1Nguva iyoyo Judhisi akanzwawo zvinhu izvozvi. Iye akanga ari mwanasikana waMerari mwanakomana waOkisi mwana waJosefi mwanakomana waOzieri mwana waErikiya mwana waAnaniyasi ari mwanakomana waGidhioni mwanakomana waRafaimu mwana waAhitubhu mwanawo waEriya mwanakomana waHirikiya mwana waEriyabhu ari mwanakomana waNatanaeri mwanawo waSaramieri mwanakomana waSarasadhai mwana wokwaIsiraeri.
2Murume wake ainzi Manase akanga ari wedzinza rimwechetero nerake ariwo wemhuri yokwake, akanga afa panguva yokukohwa bhari.
3Zvakaitika ndezvokuti, paakasimuka kundotarira vashandi vaisunga zvisote zvekoroni mumunda akatumhiswa nezuva zvikamurarisa pamubhedha akabva afa muBheturia guta rokwake. Vakamuviga pamwechete namadzibaba ake musango riri pakati peDhotani neBharamoni.
4Ava chirikadzi kudaro, Judhisi akagara mumusha kwamakore matatu nemwedzi mina.
5Akadzika tendhe pamusoro pedenga remba yake, akasungira saga muchiuno, ndokupfeka hanzu dzake dzouchirikadzi.
6Aitsanya mazuva ake ose ouchirikadzi hwake kusiya chete zuva repamberi peSabata nezuva reSabata chairo nezuvawo rapamberi pezuva rokugara kwemwedzi nezuva rokugara kwomwedzi racho napamazuva makuru napamazuva okupembera emba yaIsiraeri.
7Mudzimai uyu aiva norunako runoyevedza nouso hwakarurama. Murume wake, Manase akamusiyira ndarama nesirivha, navaranda varume navakadzi, nemombe neminda, iye ndokugara zvake imomo.
8Haana nechii zvacho chakaipa chaimbotaurwawo nezvake nokuti aitya Mwari zvikuru kwazvo.
Zano raJudhisi9Pakanzwa Judhisi mashoko akaipa akanga ataurwa navanhu kumutongi nokuti vakanga vafizuka pamusana pokushaya mvura uye paakanzwawo zvose zvavakataurirwa naUziya uyewo kuvatsidzira nemhiko kwaakaita kuti achazoisa guta mumaoko mavaAsiria mushure memazuva mashanu,
10akatuma musikana aiva mutariri wezvinhu zvake zvose kundodaidza Kabhurisi naKarimisi vakuru vakuru vomuguta rokwake.
11Vakauya kwaari, iye akavati,
“Chimbondinzwaiwo imi vatongi vavanhu veBheturia!
Zvamataurira vanhu nhasi uno, hazvina kunaka.
Matsidzaka imi mukatozvisunga nemhiko
muchitopinza zvenyu Mwari mukati
mukatovimbisa kuti muchazoturira guta
rino mumaoko evavengi vedu asi kutoti
Tenzi atozoticheuka akatibatsira
mumazuva akati.
12Mava kuzviita vanaani chaizvo imi,
kubva matoedza zvenyu
Mwari kudai nhasi uno?
Pakati pavanhu vose ava, ndimi mabva mada
kuzviisa pamusoro paMwari nhai!
13Muri kutoedza Mwari Samasimba imi, asi
hapana kana nechamuchazombofa makaziva.
14Zvamusingakwanisi kusvika
paudzamu hwomwoyo womunhu,
kana kuziva zviri mupfungwa dzake;
ko zvina Mwari mungagozvitsvagurudza
mukazviwana sei, iye ari Mwari Musiki
wezvinhu zvose kuti muzive zviri
mumwoyo make kana kuda kunzwisisa
chaizvo pfungwa dzake?
Kwete hama dzangu!
Regai kuvirutsa Tenzi Mwari wedu nehasha.
15Chandinodariro ndechokuti
kunyange akarega zvake kuda kubatsira
mumazuva mashanu acho iwayo,
ane simba wani
rokutidzivirira nguva yose yose
sepaanoda napo zvake kana rokutiparadza
vavengi vedu varipo.
16Hamufaniri kumanikidzira Tenzi Mwari wedu
kusunga napamwe zvinhu zvaanenge
akaronga nokuti Mwari haana kuita somunhu
anotyisidzirwa kana kufanana nomunhu
anofuririka nokutsveterwa.
17Naizvozvo takamirira kudai kununura kwake,
ngatidaidzirei kwaari kuti atibatsire,
anonzwa chichemo chedu kana achinge ada zvake.
