Sira 12 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zviito zvomutsa

1Kana uchiitira mumwe mutsa, ziva kuti munhui,

uzotendwa nezviito zvako zvakanaka.

2Kana ukaitira munamati zvakanaka, uchadzorerwa;

kana usingadzoserwi naye,

uchadzoserwa naiye Wokumusorosoro.

3Hapana chakanaka chinoitirwa

munhu anoramba achiita zvakaipa

kana munhu anoramba kupa vasina chavanacho.

4Ipa kumunamati,

unyime anotadzira Mwari.

5Itira zvakanaka kumunhu anozvidukupisa,

usawane chaunopa kumunhu asinei naMwari.

Munyime zvokudya, urege kumupa,

zvingadaro zvikamupa simba rokukurozva,

nokuti unozodzorerwa unyangadzi hwakapetwa kaviri

pane zvakanaka zvaunenge wamuitira.

6Ndinodaro nokuti iye Wokumusorosoro

anovenga vatadzi,

anoranga vanhu vasinei naMwari.

7Munhu akanaka mupe

asi mutadzi usamuyamure.

Ushamwari hwenhando

8Shamwari chaiyo haungagoni kuiziva

zvinhu zvichifamba zvakanaka,

asi kana zvinhu zvaipa

muvengi haaregi kubuda pachena.

9Kana munhu achibudirira,

vavengi vake vanotsamwiswa nazvo,

asi kana zvinhu zvamuipira,

kunyange neshamwari yake inomusiya.

10Usambovimba nomuvengi wako,

nokuti sokudya kunoita ngura mhangura

ndozvakangoitawo uipi hwake,

11kana dai achizvidukupisa nokuhwataira,

chenjera naye, iwe mirira kure naye,

muite zvinoita mupukuti wechiringiriro,

achida kuti chirege kudyiwa nengura.

12Usamurege achigara padyo newe,

angadaro akakubvisa okutorera nzvimbo yako.

Usamuti agare kurudyi rwako,

angadaro akazovavarira kukutorera

chigaro chako choukuru ukuru

wozopera wati, “Inga ndakamboreva wani,”

wabayiwa mwoyo nezvandareva izvi.

13Ndiani anganzwire tsitsi

munhu wamapipi okutamba nenyoka,

kana nyoka yazomuruma

kana ani zvake anoswedera padyo nezvikara?

14Ndizvowo zvinoita munhu anofambidzana nomutadzi,

achizvipinzawo muzvitadzo zvake.

15Anogona kungomira newe kwechinguva

asi kuzongoti wati tsvedzu, haambomira newe.

16Muvengi anonatsa mukanwa

asi mumwoyo umu achifunga kukukanda muhunza.

Muvengi angave ane misodzi padama,

asi kana akakuwanikidza,

nyota yake yeropa haiperi.

17Kana ukawana chinokuwana,

ndiye anotanga kuvapo,

achiita seanoda kukubatsira,

nyamba iye chake kuda kukupinga ndare.

18Achagutsura musoro,

achirova–rovanisa maoko

achishinyira ashinyirazve

achikwindimadza uso.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help