Johani 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

II: JESU ANOENDA KUMAZUVA MAKURU KECHIPIRIJesu anoporesa munhu padziva reBhetisaidha

1Mushure maizvozvi kwakaita zuva guru ravaJudha, Jesu akakwira kuJerusaremu.

2Zvino muJerusaremu mune dziva riri pedyo neSuwo guru reHwai rinonzi Bhetisaidha muchiHebheru, rine maperere mashanu.

3Mumaperere imomo maiva navarwere; vaiti mapofu nemhetamakumbo navakafa mitezo.

5Ipapo paiva nomumwe murume akarwara kwamakore makumi matatu ana masere.

6Jesu paakamuona akati rabada uye achiziva kuti akanga akadai kwenguva ndefu, akamuti, “Unoda kuporeswa here?”

7Murwere akamupindura achiti, “Changamire ini handina anondiisawo mudziva kana mvura yabvongodzwa. Pandinenge ndoti ndichipindawo mumwe anobva anditangira.”

8Jesu akati kwaari, “Chisimuka utore rukukwe rwako ufambe.”

9Pakarepo munhu uya akabva aporeswa. Akatora rukukwe rwake akabva afamba.

Musi iwoyo wakanga uri musi weSabata.

10Ipapo vaJudha vakati kumunhu akanga aporeswa, “Nhasi iSabata, haubvumirwi kuti utakure rukukwe rwako.”

11Asi iye akavapindura achiti, “Munhu andiporesa ndiye andiudza kuti, ‘Tora rukukwe rwako ufambe.’ ”

12Vakamubvunza kuti, “Ndiani munhu iyeyo akutaurira kuti tora rukukwe rwako ufambe?”

13Asi munhu uya akaporeswa haana kuziva kuti ndiani nokuti Jesu akanga anyangarika sezvapanga paina manyoremanyore avanhu.

14Mushure mezvo Jesu akamuwana paTemberi akamuti, “Tarisa uone kuti wapora; usatadzezve kuti urege kuwirwa nezvakapinda izvi.”

15Murume uya akabva aenda akandotaurira vaJudha vaya kuti Jesu ndiye akanga amuporesa.

16Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vaonese Jesu nhamo nokuti akaita zvinhu zvakadai nomusi weSabata.

17Asi Jesu akavapindura achiti, “Baba vangu vanoshanda nazvino neniwo ndinofanira kushanda.”

18Ndokusaka vaJudha vakatonyanya kuda kumuuraya nokuti haana kungotyora chete mutemo weSabata, asi kuti akatiwo Mwari ndiBaba vake pachake achizvienzanisa naMwari.

Ukuru hwaJesu

19Jesu akati kwavari,

“Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri,

Mwanakomana haakwanisi kuita

chinhu nokwake pachake

asi kuita zvaanoona Baba vachiita

nokuti zvavanoita ndizvowo zvaanoita.

20Nokuti Baba vanoda Mwanakomana

uye vanomuratidza zvose

zvavanenge vachiitawo pachavo

uye vachamuratidza mabasa makuru

kupinda iwaya kuti mushamiswe.

21Nokuti sezvinongoita Baba

kumutsa vakafa vachivapa upenyu,

saizvozvo Mwanakomana anopawo

upenyu kune waanenge ada.

22Baba havatongi munhu,

asi vakapa kutonga kwose kumwanakomana

23kuti vose varemekedze mwanakomana

sokuremekedza kwavanoita Baba.

Asingaremekedzi Mwanakomana

haaremekedzi Baba vakamutuma.

24Zvirokwazvo Zvirokwazvo ndinoti kwamuri

anonzwa izwi rangu

uye achitenda akandituma

anoupenyu husingaperi haagadzwi dare;

asi atobva kurufu achienda kuupenyu.

25Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri

nguva iri kuuya uye yatosvika yokuti

vakafa vanzwe izwi roMwanakomana waMwari.

Avo vacharinzwa vachava vapenyu.

26Sezvo Baba vari dzinde roupenyu

saizvozvo vakaitawo kuti

Mwanakomana ave nedzinde roupenyu maari,

27vakamupa ukuru kuti atonge

nokuti ndiye Mwanakomana womunhu.

28Musashamisike nezvizvi

zvokuti nguva iri kuuya yokuti

vose vari mumakuva vachanzwa izwi rake vagobudamo.

29Vakaita zvakarurama vachimukira upenyu,

vanenge vakaita zvakaipa vachimukira kutongwa.

30Hapana chandinogona kuita nokwangu ndoga.

Sokunzwa kwandinenge ndaita kuna Baba

ndiwo matongero andinoita;

uye kutonga kwangu kwakarurama

nokuti handitsvaki kuita kuda kwangu,

asi kuda kwaiye akandituma.

Zvapupu zvaJesu

31Ndikazvipupurira,

kupupura kwangu hakusi kwechokwadi.

32Kune mumwe anondipupurira

uye ndinoziva kuti kundipupurira kwake ndekwechokwadi.

33Makatuma nhume kuna Johani akapupurira chokwadi.

34Zvisingarevi zvazvo kuti

ini ndinovimba nouchapupu hwomunhu.

Asi ndinotaura izvi kuti imi muponeswe.

35Akanga ari rambi rinopfuta uye rinopenya

imi mukafarira kuva muchiedza chake kwekanguva.

36Asi uchapupu hwandinahwo

hukuru kupinda hwaJohani

nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze,

mabasa iwayo andiri kuita

anondipupurira kuti Baba ndivo vakandituma.

37Ivowo Baba vakandituma vanondipupurira.

Izwi ravo hamusati mamborinzwa

chimiro chavo hamusati mambochiona.

38Uyewo izwi ravo harigari mamuri

nokuti hamudaviri uyo wavakatuma.

39Munotsvagatsvaga muMagwaro Matsvene

nokuti munofunga kuti

maari munowana upenyu husingaperi

Magwaro iwayo ndiwo anotondipupurira.

40Asi imi munoramba kuuya kwandiri

kuti muwane upenyu.

41Ini handitsvagi kuwana

mbiri inobva kuvanhu.

42Asi sokukuzivai kwandinoita,

rudo rwaMwari mamuri hamuna.

43Ndakauya ini muzita raBaba vangu

asi hamundigamuchiri

asi mumwewo akauya muzita rake

iyeyo ndiye wamunogamuchira.

44Mungatenda sei

imi munofarira kurumbidzana,

musingatsvaki mbiri inobva kuna Mwari mumwechete.

45Musafunge kuti ini

ndini ndichakupai mhosva panaBaba

asi Mosesi wamunovimba naye,

ndiye achakupai mhosva.

46Dai maidavira muna Mosesi maidavirawo mandiri

nokuti akanyora nezvangu.

47Zvino kana musingatendi

zvaakanyora mungatenda sei mashoko angu.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help