Zvakaratidzwa 16 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Ndiro dzehasha dzaMwari

1Ndakazonzwa izwi guru richibva muTemberi richiti

kuvatumwa vanomwe,

“Endai mundodurura panyika

ndiro nomwe dzehasha dzaMwari.”

2Saizvozvo mutumwa wokutanga akaenda

akadururira ndiro yake panyika.

Vanhu vaya vakanga vaine mucherechedzo

wechikara vakagwadama vachinamata chifananidzo chacho,

vakaita maronda anonyeka akaipisisa.

3Mutumwa wechipiri akadururira

ndiro yake mugungwa

rikaita seropa romunhu afa,

zvipenyu zvose zvaiva mugungwa zvikafa.

4Mutumwa wechitatu akadururira

ndiro yake munzizi nomuzvisipiti zvemvura

zvikapinduka zvikava ropa.

5Ndakazonzwa mutumwa anotonga zvemvura

achiti, “Imi muri mutsvene

kutonga kwenyu kwakarurama

imi muripo uye makanga muripo.

6Vanhu vakadeura ropa ravatsvene neravaporofita

imi mukavapa ropa kuti vanwe.

Toko waro! Ndomubayiro wavo.”

7Ndakanzwa izwi kuchema paatari richiti,

“Hamuoneka Tenzi Mwari Samasimbaose,

kutonga kwenyu ndekwepachokwadi uye kwakarurama.”

8Mutumwa wechina akadururira ndiro yake pazuva

rikabvumirwa kupisa vanhu nomoto.

9Vanhu vakapiswa nokupisa kunotyisa kwazvo.

Vakashonha zita raMwari

aiva nesimba pamusoro pepfumvu

uye havana kupinduka kuti vamurumbidze.

10Mutumwa wechishanu akadururira ndiro yake

pachigaro choumambo chechikara chiya.

Umambo hwacho hwakava murima,

vanhu vakazvirumaruma rurimi mukurwadziwa.

11Vakashonha Mwari wedenga

pamusana pokurwadziwa kwavo

uye pamusana pamaronda avo

asi havana kutendeuka pazviito zvavo.

12Mutumwa wechitanhatu akadururira ndiro yake

parukova rukuru rweYufuratesi

mvura yarwo ikabva yapwa

kugadzirira madzimambo okumabvazuva nzira.

13Ndakaonawo mumuromo mezigaranyanya riya

nomumuromo mechikara chiya

uye nomumuromo womuporofita wenhema

muchibuda mweya mitatu yakaipa

yakaita samatatya.

14Iyoyi mweya yakaipa inoita zvishamiso

inofamba nenyika yose kumadzimambo apasi pano

ichivakokorodzera hondo

yapazuva guru raMwari Samasimbaose.

15“Tarisai muone ndichauya sembavha;

akakomborerwa munhu anenge akasvinura,

achichengeta hanzu dzake

kuti arege kufamba akadaro ari mutwi achionererwa.”

16Mweya iyoyo ichaunganidza

madzimambo aya kunzvimbo

inonzi Amagedhoni muchiHebheru.

17Mutumwa wechinomwe akadururira

ndiro yake mumhepo, izwi guru

rikabva muTemberi pachigaro choumambo richiti,

“Zvaitika!”

18Mheni yakavaima kukadhiriridza,

kukaita mabhanan'ana

kukava nokundengendeka kwapasi

kusati kwamboitika kubvira kuvapo kwavanhu panyika.

Hakusi kukura ikoko kokundengendeka kwacho.

19Guta guru riya rakabva rakamurwa muzvikamu zvitatu

maguta evechirudzi akaparara.

Mwari haana kukanganwa guta guru reBhabhironi

kuti rinofanira kunwa mukombe wehasha dzake huru.

20Zvitsuwa zvose zvakatiza,

kana makomowo akanyangarika.

21Chivhuramahwe chairema

makirogiramu makumi mana anamashanu

chakawira vanhu chichibva mudenga

kusvikira vanhu vashonha Mwari

pamusana pepfumvu yechivhuramahwe,

hakusi kutyisa ikoko kwepfumvu iyoyo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help