2 Samueri Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Bhuku rechipiri raSamueri ibhuku rinotevera bhuku rokutanga raSamueri. Ibhuku rinotaura zvikuru nezvoupenyu hwamambo Dhavhidhi. Akatanga nokuva mambo wenyika yokwaJudha. Ndokuzotonga nyika yose yokwaJudha neyokwaIsiraeri.Mambo Dhavhidhi aiva munhu ane chitendero chakadzama chaizvo asi aivawo munhu wenyama. Aitomboitawo utsinye kana ainge ane chaada (11). Asi paainge aratidzwa navaporofita kuti zvaakaita zvakaipa, kunyange zvake aiva mambo aizvityora nokuzvirereka achibvuma mhosva yake nechirango chayo (12:1–14). Pamusana pokutya kwake Mwari saizvozvi, kunyange akanga asina zvake ungwaru sohomwana wake Soromoni, ndiye mambo anodiwa zvikuru neIsiraeri yose kusvikira pari nhasi. Kunyange Mwari aida kuti madzimambo akazotevera aite saDhavhidhi.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rechipiri raSamueriKukurira kwaDhavhidhi (1:1—10:19)a) Kutonga Judha kwaDhavhidhi (1:1—4:12)b) Kutonga kwaDhavhidhi muJerusaremu (5:1–25)c) Kubudirira kwaDhavhidhi mune zvechitendero (6:1—7:29)d) Kukurira kwaDhavhidhi mune zvehondo (8:1—10:19)Kutadza kwaDhavhidhi (11:1–26)Nhamo dzaDhavhidhi (12:1—24:25)a) Nhamo dzomumba maDhavhidhi (12:1—13:36)b) Nhamo dzoumambo hwaDhavhidhi (13:37—20:26)c) Makore okupedzisira (21:1—24:25)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help