2 Madzimambo 3 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

B: HONDO YAVAMOABHU Zita rokuti Naomi rinoreva kuti kunaka.Zita rokuti Naomi rinoreva kuti kunaka.

1Mugore regumi nechisere rokutonga kwaJehoshafati mambo wokwaJudha Jehoramu mwanakomana waAhabhu akava mambo kuSamaria. Akatonga kwamakore gumi namaviri.

2Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, chete hazvina kunge zvakaipa sezvababa naamai vake nokuti akabvisa dombo raimiririra Bhaari rakanga rakavezwa nababa vake.

3Asi akazongoramba ongoti kwatiwo nechitadzo chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati chaakanga apinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo, haana kuchikanda pasi.

4Izvozvo Mesha mambo weMoabhu aipfuya hwai. Zvino aifanira kuendesa kuna mambo wokwaIsiraeri zviuru zvinokwana zana zvehwayana newuru yaiveurwa pahondohwe zviuru zana.

5Asi mambo weMoabhu pakangofa Ahabhu, akabva apandukira mambo wekwaIsiraeri.

6Mambo Jehoramu akabva abuda muSamaria panguva iyoyo akaunganidza vokwaIsiraeri vose.

7Akandotumira shoko kuna Jehoshafati mambo wokwaJudha rokuti, “Kuno uku mambo weMoabhu akandipandukira. Hamungaendewo here neni kuhondo kundorwisa Moabhu?”

Iye akati, “Handei zvedu. Inga tiri vamwechete wani, vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu uye mabhiza angu, mabhiza enyu.”

8Akatiwo, “Toenda nokupi?”

Jehoramu ndokuti, “Nokugwenga rokuEdhomu.”

9Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri akaenda namambo wokwaJudha namambo weEdhomu. Kuzoti vapotereka kwamazuva manomwe hondo yavarwi nezvipfuwo zvayaitinhana nazvo yakashaya mvura.

10Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “O babawe kani! Tenzi aunganidza madzimambo matatu aya kuzoaisa mumaoko eMoabhu nhai.”

11Jehoshafati akabva ati, “Ko kuno uku hakuna here muporofita waTenzi watinganzwe kuti Tenzi anoti kudii nazvo?” Rimwe jinda ramambo wokwaIsiraeri rakapindura richiti, “Kuno uku kuna Erisha mwanakomana waShafati aiva wokuchingidza Eriya mvura.”

12Jehoshafati ndokubva ati, “Iyeyo ndiye munhu wacho ane dama raTenzi.” Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati namambo weEdhomu vakadzika ikoko kwaari.

13Erisha akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Ndinei newe iwe! Endaka kuvaporofita vokwababa vako nokuvaporofita vokwaamai vako.”

Mambo wokwaIsiraeri ndokupindura achiti kwaari, “A-a hapana kani! Chatauyisirwa kuno naTenzi iyesu madzimambo matatu kuti tiiswe mumaoko eMoabhu chete!”

14Erisha akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu ane gurusvusvu rehondo wandinonamata kuti dai, kusiri kuti ndatonyara zvangu mambo wokwaJudha uyu Jehoshafati, ndingadai ndatorega zvangu kukucheuka kana kukutarisa zvako.

15Chindiunziraiwo pano munhu wokuridza chipendani.”

Munhu wechipendani wacho paaichiridza kudaro simba raTenzi rakauya pana Erisha.

16Erisha akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Ndichaita kuti kakova aka kakati papata kuoma kudai kati pamupamu kuzara namadziva emvura.’

17Nokuti zvanzi naTenzi, ‘Mvura yokunaya kana mhepo hamusi kuzozviona asi kakova ikaka kachati pamupamu kuzara nemvura zvokuti munwe imi nemombe dzenyu nezvipfuwo zvenyu.’

18Asi kanhu kadiki kwazvo pana Tenzi. Achaisawo vanhu veMoabhu mumaoko enyu

19mugokurira guta rimwe nerimwe rakavakirirwa norusvingo neguta rose rose ravo repamwoyo, muti wose zvawo wakanaka muchirizha, matsime ose emvura muchifushira, ndimo dzose mudzitutire matombo.”

20Ramangwana acho mangwanani, panguva yokupira chibayiro, heino mvura ikati youya ichiyerera nokuEdhomu kusvikira nyika yose iyoyo yachiti fasha nemvura.

21VaMoabhu vose pavakanzwa kuti madzimambo iwayo akanga akwira ikoko kuzovarwisa, vakakokorodza wose aigona kupfeka chidemautare kubvira kuvadukuduku kusvikira kuvakuru vakavaronganisa kumuganhu wenyika iyoyo.

22Pavakafumomuka mangwanani acho zuva rakavheneka pamvura paya, vaMoabhu vakatarisa kumvura iyi iri pakatarisana napavaiva onei yakati piriviri kutsvuka seropa

23vakati, “Inga iropa iro. Madzimambo aye arwisana chete akaurayana. Saka zvino vaMoabhu we-e, handei kundopamba zvinhu!”

24Asi pavakasvika kumatendhe eIsiraeri, vaIsiraeri vakamuka vakarwisa vaMoabhu kusvikira vavatiza. Vakabva vati navo navo vachirakatisa kuuraya vaMoabhu mukudzingirirana navo ikoku.

25Vakakurira maguta acho. Pandimo yose zvayo munhu wose akakandapo dombo, pakasara pati ware ware nawo, vakafushira matsime ose vakarizha miti yose yakanaka kusvikira matombo eko angosara kuguta reKirihareseti. Varwi vokurwisa nezvimviriri vakarikomberana vakarikurira.

26Pakaona mambo weMoabhu kuti hondo yamuipira akatorana namazana manomwe avarwi vemapakatwa woda kupukunyuka nepana mambo weEdhomu asi havana kuzvigona.

27Ndopaakazobata mwana wake mukomana akanga ariye wokuzotonga pachinzvimbo pake akamupira parusvingo sechibayiro chokupisa. Izvozvi zvakashayisa kwazvo vaIsiraeri romuromo vakabva vamurega vakadzokera kunyika kwavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help