Judhisi 2 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Mugore regumi nechisere, pazuva ramakumi maviri nechipiri remwedzi wechiposhi, kwakabuda shoko mumuzinda waNebhukadhineza mambo wavaSiria rokuti anoda kutsividza mudunhu iroro rose sokumbotaura kwaanga amboita chaiko.

2Akaunganidza machinda ake ose okuhondo, navamwe vake vokumba huru akavarongera zvakavanzika zvaiva mumwoyo make achinyatsorondedzera iye pachake nomuromo wake uipi hwose hwomudunhu iroro.

3Zvakabvumiranwa kuti kuwana ani zvake asina kuteerera chirevo chake anofanira kuparadzwa.

4Akati apedza kuvarongera zano rake, Nebhukadhineza mambo wavaAsiria akadaidza Horofenesi, mutungamiriri mukuru wehondo yake akanga asina mumwe mukuru kwaari, kusiya iye mambo chete akamuti,

5“Chinzwa zviri kutaurwa neni mambo mukuru, tenzi wapasi pose. Kana wabva pano pandiri, enda utore varume vakasimba vane chivindi vanosvika zana namakumi maviri ezviuru zvavarwi vetsoka nezviuru gumi nezviviri zvavarwi vamabhiza,

6undorwisa nyika yose yokumadokero pamusana pokuti vakaramba kuteerera zvirevo zvangu zvandakanga ndatema.

7Vaudze kuti vafanogadzirira zvavo zvose zvinodiwa, ringave ivhu zvaro kana mvura, nokuti ndiri kuzovavinga ndakashatirwa. Varwi vangu vachange vakaita fararira kuzadza pasi pose netsoka dzavo ndigoipamba

8namasoja angu kudzamara mapani azara navanenge vakuvara, makoronga nenzizi zvichazara nezvitunha zvavo, zvichifashukira.

9Ndichazovatapa ndovaendesa kwakagumira nyika yose.

10Unofanira kuenda undofanondikundira nyika yavo yose. Vakazviisa zvavo ivo pachovo mumaoko ako, undichengetere vanhu ivavo kudzamara zuva ravo rokuzovaranga rasvika.

11Kana vakaramba, usamboitira munhu tsiye nyoro. Iti vaurayiwe vapambwe nyika yose zvayo inenge yave mumaoko ako.

12Ndinodaro nokuti ndinopika noupenyu hwangu nesimba roumambo hwangu kuti zvandareva ndozvandinoita ini noruoko rwangu.

13Chako iwe unofanira kuona kuti hauna kutyora chimwe chezvirevo zvatenzi wako zvandakutemera, unofanira kuti uzviite sokukuudza kwandaita uye usanonoke kuzviita.”

14Saizvozvowo Horofenesi akabva paiva natenzi wake akaunganidza vatungamiriri vose vehondo navatungamiriri vakuru vokuhondo namachinda ehondo yavaAsiria.

15Akaronga zvikwata zvavarwi vakanyatsosarudzwa mumapoka mapoka sezvaakanga anzi natenzi wake aite anoti: chikwata chezana namakumi maviri ezviuru zvavanhu pamwechete nechikwata chavarwi vamabhiza vokupfura nemiseve chaiva nezviuru gumi nezviviri zvavarwi.

16Akavaronga sokuronga kunoitwa hondo yava kuda kurwa.

17Akaunganidza matanga namatanga engamera namadhongi namanyurusi okutakurisa zvinhu, nehwai nemombe nembudzi dzisingaverengeki dzenyama yokudya

18uyewo mbuva yakawanda yaikwana munhu mumwe nomumwe nendarama nesirivha yakawanda kwazvo yakabva muhomwe yokwamambo.

19Sokudaro akazosimuka opinda munzira nehondo yake yose achifanotungamira mberi kwamambo Nebhukadhineza vakandoita fararira kuzadza nyika yose yokumadokero vaine ngoro dzavo dzehondo namabhiza navachairi vadzo nezvikwata zvavarwi vetsoka vakanyatsosarudza.

20Pamwechete navo kwakaendawo vamwewo vanhu vose vose vachinge gurusvusvu chairo remhashu kuwanda sejecha kuwanda vasingaverengeki.

21Vakafamba kwamazuva matatu kubva kuNinevhe vachienda kuBhekitireti. Vakambodzika matendhe avo pakatarisana neBhekitireii pedyo negomo riri kuchamhembe kweKirikia yokumusoro.

22Horofenesi akatutana nehondo yake yose navarwi vake vetsoka navarwiwo vamabhiza nengoro dzehondo vakakwira kunyika yamakomo.

23Akatsvaira kuparadza Puti neRudhi akapamba vanhu vose vokuRasisi navaIshimaeri vaigara vakatevedzana negwenga kumaodzanyemba kwenyika yavaKerea.

24Akazotevedza rwizi rwaYufuratesi, akapfuura nomuMesopotamia achiparadza maguta ose etsvingo aitevedza Kakova keAbhuroni kusvikira kugungwa.

25Akakurirawo nyika yeKirikia, akauraya munhu wose ainge ada kurwisana naye, akasvika kumiganhu yokumaodzanyemba yokwaJafeti kwakatarisana nokuArabhia.

26Akakomberedza vaMidhia vose akapisa matendhe avo akapamba matanga avo ehwai.

27Akazodzika kubani reDhamasikosi iri nguva yokukohwa koroni, akapisa minda yavo yose akaparadza matanga avo emombe nezvimwe zvipfuwo. Akapamba mumaguta avo achiparadza minda yavo, achiuraya majaya avo ose namapakatwa.

28Nokudaro vanhu vose vaigara vakatevedzana namahombekombe egungwa vakakwana nokutya nokumudedera nevokuSidhoni neTire navaigara kuSuru nokuOkina navaigara muJaminia. Vaigarawo kuAzotusi nokuAsikaroni vakamudedera nokumutya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help