Jeremiya 2 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mwari anonyunyutira Isiraeri

1Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2“Enda undoparidza, Jerusaremu ichizvinzwa, kuti zvanzi naTenzi:

“Ndinorangarira mwoyo wokuda zvokunamata

wawaiva nawo pauduku hwako

norudo rwawaiva narwo semwenga

nokunditevera kwawaindiita murenje,

munyika isina chinorimwamo.

3“Isiraeri yakanga ichiera kuna Tenzi

iri michero yake chaiyo yokutanga kukohwa,

vose zvavo vakaidya vakapara mhosva vakapinda nhamo

ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Chitadzo chAmadzibaba avaIsiraeri

4Inzwai shoko raTenzi imi vemba yokwaJakobho, imi mose vemadzinza emba yaIsiraeri.

5Zvanzi naTenzi:

“Ndechipiko chakaipa chakaonekwa

namadzibaba enyu mandiri

zvavakabva vatoenda kure neni kudai

votevera zvinhu zvisina maturo

vachibva vavawo vanhu vasina maturo?

6“Havana kumbobvunzawo kuti,

iye Tenzi aripiko akatiburitsa munyika yeIjipiti,

akatitungamirira murenje,

munyika yamagwenga namakoronga,

munyika yakaoma, nyika yezarima,

munyika isina anopfuura nomo, kusina anogarako?

7“Ndakakuunzai munyika ine ivhu rakanaka

kuti mudye henyu michero yayo nezvakanaka zvayo.

Asi imi pamakapinda mairi makan'oresa nyika yangu

mukaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa.

8“Vapristi havana kubvunza kuti,

‘Tenzi ari kupi?’

Vanoona nezvomutemo havana kundiziva.

Vafudzi vavanhu vakandipandukira,

vaporofita vakaporofita nomweya waBhaari

vachitevedza zvinhu zvisina chimuko.

Tenzi anoti Isiraeri ine mhosva

9“Zvanzi naTenzi,

naizvozvo ndichakugadzai dare,

ndichagadzawo vana vavana venyu

10nokuti yambukirai kumahombekombe eSaipurasi muone,

kana kutumira nhume kuKedhari

dzindonyatsoongorora kwazvo

muone kana kwakamboitika chinhu chakadai.

11Kuno rudzi here rwakambochinjanisa

vaMwari varwo,

kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari?

Asi vanhu vangu vakatsinhanisa

Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri.

12“Matenga ngaakatyamarewo nezvakadai izvi

akangaidzwe, apazaniswe musoro,

ndizvo zviri kutaura Tenzi;

13nokuti vanhu vangu vakanditadzira

nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira

ini tsime remvura mhenyu

vakatozvicherera mazigaringiro emvura

mazigaringiro akabamuka

asingagone kuchengeta mvura.

Kusatendeseka kunosvitsepi vanhu vaMwari

14“Nyika yeIsiraeri nyika yevaranda here?

Vakaberekerwa muuranda here?

Sei vava nyama yamagora.

15Shumba dzakamudzovera

dzichiita ruzha chairwo kudzvova.

Nyika yeIsiraeri vaiita kuti

ingova nyika isina zvayo chinhu,

maguta ayo ava matongo asisina anogaramo.

16“Uyewo vanhu vokuguta

reMemufisi nereTapanesi

vakatsemura Isiraeri musoro.

17Hazvisi zvokuzviparira here izvi

nokufuratira kwawakaita Tenzi,

Mwari wako iye achingunokutungamirirai mugwara?

18“Ko zvino chii chamunowana

nokuenda kuIjipiti,

kundonwa mvura yomuna Nairi nhai?

Uye chii chamunowana nokuenda kuAsiria,

kundonwa mvura yomuna Yufuratesi here?

19Uipi hwako huchakupfukira;

umhandupandu hwako ndohuchakugadzira.

Chaunofanira kuziva nokuona ndechokuti

chinhu chakaipa chinorwadza,

kufuratira Tenzi, Mwari wako

zvokunditya mauri hamuna

ndizvo zviri kutaura Tenzi

Mwari wehondo nehondo.”

20“Ndinodaro nokuti kare kare

wakatyora iwe Joko rako

ukadambura zvitorobho zvako

uchiti, ‘Handichakushandirai.’

