Jobhu 6 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mhinduro yaJobhu kuna Erifasi

1Jobhu akapindura achiti,

2“Dai kuungudzika kwangu kwaierwa!

Dai nyatwa yangu yose

yaiiswa muzviero.

3Yaitorema kupinda jecha regungwa.

Pamwe ndokusaka mazwi angu arasikawo gwara.

4Miseve yaSamasimba yakabairira mandiri

mweya wangu unonwa chepfu yawo.

Kutyisa kwaMwari kwanangana neni.

5Mbizi kana ine uswa inokuma here?

Mombe inokuma here yakatarisa uswa?

6Chinhu chisinganake

chingadyike here chisina munyu?

Ko chichena chezai chinonzwika kunaka here?

7Ndozvine kudya kuri mukanwa mangu

kudya kunondisemesa.

8Dai zvangu ndaingowana zvandinokumbira.

Dai Mwari aingondipawo zvandinosuwira.

9Dai zvaibvira kuti Mwari andiparadze.

Andirove zvake andipedzisise zvake.

10Izvi ndizvo zvaitondinyaradza

ndaitopembera kufara mukurwadziwa kusina tsitsi

nokuti handina kuramba ini mashoko aiye mutsvene.

11Iro simba rangu nderipi zvaro

zvokuti ndivi nomwoyo murefu?

Iwo mugumo wangu chiiwo zvawo

kuti ndiuitire mwoyo murefu kudaro?

12Iro simba rangu rakafanana

nesimba ramatombo here?

Kana kuti nyama yangu yakaita sendarira here?

13Chokwadi mandiri hamuna chimuko,

kana chokubata chaicho hapana.

14Munhu anorega kunzwira tsitsi

kushamwari yava kurasa mwoyo

anofuratira kutya Mwari.

15Hama dzangu dzakandinyengedza samapopopo

dzakaita somunoerera nemvura munozooma.

16Pasi perwizi panosvibira nemvura yakadzika

inobva kuchando

rwakafukidzwa namapopo emvura

inobva kuchando chinonyungudika.

17Panguva yamadziya inonyangarika.

Kana kwapisa chinonyangarika panzvimbo pawo ipapo.

18Dungwerungwe revenzendo rinotsaukira mvura,

rinotetereka naro gwenga richitsakatika.

19Dungwerungwe revenzendo revokuTemani rinoitsvaka.

Nedungwerungwe renzendo revokuShebha

ndipowo pavanenge vakaisa mwoyo.

20Vanorwadziwa mwoyo nezvavanenge vakatarisira

vanosvika vobva vangosvipa mwoyo.

Mazwi akaomarara aJobhu.

Mhosva yangu ndeipi

21“Ndizvo zvamave kwandiri

maona kutambura kwangu mukabva matya.

22Ndamboti ndipei chinhu here ini

kana kuti mundiripire pfumbamuromo,

23kana kuti mundinunure mumaoko omuvengi

kana kuti mumaoko avanondidzvinyirira?

24Dai muchitondidzidzisa ndainyarara zvangu

muchindiratidzaka pandakakanganisa.

25Harisi simba iroro

rina mazwi ari pachokwadi,

zvino iko kutsiura kwenyu uku kunotsiureiko?

26Munongoda zvokukakavara namashoko chete nhai

muchitora mazwi okurasa mwoyo sechinhu pasina?

27Inga mungatoitira nherera chin'ange imi

muchitoitirana nharo dzomutengo, kutengesa shamwari.

Chakaipa parurimi rwangu chii

28“Zvino chimbonyatsonditarisai muone,

ndiri munhu here ini

angareva nhema pamberi penyu?

29Sandukai musiyane nezvisiri izvo.

Chitosandukai zvenyu

nokuti hunhu hwangu hwavakuita sechinhu pasina.

30Pane zvandakanganisa here mukutaura kwangu?

Imo mukanwa mangu mungatadze here

kunzwa kuti izvi zvinhu zvinonaka?”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help