1 Vatesaronika 3 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kutumwa kwaTimoti kuTesaronika

1Patakanga tisisakwanisi kutirira izvi takasarudza kusiiwa tiri toga kuAteni.

2Takatumira hama yedu Timoti muranda waMwari nomubatsiri wedu munezve Shoko Rakanaka raKristu kuzokusimbisai muchitendero chenyu uye kuzokukurudzirai.

3Uku kwakanga kuri kuti pasave nomumwe wenyu anodzokera shure nokuda kwamatambudziko iwaya. Imi pachenyu munoziva kuti iwoyu ndiwo mugove wedu

4nokuti patanga tinemi, takanga takuudzai kuti, tichazotambudzika sokuitikawo kwazvakazoita, sokuzivawo kwamunoita.

5Pamusana paizvozvi, pandakanga ndisisakwanisi kutirira, ndakatumira munhu kuti ndizive pamuri nechitendero chenyu ndichityira kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai, basa redu rikashaya maturo.

6Zvino nokudzoka kwakaita Timoti achibva kwamuri akatiunzira dama rakanaka nezverudaviro rwenyu norudo rwenyu. Akatitaurira kuti imi munogara muchitifunga munezvakanaka nguva dzose uye kuti munokarira kutiona sokusuwirawo kwatinoita kukuonai.

7Nechikonzero ichochi, hama dzangu, munhamo namatambudziko edu, takanyaradzwa nechitendero chenyu.

8Zvino tasimbaradzwa upenyu kana mukasimba kudaro muna Tenzi.

9Mwari tingamutende neiko nezvenyu pamusana perufaro rwose rwatinonzwa pamusoro penyu pamberi paMwari wedu

10siku nesikati tichibva tanyatsonamatawo kuti tizoonana uso nouso tichizokupai zvimwe zvamusina mukutenda kwenyu.

11Dai Mwari wedu naBaba vedu pachavo naiye Tenzi wedu Jesu angotitungamirirawo nzira yedu kwamuri.

12Dai Tenzi vangoita kuti kudana kwenyu kuwande kufashukire uye kusvike kuna vanhu vose sokukudai kwatinoita

13kuti asimbaradze mwoyo yenyu ive isina chinoshoreka pautsvene uye iri mitsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu pakuuya kwaTenzi wedu Jesu navatsvene vake vose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help