Mika 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Shoko raMwari rakauya kuna Mika wokuMoresheti mumazuva okutonga kwaJotamu naAhazi naHezekiya, madzimambo okwaJudha raakaporofita richinangana nezveSamaria neJerusaremu.

I: NYIKA YEISIRAERI INOGADZWA DAREKutongwa kweSamaria

2Teererai munzwe,

imi marudzi avanhu,

mose zvenyu.

Inzwa unzwe iwe nyika

nazvose zviri mauri,

rega Tenzi Mwari

ave ndiye anokuroverera,

iye Tenzi wokuNzvimbo yake Inoera.

3Ndinodaro nokuti

Tenzi ari kuuya

achibva kunzvimbo yake,

achaburuka pasi agotsokodzera

nzvimbo dzakatunhumara dzapanyika.

4Makomo achanyongodeka pasi pake,

mapani achitsemuka

senamo yanyautswa nomoto,

semvura yadeurirwa pasi

pamutenure chaipo.

5Zvose izvi zvichaitika

pamusana pokukanganisa kwevokwaJakobho

uye pamusana pezvitadzo

zvevemba yokwaIsiraeri.

Ko ane mhosva yokukanganisa

kwevokwaJakobho ndiani?

Harisi guta reSamaria here?

Ko ane mhosva yechitadzo

chemba yokwaJudha ndiani?

Harisi guta reJerusaremu here?

6Naizvozvo ndichaita kuti guta reSamaria

rive murwi pakati penyika,

rive nzvimbo yokurima magirepisi.

Ndichagudumutsira matombo aro mubani

ndichiisa ugaro hwaro pachena.

7Zvose zvifananidzo zvaro zvokunamata

zvichapwanywa-pwanywa.

Zvose zvarakawana nounzenza ihwohwo

zvichapiswa nomoto

uye zvifananidzo zvaro zvokunamata

zvichaparadzwa,

nokuti rakazviwana noufeve

saka zvichadzorerwawo

kune veunzenza ivavo.

Muporofita anochema Jerusaremu namamwe maguta

8Izvi zvinondipa kuungudza nokuchema

ndichafamba ndakadaro ndiri mutwi

ndichiungudza samakava,

ndichichema semhou

9nokuti ronda rake harirapiki

rakasvikawo kwaJudha;

ratosvikawo kusuo guru

ravanhu vangu kuJerusaremu.

Kutapwa kuchaitwa vanhu veJerusaremu

10Musasvitse nyaya iyi

kune vokuGati

kana kutombosvimha zvenyu misodzi.

MuBhetireafura

zviumburudzei muvhu.

11Pfuurai zvenyu nenzira,

imi vagari vokuShafiri,

musina chamakapfeka muchinyara.

Kuva vagari vokuZaanani

zvokubuda hapana.

Kuungudza kweBhetiezeri,

kuchakubvisirai chamunofunga kumira nacho ikoko

12nokuti vagari vokuMaroti

vavakusuwira kwazvo ruyamuro

nokuti Tenzi apinza nhamo

pamusuo peJerusaremu.

13Imi vagari vokuRakishi

bopai mikono yamabhiza

pangoro dzehondo.

Ndimi vakava vokutanga

kupara chitadzo cheguta reJerusaremu

nokuti makaitawo zvitadzo zvevokwaIsiraeri

muguta reRakishi.

14Naizvozvo chitopananai

zvipo zvokuonekana

nevokuMoresheti kuGati,

musha weAkizibhu

uchava musha wounyengedzi

kumadzimambo eIsiraeri.

15Ndichakuunzirai wokukukurirai,

imi vagari vokuMaresha,

uyezve madzichangamire omuIsiraeri

achandohwanda kuAdhuramu.

16Zvigusei muparavara wenhamo

mugerwe vhudzi renyu

muzviite muparavara unenge wegora

nokuti vana venyu vapamwoyo

vachabva kwamuri

vachiendeswa kuutapwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help