1 Vanamakabhi 7 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kugara paumambo kwaDhemetiriusi

1Mugore rezana namakumi mashanu nechiposhi, mumwe ainzi Dhemetiriusi, mwanakomana waSerukusi akasimuka kuRoma akaenda nengarava kune rimwe guta riri pedyo negungwa aina vanhu vashoma, akabva atanga kutonga zvake.

2Paakanga ava kupinda mumuzinda wamambo wamadzibaba ake, hondo yavarwi yakabata Andiokusi naRisiasi kuti iuye navo kwaari.

3Asi paakazviziva akati, “Handimboda zvangu kana kuvaona pameso pangu.”

4Nokudaro hondo iyoyo yakavauraya, Dhemetiriusi akabva agara pachigaro choumambo hwake.

5Kwakazouya kwaari vanhu vomuIsiraeri vasina mutemo vasingatyi Mwari vachitungamirirwa naArikimusi aida kuva mupristi mukuru.

6Zvino vakauya kuna mambo nemhosva iyi yokupomera vanhu yokuti, “Judhasi navakoma navanun'una vake vakaparadza shamwari dzenyu dzose vakatidzingawo isu munyika medu.

7Saka zvino tumai munhu wamunovimba naye andoona umharadzi hwose hwatakaitirwa naJudhasi, isu nenyika yenyu mambo, avarange pamwechete navose vanomubatsira.”

8Sokudaro mambo akasarudza Bhakidhesi mumwe weshamwari dzamambo, sadunhu wenyika yokumhiri kwerwizi rwaYufuratesi. Aiva mukuru mukuru chaiye munyika imomo ari munhu akatendeseka kuna mambo.

9Akamutumirako aino munhu asingatyi Mwari ainzi Arikimusi uya waakaita mupristi mukuru akamuti anofanira kundotsividza vanhu veIsiraeri.

10Saizvozvo vakaenda vakasvika kunyika yokwaJudha nezararira ravarwi vehondo. Akatumira shoko kuna Judhasi navakoma navanun'una vake rokuti pave nokuwadzana, asi iro riri shoko roumharadzi zvaro.

11Asi havana kumbozviteerera nokuti vakanga vavaona kuti vakanga vauya negurumwandira ravarwi vehondo.

12Chimwe chikwata chenyanzvi dzomutemo chakauya vari boka chairo pana Arikimusi naBhakidhesi kuzotaurirana zvinofadza mativi ose ari maviri.

13Vebato revaHesedhi ndivo vakava vokutanga–tanga pakati pevanhu vechiIsiraeri kundotsvaka zvokuyanana navo

14nokuti vaiti, “Mupristi wechizvarwa chokwaAroni auya nehondo yavarwi iyoyo, saka haasi kuzotikuvadza.”

15Iye akataurirana navo zvakanaka akatopika kwavari nemhiko iyi achiti, “Chatiri kuda isu hatisiri kuda kukukuvadzai imi kana shamwari dzenyu.”

16Nokudaro vakabva vavimbawo naye. Asi iye akabata vamwe vavo makumi matanhatu akavauraya nomusi mumwechete chaiwo maereranowo neshoko raiva rakanyorwa rinoti,

17“Vatsvene venyu vakaitwa kanyamakanyama

ropa ravo rikadeurwa munharaunda yose yeJerusaremu,

kukashaya nomumwechete zvake wokuvaviga.”

18Vanhu vose vakawirwa nokuvatya nokuvadedera nokuti vakanga voti, “Muvanhu ava, hamuna chokwadi kana ruenzaniso nokuti vatyora chibvumirano nemhiko yavakapika.”

19Bhakidhesi akabva kuJerusaremu akandodzika musasa wamatendhe kuBhetizaiti. Akatuma vanhu vakandobata vanhu vakawanda vakanga vatizira kwaari navamwe vavanhu akavauraya akavakanda muzigomba guru.

20Akaisa nyika mumaoko maArikimusi akamusiyira varwi vehondo vokumubatsira, Bhakidhesi ndokubva adzokera kwamambo.

21Arikimusi aivavarira kuti ave mupristi mukuru,

22zvino vose vaitambudza vanhu vokwavo vakabatana navo. Vakazviwanira simba rokutonga nyika yokwaJudha, vakawondonga kwazvo zvinhu muIsiraeri.

23Judhasi akaona uipi hwose hwakaitwa mukati mavaIsiraeri huchiitwa naArikumusi navaaiva navo zvaitopfuura zvakaitwa nevechirudzi.

24Nezvo Judhasi uyu akabuda akaenda munharaunda yose yeJudhia achitsividza varume vaya vokusiyana naye, achirambidza vaiva muguta kubudamo vachienda mumaruwa.

25Arikimusi paakaona kuti Judhasi navaakanga anavo vakanga vava nesimba uye achizvionawo kuti haangamirisani navo akadzokerazve kwamambo akavapomera mhaka dzakaipa.