Heeka, pachikomo chose chose zvacho

napasi pomuti wose zvawo wakasvibira

wakapfugamidzapo sepfambi.

21“Asi ini ndakanga ndakusima

somugirepisi wakanakisisa chaizvo,

chaiwo une mhodzi dzakasvika.

Zvauya sei kuti ubva wasanduka kudai,

kubva wava somugirepisi womudondo zvawo?

22“Kunyange zvako ukazvishambidza

nesoda nesipo ine simba chaizvo

uchiipupumisa kwazvo

kutindivara kwemhosva yako

ndinenge ndichingokuona chete

ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

23“Ko ungagoti sei,

handina kun'ora ini,

handina kutevera vanaBhaari?

Tarisa uone gwara rako mumupata, uzive twawakaita.

Uri tsiru renghamera rabindura

risina kugadzikana rinodimuranisa nyika.

24Uri dhongi zvaro romusango

rajairira zvomurenje

rinongofemhedza mhepo nokubindura kwaro!

Ndiani angaridzore pahavi dzaro?

Hapana mikono inenge ichiritsvaga inofanira

kuzvinetsa zvayo,

mumwedzi waro wokubindura inotoriwana chete.

25Ngwarirai kuti muchasvuuka tsoka

mugooma pahuro nenyota.

Asi wakati iwe, ‘Hazvina basa nokuti

ndinodanana navamwari vechirudzi

saka changu ini kwangova

kundenderedzana navo ikoko.’ ”

Isiraeri inofanira kurangwa

26“Sokunyara kunoita mbavha

kana yabatwa,

ndokunyara kuchaita vemba yaIsiraeri,

ivo, namadzimambo avo namachinda avo,

navapristi vavo navaporofita vavo.

27Vanhu vanototi kumuti

‘Ndimi baba vangu,’ vachiti kudombo,

‘Ndimi makandibereka,

nokuti vakandipa gotsi'va vakandivanza uso.’

Asi kana pava panhamo zvino ndopovoti,

‘Simukai mutinunureiwo.’

28“Ko vamwari vako vawakazvigadzirira varipi?

Ngavasimukeka ivo kana vachikwanisa kukununura

zvaunenge wapindwa nenhamo kudaro

nokuti iwe Judha kuwanda kwakaita maguta ako,

ndokuwanda kwakaitawo vaMwari vako.

29“Chamunondipira mhosva chii ipapa?

Makandipandukiraka imi mose zvenyu,

ndizvo zviri kutaura Tenzi anoti:

30Kubangorangawo zvangu vana vako neshamhu,

havana kana kumbodzoreka zvavo.

Mapakatwa ako iyewe

ndiwo aparadza vaporofita vangu seshumba inorura.

31Imi vechizvarwa chino ichi,

chinzwai munzwe zviri kutaurwa naTenzi.

Iyeni ndabva ndaita segwenga here kuvaIsiraeri?

Kana kuti senyika yezarima zvayo?

Ko vanhu vangu zvovotozuwa zvavo vachiti:

‘Tochiita pamadiro zvino,

kwamuri hatichambokutsikazve?’

32Mhandara ingakanganwe zvishongo zvayo here,

kana kuti mwenga kukanganwa

hanzu yake yomuchato here?

Asi vanhu vangu vakandikanganwa kwamazuva asingaverengeki.

33Inga unoziva kwazvo

kurondorodza zvikomba zvako!

Kunyange vakadzi vakaipa

wakatovadzidzisa maitiro ako.

34Kunyange pambatya dzako pakatsvuka ropa

ravarombo vasina mhosva.

Hauna kuvawanikidza vachipaza.

Kunyange zvose izvozvi zvakadai

35iwe ndopaunoti, handina mhosva,

zvokundishatirirwa haachambondishatirirwa.

Chinzwa, ndichakupa chirango

chokukurangira muromo wako iwoyo

wokuti, ‘Handina kutadzira Mwari.’

36Unongoti pano batu, pano batu

zvisina netsarukano yese.

Uchanyadziswa neIjipiti

sokunyadziswa kwawakaitwa neAsiria.

37Naikokozve uchadzoka wakabata gotsi

nokuti Tenzi akaramba vaunovimba navo vacho.

Chaunowanawo iwe uchibatsirwa navanhu ivavo hapana.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help