Isaya 62 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Nhetembo yechipiri yomukurumbira weguta reJerusaremu ramangwana

1Pamusana peZioni,

handimbonyarara kutaura.

Pamusana peguta reJerusaremu

handimbozorora

kusvikira kupembedzwa kwaro

kwajeka sechiedza,

ruponeso rwaro

rwanyatsovhenekera semwenje.

2Marudzi avanhu achaona

kupembedzwa kwako,

madzimambo ose achaonawo

mbiri yako.

Iwe uchadaidzwa nezita idzva

rauchatumidzwa naTenzi

nomuromo wake.

3Uchave ndaza yakanakisisa

muruoko rwaTenzi,

nenyembe youmambo chaiyo

muruoko rwaMwari wako.

4Iwe hauchazonzi, “Murambwi,”

nyika yako haichazonzi, “Dongo.”

Asi uchatonzi, “Wangu wapamwoyo,”

nyika yako ichinzi, “Muroora,”

nokuti Tenzi anofadzwa newe,

nyika yenyu icharoorwa

5sezvinongoita mukomana

anoroora mhandara,

iye akakuvaka wacho achakuroora

uye sokufarira kunoita

mukomana mukadzi waaroora

ndokukufarirai kuchaita

Mwari wenyu.

6Pasvingo ako iwe Jerusaremu

ndaisa vatariri,

havambonyarara

siku nesikati.

Imi munoyeuka Tenzi kudai

musazorore,

7musambomupa zvenyu zororo,

kudzamara aita kuti

guta reJerusaremu rimire

ariita kuti rive nomukurumbira

pasi pano.

8Tenzi apika norudyi rwake

apika nesimba roruoko rwake kuti,

“Handichambofa ndakapazve

mbesanwa dzenyu

kuti dzive chokudya chavavengi venyu

uye vatorwa havasi

kuzombonwazve waini yenyu

yamakadikitira kushanda.

9Asi kutoti

vanenge vaisa mbesanwa mumatura

ndivo vachadzidya

vachirumbidza Tenzi,

vanenge vatanha magirepisi

ndivo vachanwa waini yacho

vari munhandare

dzeNzvimbo yangu Inoera.”

10Pindai pindai nomumisuo mikuru

gadzirirai vanhu mugwagwa,

gadzirai gadzirai

mugwagwa mukuru

mubvisei mabwe

musimudze mureza

pamusoro pendudzi dzavanhu.

11Teererai munzwe,

Tenzi ari kuzivisa vanhu

kusvikira kwakaperera nyika.

Itii kuguta reZioni,

“Tarisai muone,

ruponeso rwenyu rwava kusvika.

Tarisai muone,

mubayiro wake anawo,

muripo wake

ndiwo waanotungamidza.”

12Vachanzi vanhu, “Vanoera

vaNyakununurwa vaTenzi”

iwe uchinzi, “Wapamwoyo pavanhu

guta risina kutizwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help