Isaya 38 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kurwara kwamambo Hezekiya nokupora kwake(2 Madzi 20:1–11; 2 Nhor 32:24–26)

1Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa, zvoupenyu kwamuri hapasisina.”

2Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro ndokunamata kuna Tenzi

3achiti, “Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.”

Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo,

4ndokubva izwi raTenzi rauya kuna Isaya richiti,

5“Enda kuna Hezekiya undoti, zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu.

6Ndichanunura iwe neguta iro rino iri mumaoko mamambo weAsiria. Ndichadzivirira guta rino iri.”

7“Chiratidzo chamunoitirwa naTenzi

chamuchaziva nacho kuti Tenzi achaita

zvaakuvimbisai ndechichi.

8Chinzwa, ndichaitisa kuti mumvuri wechiringazuva

chiya chakavakwa naAhazi udzokere

shure nhano gumi zuva rorereka.”

Saizvozvowo zuva rakadzokera shure nhano

gumi pachiringazuva chacho dzarakanga rambofamba.

Rumbo rwokutenda

9Zvakanyorwa naHezekiya mambo wokwaJudha mushure mokunge amborwara apora paurwere hwake ndezvizvi:

10Ndakazviti,

inga ndava kupfuura ini

ndichiri kuzvinzwa kudai.

Changu ini chandatemerwawo zvangu

chava chokundozaririrwa munzvimbo yavachakabvu

upenyu hwangu hwose.

11Ndakazviti,

handichazoona Tenzi,

Tenzi, ndiri munyika yavapenyu.

Ziso rangu harichazoona munhu zvakare

ndiri mukati mavanhu vayo nyika.

12Musasa wandiri wapazwa

ukabviswa pandiri

setendhe yomufudzi.

Upenyu hwangu hwapetwa-petwa

sezvinoita muruki

akandidimura kubva pachirukiso

kubvira kwachena kusvikira usiku

munondipedzisa.

13Ndinochemera rubatsiro

kusvikira kuedze.

Anondityora mapfupa angu ose

sezvinoita mhondoro

kubvira kwachena kusvikira usiku.

14Sekanyenganyenga kana kuti senhapata

ndinorira,

ndinowuwura senjiva.

Maziso angu aneta

kutarisa mudenga.

Tenzi,

ndaona nhamo ini,

ivai imi wokundichengeta!

15Asi chandingataurewo chii

nokuti iye ndiye ataura kwandiri,

uye iye pachake ndiye azviita.

Ndichananavara kufamba

upenyu hwangu hwose,

zvichikonzerwa nokushungurudzwa mwoyo

kwandiri kuita.

16Tenzi,

wandichararamira ndimi,

mweya wangu unoraramira imi moga.

Ndiporesei mundiraramise.

17Ehe,

kushungurudzwa kwazvo mwoyo

kwandanga ndinako,

kwanga kuri kuti

zvindinakirewo paupenyu.

Asi pamusana porudo rwenyu

makandiraramisa

mugomba rokuparadzwa

nokuti makakanda zvitadzo zvangu zvose

shure kwenyu.

18Chandinodariro ndechokuti,

nzvimbo yavachakabvu haikutendei,

rufu harukurumbidzei,

vanoenda kugomba

havangakwanise kuva nechitarisiro

chokutendeka kwenyu.

19Mupenyu, mupenyu chete ndiye anokutendai

sezvandiri kuita nhasi uno.

Madzibaba vanotaurira vana vavo

nezvokutendeseka kwenyu.

20Tenzi akandinunura

nezvo tichiridza zvokuimbisa

mazuva ose oupenyu hwedu

pamba yaTenzi.

21Ipapo Isaya akanga ati, ngavatore chambwa chemakuyu vachinamire pamota kuti ipore.

22Hezekia akanga atobvunzawo kuti, “Chiratidzo chokuti ndichazoenda kuimba yaTenzi ndechipiko?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help