1Judhisi akatanga kutenda Mwari mukati mavaIsiraeri vose. Vanhu vose vakaimba rwiyo urwu vachidaidzisa.
2Judhisi akaimba achiti:
“Shaurai rumbo rwokuimbira
Mwari wangu nengoma,
imbirai Tenzi wangu namakwakwa outare.
Shaurai rwiyo rutsva rwokumuimbira
murumbidze mumudaidze nezita rake
nokuti Mwari ndiye Tenzi anoparadza hondo
nokuti akandinunura mumaoko mavaindironda
akandiunza mumusasa wake mukati mavanhu.
3“MuAsiria akadzika
achibva mumakomo okumaodzanyemba
akauya aine gurusvusvu ravarwi vake,
gurumwandira ravo rakazaridzana mumapani
ndokuti zvikomo tsvete namabhiza.
4“Aitozuwa kuti nyika yangu
achairoromesa nomoto,
majaya angu oauraya namapakatwa,
vacheche vangu achivapwatitsira pasi,
achionesa nhamo pwere dzangu,
mhandara dzangu achidzitora sezvinhu zvokupamba.
5Asi Tenzi Samasimba akavakundisa
noruoko rwomunhukadzi;
6nokuti gamba ravo
harina kuurayiwa namaoko amajaya,
kana kupondwa navanakomana vokwaTitani,
matandanyarwa avanhu haasiriwo akamurwisa,
asi kuti Judhisi mwanasikana wokwaMerari
ndiye akamugona norunako rwake.
7“Judhisi akabvisa
hanzu dzake dzouchirikadzi dzokuchema
kuti asimudzire pamusoro
vaidzvinyirirwa muIsiraeri.
Akazora uso hwake mafuta anonhuwirira
8akasunga vhudzi rake ndokupfeka nguwani
ina mapanda matatu.
Akapfeka mujiza
werineni kuti amurasise.
9Shangu dzake dzakamutora meso,
runako rwake rukamutora mwoyo,
bakatwa rikamugwishura musoro.
10“Kutsunga kwaJudhisi kwakadederesa vaPezhiya,
vaMidhi vakambwendeswa nokushinga kwake.
11Vokwangu vaya vokudzvinyirirwa
vakadaidzira nokufara,
vokwanguwo vasina zvavo simba,
vakadaidzira,
muvengi akadedera.
Vakangosimudza izwi,
muvengi ndokubva apishinuka.
12Vanakomana vanasikanawo zvavo, vakavabaya,
vakavakuvadza savanawo zvavo vavapoteri.
Vakabva vatsakatiswa chose muhondo yaTenzi wangu.
13“Ndinoimbira Mwari wangu rwiyo rutsva
Tenzi muri mukuru uye mune mbiri
mune simba rinoshamisa hapana anokukurirai.
14Zvisikwa zvenyu zvose,
ngazvikushandirei
nokuti makangotaura chete,
zvinhu zvikabva zvangovapo.
Makangotumira Mweya wenyu ukazviumba!
Hakuna angapikisane nechirevo chenyu
15nokuti makomo chaiwo achazunguzikira pasi
paugaro hwawo chaipo nemvura.
Nokuvapo kwenyu,
matombo achanyunguduka senamo,
asi kuna avo vanokutyai,
mucharamba muchivaitira tsitsi dzenyu.
16“Mupiro wose zvawo wezvinonhuwirira,
chinhu chidikidiki
kana manda yamafuta
ezvibayiro zvomupiro wokupisa,
chinhu chidukuduku chaizvo.
Asi anotya Tenzi,
achava mukuru nokusingaperi.
17Hameno zvawo marudzi anomukira vanhu vangu,
Tenzi Samasimba achavaranga
musi wedare rokutonga!
Achapa nyama yavo kuhonye nomoto,
vachachema vachirwadziwa nokusingaperi!”
18Pavakasvika kuJerusaremu, vakapfugamira Mwari. Vanhu pavakangochenurwa, vakapira mipiro yavo yokupisa nemipiro yavo yokupa nechido nezvipo zvavo.
19Judhisi akapirawo kuna Mwari midziyo yose yaHorofenesi yaakanga agoverwa navanhu. Katenga kaya komubhedha kaakanga atorawo mutendhe raHorofenesi mokurara, akakapa somupiro wezvakambotsidzwa kuna Mwari.
20Saizvozvo vanhu vakaramba vangova mumabiko muJerusaremu panzvimbo inoera kwemwedzi mitatu, Judhisi akanga anavo.
21Mushure maizvozvi, munhu wose akadzokera zvake kwake, kunhaka yake, Judhisi akaendawo kuBheturia akandogara zvake papurazi yake. Airemekedzwa panguva yake munyika iyoyi yose.
22Vazhinji vaida kumuroora, asi akaramba ari chirikadzi kubvira pakafa murume wake, Manase, achizoendawo kwakaenda vamwe.
23Mbiri yake yakaramba ichingokura akachemberera mumba momurume wake, akadzamara kusvitsa makore zana namashanu okuberekwa. Akazopa rusununguko kumuranda wake musikana uya. Iye akafira muBheturia, vakamuviga mubako romurume wake Manase.
24Nyika yose yeIsiraeri yakamuchema kwamazuva manomwe. Asati afa, akagovera zvinhu zvake kune hama dzepedyo dzose dzomurume wake, Manase nokuhama dzakewo dzapadyo.
25Hakuna akazombotyisidzira vanhu vechiIsiraeri mumazuva aJudhisi, kana kwenguva huru kwazvo mushure morufu rwake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.