Nziyo 101 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rwiyo rwaDhavhidhi.Mambo kwaye

1Ndichaimba nezvokutendeka

uye nezvoruenzaniso,

ndichaimbira imi TENZI.

2Ndichangwaririra mufambiro wakarurama.

Ko imi muchauyawo kwandiri rini?

Ini ndichafamba nomwoyo wakatendeka

mumba mangu.

3Ndicharega kutarisa

chose chinenge chakashata;

zvose zvinoitwa navanenge vafuratira Mwari,

ndichazvivenga.

Handidi kuva nei nazvo.

4Uipi ndichasiana nahwo,

handidi kumbofa ndakaita ukama nouipi.

5Munhu anoreva mumwe wake muchivande,

ndichamuparadza.

Munhu anozvitutumadza,

anozvikudza handidi,

kuita hanya naye.

6Ziso rangu richava kuna vakatendeka munyika

ndivo vangagare neni.

Munhu anotevera nzira yakarurama,

ndiye achandishandira.

7Hapana munhu anoita zvoujarijari

achagara mumuzinda wangu.

Hapana anoreva nhema

acharamba aineni.

8Mangwanani oga oga ndichaparadza

vakaipa vose munyika

ndichipedza vaiti vezvakaipa vose

muguta raTENZI.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help