Sira Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)
Zviri mubhuku rino Bhuku raSira rakatumidzwa zita rokuti Sira, zita romunyori waro ainzi Sira Ereazari (50:27). Akarinyora mururimi rwechiHebheru. Mwana wake akaturikira bhuku iri muchiGiriki. Ndiro bhuku ratinaro nhasi uno. Bhuku rakatumidzwa rimwe zita rokuti Liber Ecclesiasticus zvinoreva kuti Bhuku reChechi (Bhuku reSangano) pamusana pokuti rainyanya kushandiswa muchechi. Bhuku iri rakanyorwa senhauro dzakasiyana–siyana dzikagoiswa mubhuku rimwechete. Mimwe misoro yenhauro idzodzo ndeiyi: kurera vana, kuzvikudza nokuzvidukupisa, mwoyo murefu, kuremekedza nokuteerera vabereki, ushamwari, upfumi, kuita ushamwari navakadzi, tsika dzakanaka pakudya, kudzora rurimi, mubayiro wechakaipa nomubayiro wokuita kwakanaka, kuita hanya navarombo, asi chikuru charinokurudzira kutsvaka ungwaru. Rinokurudzira kwazvo kuchengeta chitenderano naMwari uye mutemo waMosesi. Rinoratidzawo kuti ungwaru chaihwo huri muchitendero nomutsika nomumugariro wechiJudha kwete muchiGiriki.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raSiraKusumaKurumbidzwa kwoungwaru (chidimbu chokutanga) (1:1—23:27)a) Basa romunhu, mubayiro wake nezvimwe zvinobatsira munhu (1:1—14:19)b) Ungwaru hunounza rufaro (14:20—18:26)c) Ungwaru hwaMwari uye kuti munhu anoti kudii nahwo (18:27—23:27)Kurumbidzwa kwoungwaru (chidimbu chechipiri) (24:1—50:21)a) Ungwaru nounhu (24:1—32:13)b) Ungwaru hwaMwari, kunamata uye basa romunhu (32:14—42:14)c) Mbiri yaMwari muzvisikwa zvake (42:15—43:33)d) Kurumbidza madzitateguru (44:1—50:21)Mazwi okuzarira nenhamhidzirwa yebhuku iri (50:22—51:30)