1 Vanamakabhi 16 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kukurirwa kwaKendebheusi naJohani

1Johani akakwira achibva kuGaza akaenda kuna baba vake Simoni kundovazivisa zvakanga zvaitwa naKendebheusi.

2Simoni akadaidza vana vake vakomana vaviri vakuru vana Judhasi naJohani, akavati, “Ini navakomana navanun'una vangu nevemba yokwababa vangu, takarwa isu hondo dzavaIsiraeri kubvira pauduku hwedu kusvikira pari nhasi. Zvinhu zviri mumaoko medu kudaro zvakatifambira zvakanaka zvokuti takanunura Isiraeri kazhinji.

3Asi zvino, ini ndachembera, asi tinotenda tsitsi dzaMwari kuti imiwo makura mabva zano. Imi mochitorawo nzvimbo yangu neyomunun'una wangu, mubude mundorwira rudzi rwedu. Dai waro Wedenga angokubatsirai.”

4Saizvozvo Johani akasarudza munyika imomo makumi maviri ezviuru zvavarwi navarwi vamabhiza vakaenda kundorwisa Kendebheusi. Vakadzika musasa wematendhe kuModheini vakararapo.

5Vakafumomuka mangwanani vakaenda mubani. Hero gurusvusvu revarwi vetsoka navamabhiza rouyawo richichingurana navo. Pakati paiva nakakova.

6Johani akarongana nehondo yake achivarwisa. Akazviona kuti varwi vake vaitya kuyambuka, saka iye ndiye akabva atanga kuyambuka. Vanhu vake pavakamuona vakamutevera voyambukawo.

7Akaronga hondo yake akaisa varwi vamabhiza pakati pavarwi vetsoka vakati vamwe uku vamwe uku nokuti hondo yamabhiza yevavengi vakanga vari mavhu nemanyarara kuwanda.

8Vakaridza ngondo yamabhosvo, ndokubaya Kendebheusi nehondo yake vakamhanyiswa ndokuti ware kutiza. Vazhinji vavo vakakuvara vakafa, vamwe vose vakatizira kunhare yokuzvidzivirira nayo muhondo.

9Ipapo Judhasi munun'una waJohani akakuvadzwa, asi Johani akadzingirirana navo kudzamara Kendebheusi asvika kuguta reKedhironi raakanga avaka.

10Vakapitipidzanawo munhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo dzokumaruwa eguta reAzotusi. Johani akaripisa nomoto kukafa vanhu vanokarosvika zvuru zviviri, iye ndokudzokera zvake zvakanaka kuJudhia.

Rufu rwaSimoni

11Izvozvo Toremi mwanakomana waAbhubhusi akanga aitwa sadunhu wokubani reJeriko. Akanga aine sirivha nendarama zvakawanda

12nokuti aiva mukuwasha womupristi mukuru.

13Akazvitutumadza ofunga zvokutora nyika kuti aitonge, akaitira Simoni navanakomana vake mazano akaipa okuti avapfuudze.

14Zvino Simoni akanga achishanyira zvake maguta enyika iyi achinzwa nhuna dzawo. Akadzika kuJeriko aina vanakomana vake vanaMatatiya naJudhasi mugore rezana namakumi manomwe nechinomwe mumwedzi wegumi nechiposhi uri mwedzi waShebhati.

15Mwanakomana waAbhubhusi akavagamuchira nounyengedzi munhare diki yokuzvidzivirira nayo muhondo yainzi Dhoku yaakanga avaka. Akavaitira mabiko makuru kwazvo asi akahwandisa vanhu imomo.

16Simoni navanakomana vake pavakanga zvino vadhakwa, Toremi navarwi vake vakasimuka vakatora zvombo zvavo zvokurwisa nazvo vakamhanyiramo vovinga Simoni mumba yamabiko vakavauraya iye navanakomana vake vaviri namamwe machinda ake.

17Saizvozvo Toremi akaita unyengedzi hwakaipisisa kwazvo akadzorera zvakanaka nezvakaipa.

18Toremi akanyora nhoroondo yenyaya iyoyi akaitumira kuna mambo achimukumbira kuti atumire varwi vokuzomubatsira kuisa mumaoko make maguta acho nenyika iyoyo.

19Akatumira vamwe vanhu kuGaza kundopfuudza Johani, akatumirawo matsamba kuvakuru vakuru vehondo achivakoka kuti vauye kwaari kuti avapewo sirivha nendarama nezvipo.

20Akatumawo vamwe varwi kundokurira nokutora mumaoko mavo Jerusaremu nechikomo cheTemberi.

21Asi mumwe akafanomhanyira kundozivisa Johani kuGaza kuti baba wake navakoma navanun'una vake vakaparara uye kuti, “Iye atotumirawo vanhu kuzokuurayai iyemiwo.”

22Paakanzwa izvozvi zvakamuzunza akabva abata varume vakanga vauya kuzomuparadza vaya akavauraya nokuti akanga azviwana kuti vakanga vachida kumuuraya.

23Dzimwe nyaya dzezvaJohani nehondo dzake nougamba hwake hwaakaita nokuvaka kwaakaita tsvingo nezvaakabudirira kuita

24zvakanyorwa wani munhoroondo dzake dzoupristi ukuru kubvira panguva yaakava mupristi mukuru mushure mababa vake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help