Sira 44 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

B: KUONESWA KWEMBIRI YAMWARI MUNHOROONDO DZAVANHUKukudzwa kwamadzitateguru

1Ngatimbokudzai zvino vanhu vano mukurumbira,

madzitateguru edu nezvizvarwa zvavo.

2Mwari akavapa mbiri huru,

akavapa chiremera chake kubvira pakutanga.

3Vamwe vavo vaiva madzimambo munyika dzavo,

vachizivikanwa nomukurumbira wesimba ravo.

Vamwewo vaiva nyanzvi dzokupa mazano oungwaru,

vachitaura zvino kuporofita mukati.

4Vamwewo vaitungamirira vanhu pakufunga

nokuzivawo kwavaiita mutemo wenyika,

uye napamusana poungwaru hwezvidzidziso zvavo.

5Vamwe vaiva shasha dzezvokuimba,

vari vanyori venhetembo.

6Vamwe vaiva vapfumi, vakanga vane zvose zvakakwana;

vakanga vakagarika mudzimba dzavo.

7Ivava vose vairumbidzwa navanhu venguva dzavo,

mumwe nomumwe airumbidzwa

aiva nomukurumbira panguva yake.

8Vamwe vakasiya mazita kunze,

zvokuti nanhasi uno achiri kurumbidzwa.

9Asi kune vamwewo vasina nechavanoyeukwa nacho,

vakafa vakabva varova, voita sezvinonzi

havana kumbovapo.

Vanoita sezvinonzi havana kumboberekwa,

ndizvozvo navana vavo mushure mavo.

10Asi ava vaiva vanhu vakanaka,

vane zviito zvakarurama zvisingakanganikwi.

11Dzinza ravo richaramba rine kubudirira, kwavo

senhaka yakakosha kuvana vavana vavo.

12Dzinza ravo richaramba

rakachengeta chitenderano ichochi,

uyewo vana vavo pamusana pavo.

13Dzinza ravo richaramba riripo narini,

mbiri yavo haizombopera.

14Miviri yavo yakanyatsovigwa murunyararo,

uye, mazita avo acharamba

achingovapo kwezvizvarwa nezvizvarwa.

15Marudzi avanhu achaparidza ungwaru hwavo,

mbiri yavo icharumbidzwa musangano.

Enoki

16Enoki akafadza Mwari, akatorwa pasi pano

achiri mupenyu,

akabva ava muenzaniso wokupindukira kuna Mwari

kuzvizvarwa nezvizvarwa.

Nowa

17Nowa akaonekwa ari munhu ano ururami uzere,

saka Mwari akamuita dungirwa panguva iya

yehasha dzake.

Pamusana paizvozvi panyika pakasara katsama

kavanhu panguva yokuuya kwamafashamo emvura.

18Mwari akaitirana naye chitenderano chisingaperi,

chokuti zvipenyu zvose hazvichazoparadzwazve

namafashamo emvura.

Abhurahamu

19Abhurahamu zitateguru rakabereka marudzi mazhinji,

hakuna akamboita mukurumbira wakaenzana nowake.

20Akachengeta Mutemo woWokumusorosoro,

akaitiranawo naye chitenderano.

Akasimbisisa chitenderano ichocho nokuzvicheka kwaakaita

nyama yomuviri wake;

uye, paakaedzwa akaonekwa ari munhu akatendeka.

21Ndokusaka Mwari akamutsidzira nemhiko,

achiti, marudzi ose avanhu achakomborerwa pamusana

pevedzinza rake.

Akamutsidzirazve kuti vana vake

vachawanda sehuruva yapasi,

uye achizosimudzira vechizvarwa chake senyenyedzi,

nokuvapa nyika

inobvira kunyanza kusvikira kunyanza,

ichibvirawo kuRwizi kusvikira kumiganho yapasi

kuti ive nhaka yavo.

Isaka naJakobho

22Ndizvo zvaakatsidzirawo Isaki,

pamusana pababa vake Abhurahamu.

23Chikomborero chavanhu vose nechitenderano

akazviisa mumaoko aJakobho,

akagamuchira nokumupa kwaakaita zvikomborero kuya.

Uye nokumupa kwaakaita nyika kuti ive nhaka yake.

Akaikamuranisa muzvidimbu zvakazogoverwa kumadzinza

gumi namaviri aya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help