1Shoko raTenzi rakauya kuna Jehu mwanakomana waHanani rakananga Bhaasha richiti,
2“Pamusana pokuti chingo chandakukwidziridza ndichikubvisa pasi apa pavhu ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri, iwe wakatotevera zvako gwara raJerobhoamu ukapinza vanhu vangu vaIsiraeri muchitadzo vakandishatirisa nezvitadzo zvavo izvozvo,
3chinzwa, ndichanyatsotsvaira Bhaasha nevemba yake ndichiita kuti imba yake iite semba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.
4Wose wokwaBhaasha anofira muguta achadyiwa nembwa, wokwake anofirawo musango achidyiwawo neshiri dzedenga.”
5Inga dzimwe nyaya dzezvaBhaasha nezvinhu zvaakaita nougamba hwake zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri.
6Bhaasha akazovata akaenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa kuTiriza. Mwanakomana wake Era ndiye akazotonga panzvimbo pake.
7Chakaitisawo kuti shoko raTenzi riuye kumuporofita Jehu rakananga Bhaasha nemba yake kwaiva kutadza kwaakaita kusingadiwi naTenzi achimushatirisa netwaakabata namaoko ake, achitevedzera zvaiitwa nemba yaJerobhoamu uyewo pamusana pokuiparadza kwaakaita.
Era mambo wokwaIsiraeri (886—855 K.A.A.)8Mugore remakumi maviri nechitanhatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Era mwanakomana waBhaasha akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza; akatonga kwamakore maviri.
9Asi gurukota rake rainzi Zimuri raiva mutungamiriri wechimwe chikamu chechikwata chevengoro dzehondo akamupandukira. Ari kuTiriza ikoko akati zvake achinwira-nwira iwe zvokutoraradza mumba maAriza mukuru mukuru aiona zvomumuzinda muTiriza imomo,
10Zimuri akapindamo akamurova akamuuraya muri mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndokubva ava kutonga panzvimbo pake.
11Paakatanga kutonga, achangoti garei pachigaro chake choumambo, akauraya vemba yaBhaasha vose zvavo asingamusiyire kana munhurume mumwechete akadai kuhama dzake kana kushamwari dzake.
12Ikoku ndokuuraya kwakaita Zimuri vose vemba yaBhaasha maererano neshoko raTenzi rakauya nokumuporofita Jehu rakananga Bhaasha
13pamusana pezvitadzo zvaBhaasha nezvomwana wake zvavakapara zvavakapinzawo nazvo vokwaIsiraeri mukutadza vachishatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri uyewo nezvifananidzo zvokunamata.
14Inga dzimwe nyaya dzezvaEra nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
Zimuri mambo wokwaIsiraeri (855 K.A.A.)15Mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Zimuri akatonga kwamazuva manomwe ari muTiriza. Izvozvo hondo dzake dzakanga dzakakomba kurwisa guta ravaFirisitia reGibhetoni.
16Hondo idzi dzakanga dziri mumatendhe iwayo dzakanzwa kuti Zimuri akamukira mambo akamuuraya naizvozvo vokwaIsiraeri vose vakabva vatora Omuri mutungamiriri wehondo vakamugadza umambo hwokwaIsiraeri zuva iroro kumatendhe avo ikoko.
17Nokudaro Omuri akabva kuGibhetoni vokwaIsiraeri vose vainaye vakandokomba Tiriza vorirwisa.
18Pakaona Zimuri kuti guta rakurirwa akatizira mumuzinda wamambo. Akapisa imba yamambo nomoto akatsviramo akafa
19pamusana pezvitadzo zvake zvaakapara zvokuita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevera zvake gwara raJerobhoamu, uyewo pamusana pechitadzo chake chaakaita chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo.
20Inga dzimwe nyaya dzezvaZimuri nokupanduka kwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsraeri.
Omuri mambo wokwaIsiraeri (855—874 K.A.A.)21Vanhu vokwaIsiraeri vakabva vakamukana kuita mapato maviri. Chimwe chikamu chakatevera Tibhini mwanakomana waGinati kuti vamuite mambo chimwewo chakatevera Omuri.
22Asi vaitevera Omuri vakakurira vaitevera Tibhini mwana waGinati, Tibhini ndokufa, Omuri ndokubva ava mambo.
23Mugore ramakumi matatu nechiposhi rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Omuri akatanga kutonga kwaIsiraeri. Akatonga kwamakore gumi namaviri. Makore matanhatu, akatonga ari kuTiriza.
24Akatenga kuna Shemeru chikomo cheSamaria nezviuru zvitanhatu zvemari yesirivha akavakirira chikomo ichochi norusvingo. Pamusana paShemeru, aimbova muridzi wechikomo ichi, akatumidza guta racho raakavaka zita rokuti Samaria.
25Omuri akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi zvokuita zvakaipa kupinda vose vakamutangira
26achitevera makwara ose aJerobhoamu mwana waNebhati nezvitadzo zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri muchitadzo vakashatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri nezvifananidzo zvavo zvokunamata.
27Inga dzimwe nyaya dzezvaOmuri dzezvinhu zvaakaita nougamba hwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
28Omuri akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muSamaria. Mwanakomana wake Ahabhu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Ahabhu mambo wokwaIsiraeri (874—853 K.A.A.)29Mugore ramakumi matatu nechisere rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Ahabhu mwanakomana waOmuri akatanga kutonga kwaIsiraeri. Ahabhu uyu mwana waOmuri akatonga kwaIsiraeri ari muSamaria kwamakumi maviri amakore ana makore maviri.
30Ahabhu mwana waOmuri akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi kupinda vose vakamutangira.
31Akaona kutevera gwara raJerobhoamu mwanakomana waNebhati sokunge chinhu chidikidiki, akatoroora zvake Jezebhero mukunda waEtibhaari mambo wevaSidhoni, akatoenda kundonamata Bhaari achimupfugamira.
32Akavakira Bhaari atari mutemberi yaBhaari yaakanga amuvakira kuSamaria.
33Ahabhu akagadzira chimufananidzo chinomiririra Ashera, mumwe mwari wechikadzi. Ahabhu uyu akaita zvakawanda zvokushatirisa Tenzi kupinda mamwe madzimambo ose okwaIsiraeri akamutangira.
34Mumazuva ake Hieri wokuBhetieri akavaka Jeriko. Kuvaka ugaro hwaro akatokuripa norufu rwomwana wake mukomana wedangwe ainzi Abhiramu. Kumisawo misuo mikuru yaro akakuripa negotwe rake rechikomana sokutaura kwakaita Tenzi nomuromo waJoshuwa mwanakomana waNuni.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.