1Munhu wose ane basa rinorema raakatemerwa kuita
pamutsipa yavana vaAdhamu pane joko rinorema,
kubvira zuva ravakabuda munhumbu yaamai vavo,
kusvikira zuva ravanodzokera munhumbu yaamai vavose;
2chinovadzongodza mwoyo nokuvatambudza ipfungwa
kutya zuva rokufa.
3Kubvira kuna mambo agere
pachigaro choumambo chakanakisisa,
dakara kuno munhuwo zvake agere muhuruva nedota;
4kubvira kuna anopfeka hanzu dzoruvara rwehute
nechiremba choumambo
dakara kuna akapfeka saga,
dzinongova hasha neshanje noruchiva nenyonganyonga,
nokukangaidzwa,
nokutya rufu, namapitse namakakatanwa.
5Kunyange usiku, kana munhu oti ndochizorora,
hope dzake dzinotomukangaidza.
6Akangoti vatei,
anoita sezvinonzi masikati chaiwo,
anorota hope dzinotyisa ovhunduka,
achiita saanotiza hondo.
7Paanongoti punyukei, anobva apepuka,
oshama kuti inga, chaari kutya hapana.
8Izvi ndozvinesu tose, vanhu nemhuka,
asi kuvatadzi zvakatopetwa kanomwe.
9Rufu neropa, namakakatanwa nebakatwa,
namatambudziko nenzara, jambwa nenhamo nedenda,
10zvose izvozvi zvakasikirwa vatadzi,
uye pamusana pavo kwakauya mafashamo emvura aya.
11Zvose zvinobva kuvhu zvinodzokerawo kuvhu,
zvinobva mumvura zvinodzokerawo munyanza.
Kubudirira kwomuipi kuno mugumo12Pfumbamuromo nokutonga kwose kusakarurama zvichadzimwa,
asi kutendeka ndiko kunogara nokusingaperi.
13Upfumi hwavakaipa huchapwa sorwizi runopopoma,
huchaita semheni pakunaya, inoti, “Pwaa!” Yobva yati, “Zi!”
14Mupanegombe achafara
ndizvowo zvina vadariki voMutemo,
vachaparadzwa zvachose.
15Vana vavanhu vasiri vanamati havaiti mapazi mazhinji,
nokuti midzi yakanyangara iri paruware.
16Tsanga inomera munyasi morwizi namose mune mvura,
ndiyo inotanga kudzurwa.
17Mutsa wakafanana nebindu rezvikomborero
mwoyochena unogara nokusingaperi.
Zvinhu zvoupenyu zviri nani18Munhu ane basa rake pachake
neanopinda basa kune mumwe
vanoupenyu hunovanakira;
asi anowana upfumi ari nani pavari vose.
19Vana uye kuvaka guta kunoita kuti
munhu asiye zita, asi munhu
akawana ungwaru ane zita riri nani.
20Waini nenziyo zvinofadza mwoyo
asi kuda ungwaru kuri nani kupinda zvose zviri zviviri.
21Tsuri nedimbwa zvinoimba zvinonakidza,
asi izwi rinoimba zvakanaka
riri nani kupinda zviri zviviri.
22Runako nokufamba zvinoyevedza zvinofadza meso
asi mumera wembeswa uri nani kupinda izvi zvose.
23Zvakanaka kuva neshamwari kana sahwira asi
kuva murume nomukadzi kuri nani.
24Hama nomubatsiri vakanaka panguva yenhamo,
asi mwoyochena kuvarombo unonunura kuvapinda.
25Sirivha nendarama zvinotsigisa munhu,
asi zano rakanaka upfumi kupinda zvose zviri zviviri.
26Mari noukuru zvinosimbaradza mwoyo,
asi kutya Mwari kuri nani kutozvipfuura.
Anotya Mwari hapana chaanoshaya,
nako zvokutsvaga rubatsiro hapana.
27Kutya Mwari kwakafanana nebindu rezvikomborero
kunochengeta munhu zviri nani kupinda mbiri iri yose.
Kupemha28Mwanangu, usagare upenyu hwokungopemha,
zviri nani kufa pano kupemha.
29Kana upenyu hwomunhu hwava hwokungokwata chete,
upenyu hwake hauchisiri upenyu.
Anozviitisa munhu pasina pamusana pezvokudya zvavamwe,
asi munhu ane unhu, akadzidziswa, haamboiti izvi.
30Munhu anopemha anogona kunatsa mukanwa
pamusana pokushaya nyadzi
asi mukati make zvinomurwadza.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.