1 Nhoroondo 18 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kukurira kwakaita Dhavhidhi(2 Sam 8:1–18)

1Gare gare Dhavhidhi akakurira vaFirisitia akavaisa pasi pake, akatorera vaFirisitia Gati nemisha yaro.

2Akakurirawo Moabhu, vaMoabhu vakava varanda kuna Dhavhidhi vakatera mutero kwaari.

3Dhavhidhi akakurirawo Hadhadhiezeri mambo wokuZobha pedyo nokuHamati paakanga achienda kundodzikawo umambo hwake kurwizi rwaYufuratesi.

4Dhavhihdi akamutorera vachairi vengoro dzehondo chiuru chimwechete chavachairi navachairi mazana manomwe pamwechete navarwi vetsoka. Dhavhidhi akadimura matatira amabhiza ose engoro dzehondo ndokungosiya anokwanirana nezana rengoro dzehondo.

5VaSiria vokuDhamasikusi vakauya kuzobatsira Hadhadhiezeru mambo wokuZobha. Dhavhidhi akauraya varume makumi maviri ezviuru nezviuru zvevaSiria.

6Munyika yeSiria kuDhamasikusi Dhavhidhi akaisa zvikwata zvikwata zvavarwi, vaSiria vakava varanda kuna Dhavhidhi vachitotera mutero. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda.

7Dhavhidhi akatora nhoo dzendarama dzakanga dzakatakurwa namakurukota aHadhadhiezeru akadziunza kuJerusaremu.

8Dhavhidhi akakukuchawo ndarira yakawanda kwazvo kuTibhati nokuKuni, maguta aHadhadhiezeru. Ndiyo yakazogadziriswa naSoromoni zibhavhu rendarira riya ziguruguru nembiru nemidziyo yendarira.

9Tou mambo weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi akakurira hondo yose yaHadhidhiezeru, mambo weZobha,

10akatuma mwanakomana wake Hadhoramu kuna mambo Dhavhidhi kundomukwazisa nokumukorokotedza nokuti akanga arwisa Hadhadhiezeru akamukurira. Chaivapo ndechokuti, Hadhadhiezeru aigarorwisana naTou. Akatumira zvinhu zvakasiyasiyana zvinoti zvendarama nezvesirivha nezvendarira.

11Mambo Dhavhidhi akatsaurirawo zvinhu izvozvi kupira kuna Tenzi pamwechete nesirivha nendarama yaakanga akapamba kundudzi dzose idzi dzinoti: Edhomu neMoabhu nokuva Amoni nokuvaFirisitia neAmareki.

12Abhishai mwanakomana waZeruya akauraya vaEdhomu vanokwana zviuru gumi nezvisere muBani roMunyu.

13MuEdhomu imomo akaisa zvikwata zvikwata zvavarwi. VaEdhomu vose vakava varanda kuna Dhavhidhi. Tenzi akaita kuti Dhavhidhi akurire kwose kwose kwaaienda.

Kutonga kwaitwa Isiraeri naDhavhidhi

14Dhavhidhi uyu aitonga vanhu vake zvine ruenzaniso uye nomazvo chaimo.

15Izvozvo Joabhu mwana waZeruya aiva ari mutungamiriri wehondo, Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi ariye samunyori.

16Zadhoki mwanakomana waAhitubhu, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari ndivo vaiva vapristi, Shavhusha ari samunyori

17Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mukuru mukuru wevokuchengetedza mambo, maKereti namaPereti, ukuwo vana vaDhavhidhi vakomana vari machinda amambo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help