Hondo yaNikanori kuJudhia kuKafarisarama

26Ipapo mambo akatuma Nikanori mumwe wamachinda anoremekedzwa kwazvo aivenga nokusema Isiraeri, akamuti aparadze vanhu ivavo.

27Saizvozvo Nikanori akasvika Jerusaremu aine gurusvusvu ravarwi vehondo akatumira shoko rokuwadzana kuna Judhasi navakoma navanun'una vake riri rinounyengedzi mukati rokuti,

28“Ngapave nokusarwisana pakati pako neni. Ini ndichauyako navarume vashoma kuzoonana newe uso nouso murugare.”

29Sokudaro akasvika kuna Judhasi vakanyatsokwazisanawo zvakanaka. Asi muvengi akanga atogadzirira kubata Judhasi.

30Zvakasvika munzeve dzaJudhasi kuti Nikanori uyu akanga auya kwaari aine unyengedzi hwoumhondi, akamutya haana kudazve kusangana naye.

31Zvakasvikawo munzeve dzaNikanori kuti zano rake rakanga razivikanwa, akabuda kundorwisa Judhasi pedyo neKafarisarama.

32Pakafiwa navanhu vaikarosvika mazana mashanu avarwi vehondo yaNikanori, vamwe vose vakatizira muGuta raDhavhidhi.

Kutyisidzira Temberi kwaNikanori

33Mushure maizvozvi Nikanori akakwira kuenda kuGomo reZioni. Vamwe vapristi vakabuda muNzvimbo Inoera navamwe vakuru vakuru vavanhu kundokwazisana naye zvino runyararo nokumuratidzawo mupiro wokupisa wakanga uchipirirwa mambo.

34Asi iye akavanyomba akavashora akavan'oresa akataura kwavari achiita zvokuvatafurira.

35Akashatirwa kudaro akapika nemhiko achiti, “Kana Judhasi nehondo yake vasina kuiswa mumaoko mangu iye zvino uno ndikazongodzoka zvakanaka chete, imba ino iyi ndinoipisa.” Akabva abuda akashatirwa zvikuru.

36Vapristi vakapindamo vakandomira pakati peatari neTemberi vakachema vakati,

37“Makasarudza imba ino iyi

kuti idaidzwe nezita renyu,

kuti ivewo imba yavanhu venyu,

yokunamatira, imba yokusvitsira zvichemo.

38“Tsividzai murume uyu nehondo yake,

murege varakatiswe namapakatwa,

rangarirai kushonha kwaakuitai,

zvokurarama ngazvichivaperera.”

Rufu rwaNikanori kuAdhasa

39Izvozvo Nikanori akabuda muJerusaremu akandodzika musasa wamatendhe ava kuBhetihoroni hondo yavarwi veSiria ikabatana naye.

40Zvino Judhasi akandodzika musasa wematendhe kuAdhasa aine zviuru zvitatu zvavarume. Judhasi akazonamata achiti,

41“Nhumwa dzokwamambo padzakakushonhai,

mutumwa wenyu akavabudira akauraya vanhu zana

namakumi masere ezviuru ane zviuru

zvishanu zvavaAsiria.

42Paradzaiwo saizvozvo hondo iyi

yatatarisana nayo nhasi uno

muite kuti vamwe vose vazvizive

kuti Nikanori akataura zvakaipa

nezveNzvimbo yenyu Inoera

mumutonge maererano nouipi ihwohu.”

43Saizvozvo hondo idzi dzakamirisana pamusi wegumi nechitatu womwedzi waAdhari. Hondo yaNikanori yakaparadzwa, iye ndiye akatova wokutanga kufa muhondo imomo.

44Hondo yake payakaona kuti Nikanori wafa vakakanda pasi zvombo zvavo zvokurwisa vakatiza.

45VaJudha vakadzingirirana navo kwerwendo rwomuswere wose wozuva, kubvira kuAdhasa kusvikira kuGazara, vachidzingirira vachiridza mabhosvo.

46Kwakabuda varume munharaunda yose yeJudhia misha yose zvayo. Vakavakunda nokuvachingudzira kwavakaita vachivadzosera kwakare kune vaivadzingirira vacho zvokuti vose vakaurayiwa namapakatwa. Hakuna kunyange nomumwe zvake akasara ari mupenyu.

47VaJudha vakatora zvinhu zvokupamba nezvimwewo zvokutora zvavo. Vakadimura Nikanori musoro noruoko rwake rworudyi rwaaizvikudza narwo achitambanudza. Vakauya nazvo vakazviti charavanda pazvaionekwa navanhu kunze kweJerusaremu.

48Vanhu vakafara zvikuru kwazvo vakapembera musi iwoyo sezuva rokufara kukuru.

49Vakasunga chisungo chokuti zuva irori rinofanira kupembererwa gore negore pamusi wegumi nechitatu wmwedzi waAdhari.

50Naizvozvo nyika yokwaJudha yakambova norunyararo kwamazuva mashoma.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help