Mateu 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

B: MHARIDZO YAJESU PAGOMOMharidzo yakaitwa naJesu pagomo

1Jesu akati achiona gurusvusvu riya ravanhu akakwira mugomo. Paakagara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari.

2Akazarura muromo wake

akavadzidzisa achiti:

Rufaro rwechokwadi

3“Vakakomborerwa zvavo varombo mumweya

nokuti umambo hwedenga ndohwavo.

4Vakakomborerwa zvavo vanochema

nokuti vachanyaradzwa

5vakakomborerwa zvavo vakapfava

nokuti vachawana nhaka yenyika.

6Vakakomborerwa zvavo vane nzara nenyota yoururami

nokuti vachagutswa.

7Vakakomborerwa zvavo vane tsitsi

nokuti vachaitirwawo tsitsi.

8Vakakomborerwa zvavo vakachena pamwoyo

nokuti vachaona Mwari.

9Vakakomborerwa zvavo vawadzanisi

nokuti vachanzi vana vaMwari.

10Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami

nokuti umambo hwedenga ndohwavo.

11Makakomborerwa zvenyu imi

kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai

vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema

pamusana pangu.

12Farai mufarisise kwazvo

nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga.

Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita

vaporofita vakakutangirai.

Imi muri munyu uye chiedza chapasi(Mak 9:50; Ruka 14:34–35)

13“Imi muri munyu wapasi.

Zvino kana munyu usisavavi

unozovaviswa nei?

Unenge usisina basa

unofanira kutongoraswa zvawo

uchitsikwa zvawo navanhu.

14“Imi muri chiedza chapasi.

Guta rakavakirwa pagomo harivanziki.

15Vanhu havatungidzi mwenje

vachiukwidibira nedengu

asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje

uchivhenekera vose vari mumbamo.

16Saizvozvowo,

chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu

kuti vaone mabasa enyu akanaka

varumbidze Baba venyu vari kudenga.

Zvomutemo

17“Regai kumbofunga zvenyu

kuti ndakauya kuzoparadza mutemo

kana vaporofita.

Handina kuuya kuzozviparadza,

asi kuzozvizadzisa.

18Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo

kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo

asi hapana kana kabhii

kana kaga zvako komutemo

kachabviswa mumutemo kusvikira zvose zvaitika.

19Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo iyi

achidzidzisa vanhu kudaro

achanzi mudiki muumambo hwedenga.

Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi

mukuru muumambo hwedenga.

20“Nokuti ndinokutaurirai kuti kana ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi dzomutemo navaFarisei hamumbopinda muumambo hwedenga.

Chidzidziso chaJesu pamusoro pokushatirwa

21“Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraye.

“ ‘Ani naani anouraya achatongwa.’

22Asi ini ndinoti kwamuri

munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa.

Ani naani anoti kuhama yake,

‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare.

Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’

anokodzera gomba romoto.

23Ipapo kana uchindopira chipo chako paatari,

ipapo ukafunga kuti hama yako ine chigumbu newe,

24siya chipo chako ipapo pamberi peatari

uende utange wayanana nehama yako.

Wozouya zvako opira chipo chako.

25“Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza

muchiri munzira yokuenda kudare

angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa kumutongi

mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa,

uye uchizoiswa mujeri.

26Zvechokwadi ndinokutaurira kuti

haumbomubuda kusvikira waripa sendi rokupedzisira.

Zvinotaurwa naJesu nezveupombwe

27“Makanzwa kuti zvakanzi, musaite upombwe

28Asi ini ndinoti kwamuri,

‘Ani naani anotarisa mukadzi achimuchiva

atoita upombwe naye mumwoyo make.’

29Kana ziso rako rorudyi richikukonzera kutadza

risvukunure urikande kwakadaro.

Zviri nani kurasikirwa neimwe nhengo yomuviri wako

panze pokuti muviri wako wose ukandwe

mugomba romoto.

30Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera kutadza

rudimbure urwukande kwakadaro.

Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo dzako

panze pokuti muviri wako wose uende kugomba remoto.

Zvakataurwa naJesu nezvokurambana(Mat 19:9; Mak 10:11–12; Ruka 16:18)

31“Zvakanziwo uyo anoramba mukadzi wake

ngaamupe tsamba yegupuro.

32Asi ini ndinoti,

‘Ani naani anoramba mudzimai wake

kunze kokunge chikonzero chacho chiri choupombwe,

anomuita kuti aite upombwe.

Ani naaniwo anoroora mukadzi akarambwa anoita upombwe.’

Mhiko

33“Makanzwawo kuti

zvakanzi kuvanhu vakare

musapike nhema

asi kuti munotofanira kuita zvamakapika kuna Tenzi.

34Asi ini ndinoti kwamuri

usambopika zvako naTenzi kana nedenga

nokuti chigaro choumambo chaMwari;

kana kupika nenyika nokuti chitambarariko chetsoka dzake;

35kana kupika neJerusaremu

nokuti iguta ramambo mukuru.

36Usapike nomusoro wako

nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako kuti

ruve ruchena kana rutema.

37Regai hongu wenyu angova hongu

nakwete wenyu angova kwete;

zvimwe zvose zvinopfuura ipapa

zvinobva kuna wakaipa uya.

Matsive: ziso neziso(Ruka 6:29–30)

38“Makanzwa kuti zvakanzi

ziso rinofanira kutsiviwa neziso

zino richitsiviwa nezino.

39Asi ini ndinoti kwamuri,

‘Usadzivise wakaipa.’

Kana munhu akakurova mbama padama rorudyi

mutendeudzire rimwezve.

40Kana munhu achida kukukwirira dare

achida kukutorera bhatye rako

ibva wamupa nejasi rako.

41Kana munhu akakumanikidza kuti umuperekedze

kiromita imwechete,

muperekedze kwamakiromita maviri.

42Munhu anokukumbira, mupe.

Usanyime uyo anoda kukukwereta.

Ida vavengi vako(Ruka 6:27–28,32–36)

43“Makanzwa kuti zvakanzi,

‘Ida mumwe wako

uvenge muvengi wako.’

44Asi ini ndinoti kwamuri,

‘Idai vavengi venyu

munamatire vanokutambudzai

kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga,’

45nokuti ivo vanobudisira zuva ravo vakaipa navakanaka;

uye vanonaisira mvura yavo vakarurama

navasina kururama.

46Ko kana muchida vanokudai,

munowana mubayiro wei,

ko vateresi havaiti saizvozvo here?

47Kana muchingokwazisa

hama dzenyu chete,

chii chamunokunda vamwe nacho ipapa?

Vechirudzi havaiti zvimwechetezvo here?

48Nezvo imi munofanira kuva vakaruramisisa

sezvakangoita Baba venyu vokudenga vakaruramisisa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help