Jeremiya 23 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Chitarisiro chezvichauya mune ramangwana

1Zvichavawana vafudzi vanoparadza vachimwararisa hwai dzamafuro angu! Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

2Naizvozvo Tenzi, Mwari weIsiraeri ari kutaura zvinonangana nemi vafudzi iyemi munochengeta vanhu vangu achiti, “Makamwararisa danga rehwai dzangu, mukadzidzinga mukarega kudzifudza. Chinzwai, zvino ini ndava kunangana nemi pamusana pezviito zvenyu zvakaipa ndizvo zviri kutaura Tenzi.

3Ipapo ndopandichakokorodza danga rehwai dzangu dzinenge dzasara kunyika dzese kwandakambodzidzingira ndivaunze mudanga ravo, vachaberekana vagowanda.

4Ndichavaisira vafudzi vokuvachengeta, uye zvokutya vasisatyi kana kudumbirwa zvako; hakuna kana neimwe icharasika ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

5Chionai, zvanzi naTenzi, “Mazuva achasvika andichamutsira Dhavhidhi Bazi rakarurama iyeyo achazotonga samambo zvino ungwaru achitonga zvino ruenzaniso zvakarurama munyika muno.

6Mumazuva ake iyeyu nyika yokwaJudha ichanunurwa, Isiraeri ichagarikika zvakanaka. Iri ndiro zita ravachamudaidza naro rokuti, ‘Tenzihururamihwedu.’

7“Naizvozvo, chinzwai, zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya acharega vanhu kupika vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa vanhu veIsiraeri munyika yeIjipiti’

8asi kutoti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu akaburitsa akatungamirira zvizvarwa zvemba yeIsiraeri kubva kunyika yokuchamhembe uye kubva kunyika dzose kwandakanga ndavadzingira.’ Ndipo pavachazogara munyika yavo chaiyo.

Shoko raMwari kuvaporofita vasiriivo

9“Maererano nezvevaporofita zvandirwadza mumwoyo;

zvandisvika pamapfupa chaipo.

Ndaita somunhu araradza

somunhu adhakwa newaini

pamusana paTenzi

uye pamusanawo peshoko rake rinoera

10nokuti nyika yazara mhombwe,

pamusana pokurengererwa

nyika iri kuchema

uye mafuro okurenje aoma.

Chavo chavakananga kuipa chete,

simba ravo vachiripedzera

mukuita zvisina kururama.

11“Vose zvavo muporofita nomupristi

havambotya Mwari kunyange nomumba mangu

kuipa kwavo ndakakuona

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

12“Naizvozvo kwavari ivo nzira yavo

ichava sotunzira tunotsvedza murima

mavachatinhirwa vachitsvedzemuka

nokuti ndichavapinza nhamo mugore rokurangwa kwavo,

ndizvo zvinotaura Tenzi.

13“Muvaporofita vokuSamaria,

ndakaona chinhu chisina musoro

chokuti vakaporofita naBhaari.

Vakateteresera vanhu vangu veIsiraeri kusiko.

14“Kana muvaporofita vomuJerusaremu

ndakaonawo chinhu chakaora kwazvo

chokuti vanoita upombwe

vachitevedza nhema zvadzo

vachitsigira vaiti vezvakaipa

zvokuti hapana anozopinduka

achisiyana nouipi hwake.

Kwandiri ini, vose zvavo

vaita seSodhomu,

navagari vacho vaita seGomora.

15“Naizvozvo Tenzi wehondo nehondo

ari kutaura nezvevaporofita ivavo achiti:

‘Chinzwa, ndichadyisa vanhu ivava gavakava,

ndichivapa mvura yokunwa ine chepfu

nokuti muvaporofita vomuJerusaremu

ndimo makabva

zvokurega kutya Mwari

zvikatekeshera nenyika iyoyi yose.’ ”

16Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Musateerere zvinorehwa navaporofita vanoporofita kwamuri vachikuzadzai nezvitarisiro zvisina maturo. Vanotaura nezviratidzo zvomusoro yavo zvisingabvi mumuromo waTenzi.

17Kune vanhu vanoshora shoko raTenzi vanoramba vachingovati, ‘Zvichakunakirai!’ Uye kune wosewo anenge achitevera zvomusoro wake, vanenge vachingoti, ‘Hapana chakaipa chichakuwira.’

