Nziyo 30 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rwiyo rwaDhavhidhi rwokukumikidza Temberi.Munamato wokutenda

1Ndinokurumbidzai TENZI

nokuti makandinyurura

uye nokuti hamuna kurega

vavengi vangu vachindidadira.

2TENZI, Mwari wangu ndakachema kwamuri

kuti mundibatsire imi mukandirapa.

3Imi TENZI makaburitsa mweya wangu

munzvimbo yavakafa,

makandidzorera upenyu

pakati pavakanga vaenda mugomba.

4Imbai muchirumbidza TENZI

imi vakarurama vake.

Tendai zita rake rinoera.

5Nokuti hasha dzake ndedzekanguvana;

asi mwoyochena wake ndehweupenyu hwose.

Kuchema kunombouya usiku;

asi rufaro runouya namangwanani.

6Asi ini, pandainge ndichiri kubudirira,

ndaizviti, “Hapana chinondizunguza.”

7Nomwoyochena wenyu TENZI,

makandimisa kuita gomo chairo kusimba,

makazongoti uso hwenyu vanzei,

ndakabva ndabatwa nokutya

8Ndakachema kwamuri TENZI.

Ndakanamata kwamuri TENZI.

9“Kudeuka kweropa rangu kunowaniseiko

kana kudzika kwangu mugomba

uye kupinda kwangu mugomba?

Huruva ingakurumbidzei here?

Ingataure nezvekutendeseka kwenyu here?

10Teererai TENZI mundinzwirewo ngoni

TENZI ndibatsireiwo.”

11Makasandura kuungudza kwangu

kukava kutamba.

Makanditakanura saga

mukandipfekedza rufaro

12kuitira kuti ndikuimbirei ndichirumbidza

mbiri yenyu ndirege kunyarara

TENZI Mwari wangu ndinokutendai

nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help