18“Chinondidariso ndechichi chokuti
muchizvarwa chedu ichi kana mumazuva ano,
hamuna kumbofa makava nedzinza kana
mhuri zvayo kunyange vanhu kana guta redu
zvaro rakambopfugamira vamwari
vokugadzirwa nomunhu namaoko ake sezvaimboitwa
mumazuva akapfuura.
19Izvozvo zvakakonzera kuti madzibaba edu
aiswe muhondo yamapakatwa nomukupambwa
vachioneswa nhamo huru kwazvo
dzokukundwa navavengi vedu.
20Asi hakuna mumwe Mwari
watinoziva kunze kwake iye chete.
Saka naizvozvo chatinotarisira isu ndechokuti haasi
kuzotizvidza kana kuzvidza ani zvake worudzi rwedu.
21Chiripo ndechokuti kana isu tikangokundwa chete,
Judhia yose yatokurirwawo.
Nzvimbowo yedu inoera ichibva yapambwa.
Iye achizoita kuti tipfukirwe
nechirango chemhosva yokuin'oresa.
22Kuurayiwa kwehama dzedu nokupambwa
kwenyika ino nokuparadzwa
kwenhaka yedu, zvose izvozvi,
iye achaita kuti zvitipfukire iyesu
mukati memarudzi kwose kwose zvako
kwatichange tiri muuranda senhapwa,
tava kunge chinhu chinogumbura, chinhu
chakashoreka mumaziso mavanhu
vatichazenge tava mumaoko mavo.
23Saizvozvo uranda hwedu huchatishayisa
wokuticheukawo, asi kutoti Tenzi Mwari
wedu achahusandura achitoita kuti kuve kufumuka.
24“Saka zvino, hama dzangu, ngatipei
muenzaniso kuhama dzedu nokuti,
kuti ivo vave noupenyu, ndisu;
uye kuti pave nenzvimbo inoera neTemberi neatari, ndisu.
25Kunyange zvose izvi zvakadaro zvazvo,
chedu isu ngatitendei Tenzi Mwari
wedu ari kumbotiedza
sezvaakamboita madzibaba edu.
26Rangarirai zvaakaita kuna Abhurahamu
nokumboedza zvake kwaakaita Isaki
nezvakawana Jakobho muMesopotamia
kuSiria, paya pavakanga vachifudza hwai
dzaRabhani hanzvadzi yaamai vake.
27Sokuti haana kumbotiedzawo nomoto
sezvaakaita kwavari achiongorora mwoyo yavo
uye haana kumbotitsividza.
Asi Tenzi anorova zvikuru vanouya kwaari
achiitira kuti avarayire.”
28Ipapo Uziya akati,
“Zvose zvawataura wazvireva nomwoyo uri pachokwadi.
Hapanawo munhu angarambe zvawataura.
29Nhasi uno hausiriwo musi wokutanga
kuratidza ungwaru hwako,
asi kuti kubvira pakutanga poupenyu hwako
vakaona kungwara kwako nokuti
zvinobva mumwoyo mako zvakarurama.
30“Asi vanhu vanzwa nenyota
zvino zvatatsidza
vaita kuti tiite chitsidzo chatisingakwanisi kutyora.
31Nokudaro tinamatirewo sezvauri mukadzi
munamati, Tenzi agotinayisirawo mvura
inozadza mazigaringiro edu okuchengetera mvura,
hatizofizuki.”
32Judhisi akati kwavari,
“Chimbondinzwaiwo.
Zvandava kuzoita izvi zvichazoramba
zvichitaurirwa vana vedu
kuzvizvarwa nezvizvarwa zvavo zvose.
33Mundomira pamusuo mukuru weguta usiku hwanhasi.
Ini ndichazobudapo nomuranda wangu musikana.
Mumazuva amakatara kuti muchazoturira guta iri
mumaoko avavengi vedu asati apera,
Tenzi achanunura Isiraeri achizviita
noruoko rwangu.
34Chete dai mukarega zvenyu kuti dai waro
tangoziva zvandaronga kundoita nokuti hapana chandiri
kuzokuudzai kudzamara ndatozopedza
kuita zvandava kuda kuita.”
35Uziya navatongi ava vakamuti, “Wofamba zvako zvakanaka! Dai Tenzi Mwari angokutungamirira kundotsividza vavengi vedu.”
36Vakabva vadzokera vachibva mutendhe macho vakaenda kumabasa avo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.