18“Chiripo chaicho ndechokuti

pakati pavo, ndiani chaizvo,

akambopindawo mudare raTenzi

kundozvionera nokunzwa shoko rake,

kana kuti ndiani zvake

akamboteerera nokunzwa shoko rake?

19“Hero dutu remhepo raTenzi

rovhuvhuta rakashatirwa chaizvo

riri chamupupuri chaicho chine simba

chichaputikira pamusoro pavanhu vakaipa.

20“Hasha dzaTenzi hadzichadzoreki

kusvikira atopedza kuita

zvaakaronga mumwoyo make.

Mumazuva okupedzisira

uchanyatsonzwisisa.

21“Vaporofita ivavo

ini handina kuvatuma

asi ivo vari kumhanya.

Ini handina zvandakataura kwavari

asi ivo vari kuporofita.

22“Dai kuri kuti

vakambopindawo mudare rangu,

vangadai vakaparidza mazwi angu

kuvanhu vangu,

vangadaiwo vakavadzora munzira dzavo dzakaipa

nokuzviito zvavo zvakaipa.

23“Tenzi ari kuti ko ndiri Mwari ari pedyo chete, handisi Mwari ari kurewo here?

24Iye munhu angagone nhai kubva ahwanda munzvimbo dzokuvanda zvokubva ndatadza kumuona? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Handiti ini ndinozadza denga nenyika here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

25Ndakazvinzwa zvinotaura vaporofita vachiporofita zvenhema muzita rangu vachiti, ‘Ndarotswa! Ndarotswa!’

26Kusvikira riniko chaizvo mukati mavanhu muine vaporofita vanotaura zvenhema vachiporofita zvomusoro wavo,

27vanoda kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu pamusana pezviroto zvavo zvavanotaurirana sezvakazoita madzibaba avo vakakanganwa zita rangu voyeuka raBhaari.

28Regai muporofita ane chaarota arotomoke zvake, asi munhu ane shoko rangu ngaaritaure sezvazviri. Musvo wekoroni namashanga hapana maenzanisiro aungazviite? Ndizvo zvinotaura Tenzi.

29Izwi rangu harina kuita somoto here, ndizvo zviri kutaura Tenzi kana senyundo inopwanya-pwanya mabwe?

30Naizvozvo chionai zviri kunzi naTenzi handiwirirani navaporofita ivavo vanobirana mashoko avanoti anobva kwandiri.

31Chinzwai, ini handiwirirani navaporofita vanoshandisa rurimi rwavo vachiti, ‘Zvanzi naTenzi,’ kana kuti, ‘Ndizvo zvinotaura Tenzi.’

32Chinzwai, ini handiwirirani navanoporofita vanotaura kurotswa kwenhema. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vanozvitaura vachitungamirira vanhu vangu kusiri iko nenhema dzavo nokushaya hanya kwavo ini ndisina kumbovatuma kana kuvaudza kuti vaite. Naizvozvo hapana chavanombobatsira vanhu ava nacho. Ndizvo zvinotaura Tenzi.

Mutoro waTenzi

33“Kana mumwe munhu, muporofita kana mupristi, akubvunzai achiti, ‘Mutoro waTenzi ndoupi?’ Vataurirei kuti, ‘Iyemi ndimi mutoro wacho.’ Ini ndichakukandai kwakadaro, ndizvo zvinotaura Tenzi.

34Kana ari muporofita kana mupristi kunyange mumwe wavanhu ava anotaura achiti, ‘Mutoro waTenzi’ munhu iyeyo ndichamuranga iye nemba yake.

35Mose zvenyu muchazotaurirana mumwe nomumwe mugarisani nomugarisani wake, hama nehama muchiti, ‘Nhaimi, Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’

36Asi regai kuzombodomazve mutoro waTenzi nokuti mutoro iwoyo ishoko rava kurehwa nomunhu wose. Zvino imi munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Tenzi wehondo nehondo, Mwari wedu.

37Muporofita wacho iyeyo mubvunzei kuti, ‘Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’

38Asi kana uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ zvanzi naTenzi, pamusana pokutaura kwako ikoko kwokuti, ‘Mutoro waTenzi,’ ini ndakambokutumira yambiro yokuti, rega zvokutaura uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’

39naizvozvo chinzwa, ndichakusumudza ndigokukanda kure neni, iyewe neguta randakapa iwe namadzibaba ako.

40Ndichakuita chiseko chenyika narini wose chinhu chinonyadzisa zvokugara zvakadaro zvisingazokanganwiki.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help