudzingiswa

kana hwavanhu vechirudzi.

34 Mutoro wangu munouziva

wokuti ini handimboda zvangu ini,

chacho chinoratidza

kuti ndine nzvimbo yapamusorosoro

chandakadzikwa mumusoro ichi

mumazuva andakauya mudare muno.

Ndinochisema sedhendhe chairo

romukadzi ari panguva yake yokutevera,

nenera ndisingachipfeke

pamazuva andinenge ndakafaranukana zvangu.

35 Ini muranda wenyu handisati ndambodya

pamwechete naHamani patebhuru pavo

uye handisati ndambotunhidza

zvamabiko okwamambo kana kunwawo waini

yemipiro yavo yokuteura.

36 Kubvira pamusi wandakasvika pano

kusvikira pari zvino,

ini muranda wenyu

handisati ndawana chandakafarira

kusiya imi chete Tenzi Mwari waAbhurahamu.

37 Imi Mwari mune simba riri pamusoro pezvose,

inzwaiwo izwi revapererwa nechokuita

mutinunure mumaoko avaiti

vezvakaipa mundibvisewo

kutya kuri mandiri.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help