Jeremiya 15 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kurangwa kwevanhu nenzara nebakatwa

1Tenzi akazoti kwandiri, “Kunyange dai Mosesi naSamueri vakamirira vanhu ava kwandiri handaimbodzora mwoyo wangu kwavari. Chivabvisa pameso pangu vaende!

2Kana vakazokubvunza kuti, ‘Kwotoenda kwacho ndokupi?’ iwe uvati zvanzi naTenzi:

“Vedenda, vaende kudenda

vebakatwa, kubakatwa, veshangwa yenzara, vaende kunzara

vokuhutapwa, vaende kuhutapwa.

3“Ndichavasarudzira zvinhu zvina zvokuvaparadza nazvo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, zvinoti bakatwa rokuvaurayisa nembwa dzokuvabvanzura uye shiri dzedenga nemhuka zvesango dzokuvazhanya nokuvaparadza.

4Ndichaita kuti zvionese ndondo nyika dzose dzapasi pano pamusana pezvakaparwa muJerusaremu naManase mwanakomana waHezekiya mambo wokwaJudha.

5“Ndianikowo achakunzwira tsitsi

nhaiwe Jerusaremu,

kana kuti ndianiwo achakuchema?

Ndiani zvake achatsauka achikubvunzawo upenyu?

6“Wakandirambaka iwe

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Unoramba uchingodzokera shure chete.

Ndokusaka ndakazokubatira shamhu yokukuparadza nayo.

Ndaneta nokukuitirai mwoyo murefu.

7“Ndakavawurutsa neforogo yokuwurutsisa

mumaguta enyika iyoyi.

Ndakaita kuti vaone nhamo yorufu

ndikaparadza vanhu vangu,

asi kusiyana nenzira dzavo havana.

8“Ndakaita kuti chirikadzi dzavo dziwande

kudarika jecha rokumakungwa.

Ndakaunzira vana amai vemajaya

mharadzi zuva rakacheka nyika.

Ndakaita kuti kurwadziwa nokutya

zvingoyerekana zvavapinda.

9“Amai vavanomwe

vatambura nokuchema, vakarezuka,

rakavadokera masikati machena,

akanyadziswa akafumurwa,

vamwe vacho vose

ndichavaurayisa nebakatwa rehondo

mumaoko mavavengi vavo,

ndizvo zviri kureva Tenzi.”

Kunyunyutira Tenzi kwaJeremiya

10Nhai amai we-e zvangu! Chamakandiberekera, ini zvangu munhu wenharo, ini matatapure munyika ino yose. Handina kukweretesa kana kukwereta munhu asi vose vanondirengerera rushambwa.

11Tenzi akati, “Handina kukuramba here? Ndingarege here kukuunzira vavengi?

12Munhu angagone here kutyora simbi, simbi yokuchamhembe nendarira?

13“Upfumi hwenyu nezvinhu zvenyu zvinokosha ndichazviita kuti zvipambwe mahara munyika yenyu yose pamusana pezvitadzo zvenyu.

14Ndichakuitai kuti mushandire vavengi venyu munyika yamusingazivi nokuti ndaviruka nehasha; moto ukabaka unoramba uchingobvira nokusingaperi.

15“Tenzi, imi ndimi munoziva

ndirangarireiwo mundishanyire

mungonditsividzirawo vanonditambudza.

Pamusana pomwoyo wenyu murefu musandipfuudze

munozviziva wani kuti

kuzvidzwa kwandinako uku kuzvidzirwa imi.

16“Shoko renyu pandariwana ndarizeya

mazwi enyu iwayo aindipa mufaro

ariwo angu akanga ari mazwi apamwoyo andinofarira

nokuti ndinodaidzwa nezita renyu

imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo.

17“Handina kumbogara muboka

ravanhu vamafaro kana kumbopembera nokufara.

Ndaingogara ndiri ndoga zvangu

nokuti simba roruoko rwenyu raiva pandiri.

Ndinodaro nokuti makandizadza nehasha.

18“Ko iko kurwadzwa kwangu

kusingaperi kwakaita seiko,

ronda rangu risingarapiki

rakaita sei risingapori?

Asi kwandiri, munoda kuita sakakova

kanonyengedza, semvura inopwa?”

19Nokudaro zvanzi naTenzi,

“Kana ukadzoka

ndichakudzorera pabasa rako undishandire.

Kana ukataura zvinhu kwazvo

usingataure zvinhu zvisina maturo

ndiwe uchava muromo wangu, vachadzokera kwauri

asi iwewe haudzokere kwavari.

20“Kuna vanhu ivava ava

ndichaita kuti vave rusvingo rwendarira.

Vachakurwisa asi havakukuriri

nokuti ndinewe ndinokuponesa

nokukununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi.

21“Ndichakuponesa mumaoko mavakaipa

ndichikununura kana wabatwa

navanhu voutsinye.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help