Ungwaru 10 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

III: UNGWARU MUNHOROONDO YOUPENYU HWAVANHUKubva kuna Adhamu kusvika kuna Mosesi

1Ungwaru hwakachengeta baba vapasi pose

vakatanga kusikwa,

pavakanga vasikwa vari voga

hukavanunura mukukanganisa kwavo kwavakaita

2hukavapawo simba rokutonga zvinhu zvose.

3Asi mumwe munyangadzi,

akachekana ukama noungwaru

pamusana pehasha dzake

akaparara nokuti nehasha dzake

akauraya munun'una wake.

4Kunyudzwa kwakaitwa pasi pose

nemvura pamusana pomunhu,

ungwaru ndihwo hwakapaponesa,

huchifambisa mururami

ari pamusoro pechimuti chisina maturo.

5Paya pakarangana marudzi kupanduka

vakapazaniswa musoro,

ungwaru hwakaziva mururami, hukamuchengeta

asina nechaaipomerwa nacho pamberi paMwari,

hwakamusimbaradza kuti asafurirwe

netsitsi dzokuda mwana wake.

6Ungwaru hwakanunura munhu akarurama,

paye pakaparadzwa vakaipa,

akapunyuka moto waitozomokera

pamaguta mashano.

7Zvinopupurira uipi hwavo

nanhasi wose zvichiripo,

gwenga zvaro richiri kupwititika utsi,

kuna makwenzi anobereka michero isingaibvi,

uye churu chomunyu wakati dzuu,

ndicho chiyeuchidzo

chomukadzi asina kutendeka.

8Tinodaro nokuti pavakaparadzana

vanhu ava noungwaru havana kusakiswa

kusaziva chakanaka nechakaipa chete

asi kuti vakasiyira

vapenyu chiyeuchidzo choupenzi hwavo, kuitira kuti

unyangadzi hwavo hurege kungonyangarika.

9Asi ungwaru hwakanunura munhamo varanda vahwo.

10Ungwaru hwakatungamirira akarurama

nenzira yakati tasa,

paya paaitiza hasha dzomukoma wake.

Hwakamuonesa umambo hwaMwari

hukamupawo ruzivo rwezvinhu zvinoera.

Hwakamuita kuti abudirire

mumabasa ake airema

hukaita kuti kushingaira kwake

kumuberekere zvakawanda;

11ungwaru hwakamira naye hukamupfumisa,

pavanhu vaiva noudyire uye vakanga

vachimudzvinyirira.

12Hwakamudzivirira kuvavengi vake,

hukamununura kuna vaimuhwandira.

Paaiita mapitse etsimba hwakamuita kuti

akunde, kuti azive kuti hapana

chimwe chinopa simba

pano kusimbirira nezvaMwari.

13Ungwaru hauna kuparadzana nomururami,

zvaakanga atengeswa,

asi hwakamununura kuti asatadzire Mwari.

14Hwakapinda naye mujeri maakaiswa,

paaiva muusungwa hauna kumusiya,

kudzamara hwaita kuti apiwe tsvimbo youmambo,

nesimba rokutonga vaimubata zvisina kunaka vacho.

Hwakaonesa pachena unyengedzi

hwavaimupomera mhosva,

hukamupa mukurumbira usingaperi.

Mosesi

15Ungwaru hwakanunura rudzi rwakarurama,

vedzinza risina mhosva

kurudzi rwaivadzvinyirira

16Hwakapinda mumweya womuranda waTenzi

akamirisana namadzimambo anotyisa

nezviratidzo nezvishamiso.

17Hwakapa vanhu vakarurama

mubayiro wamabasa avo,

hukavatungamirira nomunzira inoshamisa,

huri mumumvuri wavo masikati,

noruvheneko nechiedza chenyenyedzi usiku.

18Hwakavayambutsa Gungwa Dzvuku,

hukapfuura navo nomumvura zhinji.

19Asi vavengi vavo hwakavanyudza,

hukazovakanda kunze,

vachibva pasi pasi pemvura.

20Nokudaro vakarurama vakapamba

zvavasiri vanamati.

Vakabva vaimbira zita renyu, Tenzi

vachimurumbidza, nomwoyo mumwechete,

ruoko rwenyu, rwaivadzivirira,

21nokuti ungwaru hwakazarura

miromo yezvimumumu,

hukaitisa kuti ndimi dzavacheche

dzitaure zvinonyatsonzwika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help