1Ungwaru hwakachengeta baba vapasi pose
vakatanga kusikwa,
pavakanga vasikwa vari voga
hukavanunura mukukanganisa kwavo kwavakaita
2hukavapawo simba rokutonga zvinhu zvose.
3Asi mumwe munyangadzi,
akachekana ukama noungwaru
pamusana pehasha dzake
akaparara nokuti nehasha dzake
akauraya munun'una wake.
4Kunyudzwa kwakaitwa pasi pose
nemvura pamusana pomunhu,
ungwaru ndihwo hwakapaponesa,
huchifambisa mururami
ari pamusoro pechimuti chisina maturo.
5Paya pakarangana marudzi kupanduka
vakapazaniswa musoro,
ungwaru hwakaziva mururami, hukamuchengeta
asina nechaaipomerwa nacho pamberi paMwari,
hwakamusimbaradza kuti asafurirwe
netsitsi dzokuda mwana wake.
6Ungwaru hwakanunura munhu akarurama,
paye pakaparadzwa vakaipa,
akapunyuka moto waitozomokera
pamaguta mashano.
7Zvinopupurira uipi hwavo
nanhasi wose zvichiripo,
gwenga zvaro richiri kupwititika utsi,
kuna makwenzi anobereka michero isingaibvi,
uye churu chomunyu wakati dzuu,
ndicho chiyeuchidzo
chomukadzi asina kutendeka.
8Tinodaro nokuti pavakaparadzana
vanhu ava noungwaru havana kusakiswa
kusaziva chakanaka nechakaipa chete
asi kuti vakasiyira
vapenyu chiyeuchidzo choupenzi hwavo, kuitira kuti
unyangadzi hwavo hurege kungonyangarika.
9Asi ungwaru hwakanunura munhamo varanda vahwo.
10Ungwaru hwakatungamirira akarurama
nenzira yakati tasa,
paya paaitiza hasha dzomukoma wake.
Hwakamuonesa umambo hwaMwari
hukamupawo ruzivo rwezvinhu zvinoera.
Hwakamuita kuti abudirire
mumabasa ake airema
hukaita kuti kushingaira kwake
kumuberekere zvakawanda;
11ungwaru hwakamira naye hukamupfumisa,
pavanhu vaiva noudyire uye vakanga
vachimudzvinyirira.
12Hwakamudzivirira kuvavengi vake,
hukamununura kuna vaimuhwandira.
Paaiita mapitse etsimba hwakamuita kuti
akunde, kuti azive kuti hapana
chimwe chinopa simba
pano kusimbirira nezvaMwari.
13Ungwaru hauna kuparadzana nomururami,
zvaakanga atengeswa,
asi hwakamununura kuti asatadzire Mwari.
14Hwakapinda naye mujeri maakaiswa,
paaiva muusungwa hauna kumusiya,
kudzamara hwaita kuti apiwe tsvimbo youmambo,
nesimba rokutonga vaimubata zvisina kunaka vacho.
Hwakaonesa pachena unyengedzi
hwavaimupomera mhosva,
hukamupa mukurumbira usingaperi.
Mosesi15Ungwaru hwakanunura rudzi rwakarurama,
vedzinza risina mhosva
kurudzi rwaivadzvinyirira
16Hwakapinda mumweya womuranda waTenzi
akamirisana namadzimambo anotyisa
nezviratidzo nezvishamiso.
17Hwakapa vanhu vakarurama
mubayiro wamabasa avo,
hukavatungamirira nomunzira inoshamisa,
huri mumumvuri wavo masikati,
noruvheneko nechiedza chenyenyedzi usiku.
18Hwakavayambutsa Gungwa Dzvuku,
hukapfuura navo nomumvura zhinji.
19Asi vavengi vavo hwakavanyudza,
hukazovakanda kunze,
vachibva pasi pasi pemvura.
20Nokudaro vakarurama vakapamba
zvavasiri vanamati.
Vakabva vaimbira zita renyu, Tenzi
vachimurumbidza, nomwoyo mumwechete,
ruoko rwenyu, rwaivadzivirira,
21nokuti ungwaru hwakazarura
miromo yezvimumumu,
hukaitisa kuti ndimi dzavacheche
dzitaure zvinonyatsonzwika.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.