Sira 29 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zvikwereti

1Munhu ano mutsa anokweretesa mumwe, wake;

anosimbisa mumwe saizvozvo anochengeta mitemo.

2Kweretesa mumwe wako kana asisina pokubata;

newewo dzosera chikwereti chomumwe wako nenguva

yamakabvumirana.

3Ita chaunenge wakatsidzirana nomumwe wako,

uve munhu akavimbika kwaari;

kana uchidai, nguva iri yose zvayo uchazowana

zvaunofanira kuve nazvo.

4Vazhinji vanoona chikwereti sechinhu chavanonga,

vachizopinza munhamo munhu akavabatsira.

5Munhu anokumbira anoteterera kwazvo

kudzamara apiwa,

pamusoro poupfumi hwake

anotaura akapfavirira,

asi kuzoti kwava kudzosera, anoverengera,

otaura zvisina kunaka

achinyunyuta nezvenguva.

6Kana munhu akakweretwa akamanikidza kudzorerwa,

hafu yacho,

akakwereta anototi zvaita waro,

kana akasaomeredza kudzorera,

nyakukwereta anenge abira mumwe mari yake

uye nyakukweretwa anowana muvengi zvisina

nebasa rose,

kumudzorera anenge achitoti dai awana

chinomuwana achimutuka;

achimushonha panokuti amuremekedze.

7Pamusana pouipi hwakadai, vazhinji

vanoramba kukweretesa

vachitya kunyengedzwa zvisina basa.

Rubatsiro

8Kunyange zvakadaro zvazvo,

ita mwoyo murefu navarombo

rega kuti vagomirira kwenguva ndefu rubatsiro rwako.

9Batsira murombo, pamusana pomutemo

uye pamusana pokuti haana chaanacho, rega kumuendesa

asina chaanacho.

10Zviri nani kurasikirwa nemari yako nokuda kwehama

yako kana shamwari yako,

panokurasikirwa nemari ichiita ngura iri pasi pedombo.

11Zviunganidzire upfumi sokutemwa

kwazvakaitwa noWokumusorosoro,

zvichazokubatsira kupfuura ndarama.

12Upfumi hwaunofanira kuzviunganidzira mudura rako,

mwoyochena wako kuvarombo,

huchazokununura munhamo dzako dzose

13uye, huchakurwira kumuvengi,

kupinda nhoo yakasimba, kana pfumo rakasimba.

Kutsigira mukwereti

14Munhu wakanaka anotsigira mumwe wake pakukwereta,

asi nyakukwereta angave munhu asinganyari chaizvo

kana osiyira mutsigiri wake

basa rose rokudzorera chikwereti.

15Usakanganwe mwoyochena womunhu akakutsigira,

akazvipinza munjodzi yorufu pamusana pako.

16Mutadzi haanei nazvo zvokutoresa rubatso

rwomutsigiri wake,

munhu asingatendi anokanganwa nyakumuponesa.

17Kutsigira mukwereti kwakarozva vapfumi vazhinji,

kukavaputsira pasi sezvinoita masaisai enyanza.

18Kwakadzinga vane simba mumisha yavo,

kukavaita maswerakuenda munyika dzisiri dzavo.

19Mutadzi anozviita mutsigiri

pamusana pokuda kuwana pokupfuma napo,

anozvipinza mumatare emhosva.

20Batsira mumwe wako sokugona kwako,

asi chenjerera kuzvipinza munhamo.

Nhamo yaanoshaya pokugara

21Kuti munhu ararame anoda

mvura nechokudya nechokusimira,

uye, nembawo yokuti awane pokuvanda.

22Zviri nani kuva murombo uri mukatumba kako,

pano kudyiririra mabiko uri mumba yomumwe.

23Gutsikana nezvaunazvo,

zvingave zvizhinji kana zvishoma,

urege kunzi mukwati.

24Inhamo chaiyo kutevedzana nedzimba dzavanhu;

paunenge uri muenzi haumbopati muromo bufu.

25Ndiwe uchava muperekeri, uchidirira vanhu zvokunwa

pasina anokutenda.

Pamusoro paizvozvi

achanzwa mazwi anobaya mwoyo okuti,

26“Roja, pinda undigadzirire pokudyira,

kana une chaunacho, ndipe ndidye;”

kana kuti anokuti,

27“Roja, chibva pano usiyire nzvimbo

munhu anokudzikana,”

kana kuti, “Mukoma wangu auya kuzombogara neni,

ndavakuda imba yangu.”

28Zvinhu izvi, zvinhu zvinonetsa kumunhu anofunga,

kutukirwa pokugara

kana kutukwa nomunhu anokukweretesa mari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help