Tsumo 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kusarudza ungwaru

1Chinzwai vanangu chidzidziso chababa

muteerere kuti muone zvinhu nemazvo

2nokuti ndichakupai mirao yakanaka,

musakande pasi zvandinokudzidzisai.

3Zvandaiva mukomana

ndiina baba vangu,

ndichiri mudiki,

ndichingove ndini

mwana mumwechete waamai vangu

4vakandidzidzisa vachiti,

“Chengeta nomwoyo wose

zvandinokutaurira

chengeta mitemo yangu

kuti urarame.

5Iva noungwaru

uone zvinhu nemazvo

usakanganwe,

usatsauke pamashoko omuromo wangu.

6Usasiane noungwaru,

ihwo huchakuchengeta

hude, ihwo huchakuchengetedza.

7Chinhu chokutanga paungwaru,

wana ungwaru.

Pana zvose zvaungawane

wana kunzwisisa.”

8Huremekedze zvikuru

ihwo huchakusimudzira

kana ukahumbundira.

9Hunokudzika tsungare yamaruva mumusoro

hugokugadza ndaza yakanaka.

10Teerera mwanangu,

utambire zvandinokutaurira

kuti makore oupenyu hwako awande.

11Ndakakudzidzisa nzira dzoungwaru

ndikakutungamirira mumakwara

ukava pachokwadi.

12Kana wofamba,

nhanho dzako hadzizovhiringidzwi,

kana womhanya

haugumburwi.

13Batisisa zvaunodzidziswa,

usazvikande pasi,

ramba wakazvichengeta

nokuti ndihwo upenyu hwako.

14Usafambe namakwara avaipi

kana kutevera nzira dzavakaipa.

15Siana nayo, usadimure nekwairi.

Tsaukana nayo uinyenyeredze.

16Ndinodaro nokuti

havakwanisi kuvata

kana vasina kuita zvakaipa,

havawane hope,

kusvikira vatovhiringidza mumwe munhu,

17nokuti uipi ndicho chokudya chavo

uye utsinye ndiyo waini yavanonwa.

18Gwara ravarurami rakaita samambakwedza

anoramba achingochena kusvikira

ava masikati makuru.

19Asi nzira yavakaipa

yakaita sezarima

havambozivi chinogumbura.

20Mwanangu teerera mashoko angu

rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.

21Ngazvirege kupunyuka ziso rako

zvichengete mumwoyo mako

22nokuti upenyu kuna anozviwana

uye zvinorapa nyama yake yose.

23Nyatsochengetedza mwoyo wako nomwoyo wose

nokuti mauri ndimo mune zvisipiti zvoupenyu.

24Bvisa mauri muromo wenhema

uye pamuromo pako kutaura zvisizvo.

25Kutarisa kwako ngakuti twasa,

yeva zviri pamberi pako.

26Tanga wafunga nzira

yauchafamba nayo.

Nzira dzako dzigove muchechetere

27usatsaukire kurudyi kana kuruboshe

tsoka yako ngairege kuenda kunezvakaipa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help