Judhisi 16 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Judhisi akatanga kutenda Mwari mukati mavaIsiraeri vose. Vanhu vose vakaimba rwiyo urwu vachidaidzisa.

2Judhisi akaimba achiti:

“Shaurai rumbo rwokuimbira

Mwari wangu nengoma,

imbirai Tenzi wangu namakwakwa outare.

Shaurai rwiyo rutsva rwokumuimbira

murumbidze mumudaidze nezita rake

nokuti Mwari ndiye Tenzi anoparadza hondo

nokuti akandinunura mumaoko mavaindironda

akandiunza mumusasa wake mukati mavanhu.

3“MuAsiria akadzika

achibva mumakomo okumaodzanyemba

akauya aine gurusvusvu ravarwi vake,

gurumwandira ravo rakazaridzana mumapani

ndokuti zvikomo tsvete namabhiza.

4“Aitozuwa kuti nyika yangu

achairoromesa nomoto,

majaya angu oauraya namapakatwa,

vacheche vangu achivapwatitsira pasi,

achionesa nhamo pwere dzangu,

mhandara dzangu achidzitora sezvinhu zvokupamba.

5Asi Tenzi Samasimba akavakundisa

noruoko rwomunhukadzi;

6nokuti gamba ravo

harina kuurayiwa namaoko amajaya,

kana kupondwa navanakomana vokwaTitani,

matandanyarwa avanhu haasiriwo akamurwisa,

asi kuti Judhisi mwanasikana wokwaMerari

ndiye akamugona norunako rwake.

7“Judhisi akabvisa

hanzu dzake dzouchirikadzi dzokuchema

kuti asimudzire pamusoro

vaidzvinyirirwa muIsiraeri.

Akazora uso hwake mafuta anonhuwirira

8akasunga vhudzi rake ndokupfeka nguwani

ina mapanda matatu.

Akapfeka mujiza

werineni kuti amurasise.

9Shangu dzake dzakamutora meso,

runako rwake rukamutora mwoyo,

bakatwa rikamugwishura musoro.

10“Kutsunga kwaJudhisi kwakadederesa vaPezhiya,

vaMidhi vakambwendeswa nokushinga kwake.

11Vokwangu vaya vokudzvinyirirwa

vakadaidzira nokufara,

vokwanguwo vasina zvavo simba,

vakadaidzira,

muvengi akadedera.

Vakangosimudza izwi,

muvengi ndokubva apishinuka.

12Vanakomana vanasikanawo zvavo, vakavabaya,

vakavakuvadza savanawo zvavo vavapoteri.

Vakabva vatsakatiswa chose muhondo yaTenzi wangu.

13“Ndinoimbira Mwari wangu rwiyo rutsva

Tenzi muri mukuru uye mune mbiri

mune simba rinoshamisa hapana anokukurirai.

14Zvisikwa zvenyu zvose,

ngazvikushandirei

nokuti makangotaura chete,

zvinhu zvikabva zvangovapo.

Makangotumira Mweya wenyu ukazviumba!

Hakuna angapikisane nechirevo chenyu

15nokuti makomo chaiwo achazunguzikira pasi

paugaro hwawo chaipo nemvura.

Nokuvapo kwenyu,

matombo achanyunguduka senamo,

asi kuna avo vanokutyai,

mucharamba muchivaitira tsitsi dzenyu.

16“Mupiro wose zvawo wezvinonhuwirira,

chinhu chidikidiki

kana manda yamafuta

ezvibayiro zvomupiro wokupisa,

chinhu chidukuduku chaizvo.

Asi anotya Tenzi,

achava mukuru nokusingaperi.

17Hameno zvawo marudzi anomukira vanhu vangu,

Tenzi Samasimba achavaranga

musi wedare rokutonga!

Achapa nyama yavo kuhonye nomoto,

vachachema vachirwadziwa nokusingaperi!”

18Pavakasvika kuJerusaremu, vakapfugamira Mwari. Vanhu pavakangochenurwa, vakapira mipiro yavo yokupisa nemipiro yavo yokupa nechido nezvipo zvavo.

19Judhisi akapirawo kuna Mwari midziyo yose yaHorofenesi yaakanga agoverwa navanhu. Katenga kaya komubhedha kaakanga atorawo mutendhe raHorofenesi mokurara, akakapa somupiro wezvakambotsidzwa kuna Mwari.

20Saizvozvo vanhu vakaramba vangova mumabiko muJerusaremu panzvimbo inoera kwemwedzi mitatu, Judhisi akanga anavo.

21Mushure maizvozvi, munhu wose akadzokera zvake kwake, kunhaka yake, Judhisi akaendawo kuBheturia akandogara zvake papurazi yake. Airemekedzwa panguva yake munyika iyoyi yose.

22Vazhinji vaida kumuroora, asi akaramba ari chirikadzi kubvira pakafa murume wake, Manase, achizoendawo kwakaenda vamwe.

23Mbiri yake yakaramba ichingokura akachemberera mumba momurume wake, akadzamara kusvitsa makore zana namashanu okuberekwa. Akazopa rusununguko kumuranda wake musikana uya. Iye akafira muBheturia, vakamuviga mubako romurume wake Manase.

24Nyika yose yeIsiraeri yakamuchema kwamazuva manomwe. Asati afa, akagovera zvinhu zvake kune hama dzepedyo dzose dzomurume wake, Manase nokuhama dzakewo dzapadyo.

25Hakuna akazombotyisidzira vanhu vechiIsiraeri mumazuva aJudhisi, kana kwenguva huru kwazvo mushure morufu rwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help