1Kana uchiitira mumwe mutsa, ziva kuti munhui,
uzotendwa nezviito zvako zvakanaka.
2Kana ukaitira munamati zvakanaka, uchadzorerwa;
kana usingadzoserwi naye,
uchadzoserwa naiye Wokumusorosoro.
3Hapana chakanaka chinoitirwa
munhu anoramba achiita zvakaipa
kana munhu anoramba kupa vasina chavanacho.
4Ipa kumunamati,
unyime anotadzira Mwari.
5Itira zvakanaka kumunhu anozvidukupisa,
usawane chaunopa kumunhu asinei naMwari.
Munyime zvokudya, urege kumupa,
zvingadaro zvikamupa simba rokukurozva,
nokuti unozodzorerwa unyangadzi hwakapetwa kaviri
pane zvakanaka zvaunenge wamuitira.
6Ndinodaro nokuti iye Wokumusorosoro
anovenga vatadzi,
anoranga vanhu vasinei naMwari.
7Munhu akanaka mupe
asi mutadzi usamuyamure.
Ushamwari hwenhando8Shamwari chaiyo haungagoni kuiziva
zvinhu zvichifamba zvakanaka,
asi kana zvinhu zvaipa
muvengi haaregi kubuda pachena.
9Kana munhu achibudirira,
vavengi vake vanotsamwiswa nazvo,
asi kana zvinhu zvamuipira,
kunyange neshamwari yake inomusiya.
10Usambovimba nomuvengi wako,
nokuti sokudya kunoita ngura mhangura
ndozvakangoitawo uipi hwake,
11kana dai achizvidukupisa nokuhwataira,
chenjera naye, iwe mirira kure naye,
muite zvinoita mupukuti wechiringiriro,
achida kuti chirege kudyiwa nengura.
12Usamurege achigara padyo newe,
angadaro akakubvisa okutorera nzvimbo yako.
Usamuti agare kurudyi rwako,
angadaro akazovavarira kukutorera
chigaro chako choukuru ukuru
wozopera wati, “Inga ndakamboreva wani,”
wabayiwa mwoyo nezvandareva izvi.
13Ndiani anganzwire tsitsi
munhu wamapipi okutamba nenyoka,
kana nyoka yazomuruma
kana ani zvake anoswedera padyo nezvikara?
14Ndizvowo zvinoita munhu anofambidzana nomutadzi,
achizvipinzawo muzvitadzo zvake.
15Anogona kungomira newe kwechinguva
asi kuzongoti wati tsvedzu, haambomira newe.
16Muvengi anonatsa mukanwa
asi mumwoyo umu achifunga kukukanda muhunza.
Muvengi angave ane misodzi padama,
asi kana akakuwanikidza,
nyota yake yeropa haiperi.
17Kana ukawana chinokuwana,
ndiye anotanga kuvapo,
achiita seanoda kukubatsira,
nyamba iye chake kuda kukupinga ndare.
18Achagutsura musoro,
achirova–rovanisa maoko
achishinyira ashinyirazve
achikwindimadza uso.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.